Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 112

Mufananidzo Wemhandara Gumi

Mufananidzo Wemhandara Gumi

MATEU 25:1-13

  • JESU ANOPA MUFANANIDZO WEMHANDARA GUMI

Jesu anga achipindura mubvunzo wevaapostora vake une chekuita nechiratidzo chekuvapo kwake uye chekuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho. Achienderera mberi nekuvapindura, anovataurira mumwe mufananidzo achivayambira. Kuzadziswa kwawo kuchaonekwa nevaya vachange vachirarama panguva yekuvapo kwake.

Anotanga mufananidzo wacho achiti: “Umambo hwokumatenga huchava hwakafanana nemhandara gumi dzakatora marambi adzo dzikabuda kunochingura muroori. Shanu dzacho dzakanga dzakapusa, asi shanu dzakanga dzakangwara.”—Mateu 25:1, 2.

Jesu haasi kureva kuti hafu yevadzidzi vachawana nhaka yeUmambo hwekumatenga ichange yakapusa uye imwe hafu ichange yakangwara. Chaari kureva ndechekuti, panyaya yeUmambo, mudzidzi mumwe nemumwe anokwanisa kusarudza kuva akangwara kana kuti anogona kutsauswa. Asi Jesu ane chokwadi chekuti mumwe nemumwe wevadzidzi vake anogona kuramba akatendeka okomborerwa naBaba vake.

Mumufananidzo uyu, mhandara dzacho gumi dzinoenda kunotambira muroori, kana kuti murume ari kuchata, kuti dzipinde naye mumabiko emuchato. Paanosvika, mhandara dzacho dzichafanira kuvheneka nzira nemarambi, dzichipembera naye achienda nemwenga wake kumba. Asi zvinhu zvinozofamba sei?

Jesu anotsanangura kuti: “[Mhandara] dzakapusa dzakatora marambi adzo dzikasatora mafuta, asi dzakangwara dzakatora mafuta mumidziyo yadzo nemarambi adzo. Muroori paakanga achinonoka, dzose dzakatsimwaira dzikarara.” (Mateu 25:3-5) Murume ari kuchata haasvike panguva yaanenge achitarisirwa. Kunonoka kwaaita kunoita kuti mhandara dzibatwe nehope. Vaapostora vanogona kuyeuka zvakambotaurwa naJesu nezvemurume weimba huru “akaenda kunyika iri kure kuti anowana simba roumambo ndokuzodzoka hake.”Ruka 19:11-15.

Mumufananidzo wemhandara gumi, Jesu anotsanangura zvinozoitika murume ari kuchata paanosvika. Anoti: “Pakati pousiku chaipo kushevedzera kwakanzwika, zvichinzi, ‘Heuno muroori! Budai muzomuchingura.’” (Mateu 25:6) Mhandara dzacho dzakagadzirira here?

Jesu anoenderera mberi achiti: “Mhandara dzose idzodzo dzakabva dzamuka, dzikagadzirira marambi adzo. Dzakapusa dzakati kune dzakangwara, ‘Tipeiwo mamwe mafuta enyu, nokuti marambi edu ava kuda kudzima.’ Dzakangwara dzakapindura nemashoko okuti, ‘Zvichida pangasava neanonyatsotikwanira isu nemi. Asi, endai kune vanoatengesa muzvitengere.’”—Mateu 25:7-9.

Saka mhandara shanu dzakapusa hadzina kugadzirira kuuya kwemurume ari kuchata. Hadzina mafuta akakwana emarambi saka dzava kufanira kutsvaga mamwe. Jesu anorondedzera kuti: “Pavakanga vachienda kunotenga, muroori akasvika, uye mhandara dzakanga dzakagadzirira dzakapinda naye mumutambo womuchato; uye suo rakavharwa. Pashure paizvozvo dzimwe mhandara dzose dzakauyawo, dzichiti, ‘Changamire, changamire, tivhurireiwo!’ Achipindura, iye akati, ‘Ndinokuudzai chokwadi, handikuzivii.’” (Mateu 25:10-12) Zvechokwadi kusagadzirira kwavabatisa pasi!

Vaapostora vanogona kunzwisisa kuti Jesu ari kuzvifananidza nemurume ari kuchata. Pane imwe nguva, akatombozviti muroori. (Ruka 5:34, 35) Ko mhandara dzakangwara dzinomiririra ani? Achitaura ‘nezveboka duku’ richapiwa Umambo, Jesu akambotaura kuti: “Zviuno zvenyu ngazvive zvakasungwa uye marambi enyu achibvira.” (Ruka 12:32, 35) Saka mumufananidzo wemhandara, vaapostora vanogona kunzwisisa kuti mhandara dziri kufananidzira vanhu vakaita saivo. Asi chidzidzo chipi chiri kupihwa naJesu mumufananidzo uyu?

Jesu haavasiyi vari murima. Anopedzisa mufananidzo wacho nemashoko okuti: “Naizvozvo, rambai makarinda nokuti hamuzivi zuva racho kana awa yacho.”—Mateu 25:13.

Saka zviri pachena kuti Jesu ari kukurudzira vateveri vake vakatendeka kuti vanofanira ‘kuramba vakarinda’ panguva yekuvapo kwake. Kufanana nemhandara dziya shanu dzakangwara, vanofanira kugara vakagadzirira kuti vasarasikirwa netariro yavo uye nemubayiro wavanogona kuwana paanouya.