Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 111

Vadzidzi Vanokumbira Chiratidzo

Vadzidzi Vanokumbira Chiratidzo

MATEU 24:3-51 MAKO 13:3-37 RUKA 21:7-38

  • VADZIDZI VANA VANOKUMBIRA CHIRATIDZO

  • ZVINOTAURWA NAJESU ZVICHAZADZISWA MUNGUVA YAVO UYE MUNE RAMANGWANA

  • TINOFANIRA KURAMBA TAKARINDA

Rava zuva rovira musi weChipiri, Nisani 11. Kupera kuri kuita zuva iri ndiko kuperawo kuri kuita mazuva aJesu ekushanda nesimba pano panyika. Mazuva achangopfuura anga achidzidzisa patemberi masikati uye manheru anga achienda kunorara kuBhetani. Vanhu vakawanda vanga vachifarira zvikuru zvaanga achidzidzisa uye vanga vachiuya “kwaari mangwanani-ngwanani mutemberi kuzomunzwa.” (Ruka 21:37, 38) Zvose izvozvo zvapfuura uye iye zvino Jesu akagara paGomo reMiorivhi nevadzidzi vake vana vanoti Petro, Andreya, Jakobho naJohani.

Vadzidzi ava vana vauya kwaari pasina vamwe. Vari kunetseka nezvemashoko ataurwa naJesu nezvetemberi ekuti hapana dombo richazombosiyiwa riri pamusoro perimwe dombo. Asi vane zvimwewo zviri kuvanetsa. Jesu akambovakurudzira kuti: “Rambai makagadzirira, nokuti Mwanakomana womunhu anouya paawa yamusingafungidziri.” (Ruka 12:40) Akanga ambotaurawo nezvezuva ‘richaratidzwa Mwanakomana womunhu.’ (Ruka 17:30) Kuti mashoko aya ane chekuita nezvaabva kutaura nezvetemberi here? Vaapostora vari kuda chaizvo kuziva nezvazvo. Vanobvunza kuti: “Tiudzei, Zvinhu izvi zvichaitika rini, uye chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho?”—Mateu 24:3.

Vanogona kunge vari kufunga nezvekuparadzwa kwetemberi yavari kutoona, uye vari kuda kuziva nezvekuvapo kweMwanakomana wemunhu. Pamwe vachiri kuyeuka kuti Jesu akambopa mufananidzo wemumwe “murume weimba huru” akaita rwendo “kuti anowana simba roumambo ndokuzodzoka hake.” (Ruka 19:11, 12) Vanogona kunge vasiri kunyatsonzwisisawo kuti chii chichange chichiitika ‘pakuguma kwemamiriro ezvinhu.’

Paanovapindura, Jesu anodonongodza zvichange zvakaita chiratidzo chichavabatsira kuziva kuti mamiriro ezvinhu echiJudha ava kuguma uye chekuti temberi yava kuda kuparadzwa. Asi ane zvimwe zvaanotsanangura. Chiratidzo ichi chichabatsirawo vaKristu kuti vazive kana vava kurarama ‘mukuvapo’ kwake uye kuti vava pedyo nekuguma kwemamiriro ezvinhu epasi rose.

Nekupindana kwemakore, vaapostora vachaona uprofita hwaJesu huchizadziswa. Zvinhu zvakawanda zvaari kutaura vachatozviona zvichiitika vachiri vapenyu. Saka pachasvika gore ra70 C.E. pashure pemakore 37, vaKristu vanenge vachicherechedza zviri kuitika havasi kuzosvikirwa nemugumo wemamiriro ezvinhu echiJudha uye kuparadzwa kwetemberi yavo vakavarayirwa. Asi hazvisi zvese zvinotaurwa naJesu zvinoitika mugore ra70 C.E. kana kuti rava kuda kusvika. Saka ndezvipi zvichazozadziswa zvichiratidza kuvapo kwake musimba reUmambo? Jesu anobva audza vaapostora vake mhinduro yacho.

Anoti kuchava “nehondo nemashoko ezvehondo” uye kuti “rudzi ruchamukira rudzi noumambo huchamukira umambo.” (Mateu 24:6, 7) Anotiwo “kuchava nokudengenyeka kwenyika kukuru, uye munzvimbo nenzvimbo muchava nematenda nokushomeka kwezvokudya.” (Ruka 21:11) Jesu anoyambira vadzidzi vake kuti: “Vanhu vachakubatai, vokutambudzai.” (Ruka 21:12) Kuchava nevaprofita venhema uye vachatsausa vakawanda. Vanhu vachawedzera kusateerera mutemo uye vakawanda vachange vasisina rudo. Anotiwo “mashoko akanaka oumambo achaparidzwa munyika yose inogarwa kuti ave uchapupu kumarudzi ose; uye zvadaro kuguma kuchasvika.”—Mateu 24:14.

Tatoona kuti kunyange zvazvo zvimwe zviri muuprofita hwaJesu zvichizadziswa Jerusarema rava kuda kuparadzwa uye parinoparadzwa nevaRoma, uprofita uhwu huchanyatsozadziswa mune ramangwana. Uri kuona here kuzadziswa kukuru kweuprofita hwaJesu mazuva ano?

Paari kutaura nezvechiratidzo chekuvapo kwake, Jesu anotiwo pachaonekwa “chinhu chinonyangadza chinokonzera kuparadzwa.” (Mateu 24:15) Chinhu chinonyangadza ichi chinozooneka muna 66 C.E., mauto eRoma ‘paanodzika musasa’ aine zviratidzo zvenyika yawo izvo zvinomiririra kunamatwa kwezvifananidzo. Mauto aya anokomba Jerusarema otanga kuchera masvingo aro nechepasi. (Ruka 21:20) Saka “chinhu chinonyangadza” chinenge chamira panzvimbo yachisingafaniri kunge chiri, inoonekwa nevaJudha ‘senzvimbo tsvene.’

Jesu anoenderera mberi achiti: “Pachava nokutambudzika kukuru kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo hakuzoitikizve.” Muna 70 C.E., vaRoma vanozoparadza Jerusarema. Kuparadzwa ikoko ‘kweguta dzvene’ revaJudha netemberi yaro idambudziko guru zvechokwadi nekuti zviuru zvevanhu zvinourayiwa. (Mateu 4:5; 24:21) Uku kunenge kuri kuparadzwa kukuru kusati kwamboitika kuguta iri zvekuti hapana kana nemuJudha mumwe chete anenge ati amboona kuparadzwa kwakadai uye kunobva kwagumisa urongwa hwekunamata hwanga huchitevedzwa nevaJudha kwemazana emakore. Kana zvakadaro, kuzadziswa kuri mberi kwemashoko euprofita hwaJesu kunofanira kunge kuchityisa zvechokwadi.

KUVA NECHIVIMBO MUMAZUVA EKUPEDZISIRA

Jesu haasati apedza kuudza vadzidzi vake nezvechiratidzo chekuvapo kwake musimba reUmambo uye nechemugumo. Iye zvino anovanyevera kuti vasatevera “vanaKristu venhema nevaprofita venhema.” Anotaurawo kuti vanhu ivavo vachaedza kuti “vatsause kunyange vakasarudzwa.” (Mateu 24:24) Asi vakasarudzwa ava havasi kuzotsauswa. VanaKristu venhema vachange vachioneka. Asi kuvapo kwaJesu kuchange kusingaoneki.

Achitaura nezvekutambudzika kukuru kuchaitika pakuguma kwemamiriro ezvinhu aripo, Jesu anoti: “Zuva richasviba, uye mwedzi hauzobudisi chiedza chawo, nyeredzi dzichawa dzichibva kudenga, uye masimba okumatenga achazununguswa.” (Mateu 24:29) Vaapostora havazivi kuti zviri kutaurwa naJesu zvichanyatsoitika sei, asi chokwadi ndechekuti zvichange zvichityisa.

Vanhu vachaita sei pavachaona zvinhu izvi zvinotyisa? Jesu anoti: ‘Vanhu vachapera simba nokutya uye nokutarisira zvinhu zvinouya pamusoro penyika inogarwa; nokuti masimba okudenga achazununguswa.’ (Ruka 21:26) Jesu ari kutaura nezvechiitiko chinosuwisa zvikuru chati chamboitika pakugara kwose kwaita vanhu pasi pano.

Jesu anokurudzira vaapostora nekuvajekesera kuti havasi vese vachange vachichema ‘Mwanakomana womunhu paachauya nesimba nokubwinya kukuru.’ (Mateu 24:30) Atombotaura kuti Mwari achapindira “nokuda kwevakasarudzwa.” (Mateu 24:22) Saka vadzidzi vaJesu vakatendeka vanofanira kuita sei pachaitika zvinhu zvinotyisa zvaari kutaura? Jesu anokurudzira vateveri vake kuti: “Panotanga kuitika zvinhu izvi, mirai muti twasu, musimudze misoro yenyu, nokuti kununurwa kwenyu kuri kuswedera pedyo.”—Ruka 21:28.

Asi vadzidzi vaJesu vachange vari vapenyu nguva iyi paichasvika vachaziva sei kuti kuguma kwava pedyo? Jesu anopa mufananidzo une chekuita nemuonde achiti: “Bazi rawo duku parinongova nyoro ropfumvutira, munoziva kuti zhizha rava pedyo. Saizvozvo nemiwo, pamunoona zvinhu zvose izvi, zivai kuti iye ava pedyo pamasuo. Chokwadi ndinoti kwamuri chizvarwa chino hachizombopfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika.”—Mateu 24:32-34.

Saka vadzidzi pavachaona zvinhu zvakasiyana-siyana zvine chekuita nechiratidzo chaataura zvichizadziswa, vanofanira kuziva kuti kuguma kwava pedyo. Jesu anoudza vadzidzi vake vachange vari vapenyu panguva iyoyo inokosha yambiro yekuti:

“Hapana munhu anoziva nezvezuva iroro neawa, kunyange ngirozi dzokumatenga kana Mwanakomana, asi Baba voga. Nokuti sezvakanga zvakaita mazuva aNoa, ndizvo zvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana womunhu. Nokuti sezvavakanga vakaita mumazuva iwayo mafashamo asati auya, vakanga vachidya vachinwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka; uye havana kucherechedza kusvikira mafashamo auya akavakukura vose, ndizvo zvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana womunhu.” (Mateu 24:36-39) Mafashamo emunguva yaNoa, ayo ari kushandiswa naJesu semufananidzo, akaitika pasi rose.

Pavari kuteerera zviri kutaurwa naJesu paGomo reMiorivhi, vaapostora vanoona kuti zvechokwadi vanofanira kugara vakamuka. Jesu anoti: “Zvichenjererei kuti mwoyo yenyu irege kumboremerwa nokudyisa nokunwisa nokuzvidya mwoyo nezvinhu zvoupenyu, uye zuva iroro rikangoerekana rakusvikirai pakarepo seriva. Nokuti richauya pane vaya vose vanogara pamusoro penyika yose. Saka rambai makamuka, muchigara muchiteterera kuti mugone kupukunyuka zvinhu zvose izvi zvinofanira kuitika, uye kumira pamberi poMwanakomana womunhu.”—Ruka 21:34-36.

Apa Jesu ari kuratidza zvekare kuti zvaari kutaura hazvisi kuzongoitika kuvanhu vashomanana chete. Haasi kuprofita nezvezvinhu zvichazadziswa mumakore mashomanana ari kuuya chete uye zvine chekuita neguta reJerusarema kana kuti rudzi rwechiJudha bedzi. Asi ari kutaura zvinhu zvichaitika kune ‘vaya vanogara pamusoro penyika yose.’

Jesu anoti vadzidzi vake vanofanira kuramba vakamuka, vakarinda uye vakagadzirira. Anosimbisa yambiro yake nemumwe mufananidzo achiti: “Zivai chinhu chimwe chete, kuti kudai muridzi wemba akanga aziva kuti mbavha yaizouya panguva ipi yokurinda, angadai akaramba akamuka uye asina kubvumira imba yake kuti ipazwe. Nokuda kweizvi, nemiwo ivai vakagadzirira, nokuti Mwanakomana womunhu ari kuuya paawa yamusingafungi kuti ndiyo.”—Mateu 24:43, 44.

Jesu anobva audza vadzidzi vake mashoko anovapa tariro. Anovavimbisa kuti uprofita hwake pahunenge huchizadziswa, pachange paine “muranda” anenge akamuka uye achishanda nesimba. Anotaura mashoko ari nyore kunzwisiswa nevaapostora vake okuti: “Ndiani muranda akatendeka, akangwara, akagadzwa natenzi wake paveimba yake, kuti avape zvokudya zvavo panguva yakakodzera? Anofara muranda iyeye kana tenzi wake akamuwana achiita saizvozvo paanosvika! Chokwadi ndinoti kwamuri, Iye achamugadza pazvinhu zvake zvose.” Asi kana “muranda” iyeye akatanga kuita zvakaipa achibata vamwe zvisina kunaka, tenzi wacho “achamuranga zvakaoma kwazvo.”—Mateu 24:45-51; enzanisa naRuka 12:45, 46.

Zvisinei, Jesu haasi kureva kuti pachava nerimwe boka revateveri vake richapedzisira rava kuita zvakaipa. Saka Jesu ari kuda kupa vadzidzi vake chidzidzo chei? Ari kuda kuti varambe vakarinda, vachishanda nesimba sezvaanotaura mune mumwe mufananidzo waanozopa.