Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 109

Jesu Anoshoropodza Vatungamiriri Vechitendero Vanomupikisa

Jesu Anoshoropodza Vatungamiriri Vechitendero Vanomupikisa

MATEU 22:41–23:24 MAKO 12:35-40 RUKA 20:41-47

  • KRISTU MWANAKOMANA WAANI?

  • JESU ANOFUMURA VANHU VANOMUPIKISA VANE UNYENGERI

Vatungamiriri vechitendero vari kupikisa Jesu vaedza kuita kuti vanhu vasamuremekedze asi vakundikana uye vatadzawo kumuwanira mhosva yekuti vamuendese kuvatongi veRoma. (Ruka 20:20) Uchiri musi waNisani 11 uye Jesu achiri patemberi. Iye zvino ndiye anovatanga, achida kuvaratidza kuti iye ndiye ani, ovabvunza kuti: “Munofungei pamusoro paKristu? Mwanakomana waani?” (Mateu 22:42) Zvinonyatsozivikanwa kuti Kristu kana kuti Mesiya anofanira kuuya nemudzinza raDhavhidhi. Saka vanomupindura saizvozvo.—Mateu 9:27; 12:23; Johani 7:42.

Jesu anovabvunza kuti: “Saka sei Dhavhidhi afuridzirwa, achimuti ‘Ishe,’ paanoti, ‘Jehovha akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako”’? Naizvozvo, kana Dhavhidhi achimuti ‘Ishe,’ iye mwanakomana wake sei?”—Mateu 22:43-45.

VaFarisi vanoramba vakanyarara nekuti vari kutarisira kuti munhu anobva murudzi rwaDhavhidhi ndiye angangovanunura kubva pakutongwa nevaRoma. Asi mashoko ashandiswa naJesu ari pana Pisarema 110:1, 2, anoratidza kuti Mesiya haasi kuzongova mambo akangofananawo nemamwe madzimambo. Anotova Ishe waDhavhidhi, uye kana agara kuruoko rwaMwari rwerudyi, acharatidza simba rake. Mhinduro yaJesu inoita kuti vanhu vari kumupikisa vabva vati zii.

Nguva yose iyi, vadzidzi vake nevamwewo vakawanda vanga vachiteerera. Iye zvino anotanga kuvanyevera nezvevanyori nevaFarisi. Varume ava “vakazvigarisa pachigaro chaMosesi” kuti vadzidzise Mutemo waMwari. Jesu anoudza vateereri vake kuti: “Zvinhu zvose zvavanokuudzai, zviitei uye zvichengetei, asi musaita maererano nemabasa avo, nokuti vanotaura asi havaiti.”—Mateu 23:2, 3.

Jesu anobva ataura zvimwe zvinhu zvinoratidza unyengeri hwavo achiti: “Vanokudza tubhokisi tune magwaro twavanopfeka sezvinhu zvinodzivirira.” Tubhokisi utwu tunenge tuine ndima pfupi dzemuMutemo. Vamwe vaJudha vanotusungirira pamhanza kana kuti paruoko uye tunenge tusina kunyanya kukura. Asi vaFarisi vanokudza twavo kuti vaite sevanhu vanotevedzera Mutemo chaizvo. Vanokudzawo ‘masa enguo dzavo.’ VaIsraeri vaifanira havo kugadzira masa panguo dzavo, asi vaFarisi vanotova nechokwadi chekuti avo akakura kupfuura evamwe. (Numeri 15:38-40) Zvose izvi vanozviitira kuti “vaonekwe nevanhu.”—Mateu 23:5.

Kunyange vadzidzi vaJesu vanogona kupindwawo nepfungwa yekuda ukuru, saka anovapa zano rekuti: “Imi, musanzi Rabhi, nokuti mudzidzisi wenyu mumwe chete, asi imi mose muri hama. Zvakare, musati baba kumunhu ari panyika, nokuti Baba venyu vamwe chete, Ivo vokudenga. Uyewo musanzi ‘vatungamiriri,’ nokuti Mutungamiriri wenyu mumwe chete, iye Kristu.” Saka vadzidzi vanofanira kuzviona sei uye vanofanira kuzvibata sei? Jesu anovaudza kuti: “Mukuru pakati penyu ngaave mushumiri wenyu. Munhu wose anozvikwidziridza achaninipiswa, uye munhu wose anozvininipisa achakwidziridzwa.”—Mateu 23:8-12.

Jesu anotanga kutaura zvinhu zvakaipa zvinoitwa nevanyori nevaFarisi vane unyengeri, achitaura kuti vane nhamo: “Mune nhamo imi, vanyori nevaFarisi, vanyengeri! nokuti munovharira vanhu umambo hwokumatenga; nokuti imi hamupindi, uyewo hamubvumiri vaya vari kupinda kuti vapinde.”—Mateu 23:13.

Jesu anoshora vaFarisi nekuti kusiyanisa kwavanoita zvinhu kusina kana nemusoro kunoratidza kuti havaone zvinhu semaonerwo azvinoitwa naMwari. Somuenzaniso vanoti: “Kana munhu akapika netemberi, hazvina basa; asi kana munhu akapika nendarama yetemberi, anosungirwa kuti azviite.” Saka vanobva varatidza kuti mapofu pakuti vanokoshesa ndarama iri patemberi panzvimbo pekutokoshesa imba yacho inoshandiswa pakunamata Jehovha. Vakaregawo “nyaya dzakakura kwazvo dzoMutemo, dzinoti, kururamisira nengoni uye kutendeka.”—Mateu 23:16, 23; Ruka 11:42.

Jesu anotaura kuti vaFarisi ava “vatungamiriri vakapofumara, vanomimina unyunyu asi vachimedza ngamera!” (Mateu 23:24) Vanomimina unyunyu hunenge hwawira muwaini yavo nekuti Mutemo unoti chipembenene ichi hachina kuchena. Asi kusava nehanya kwavo nenyaya dzinokosha dzeMutemo kwakafanana nekumedza ngamera, mhuka isina kuchenawo asi yakatokurisa.—Revhitiko 11:4, 21-24.