Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 113

Mufananidzo Wematarenda

Mufananidzo Wematarenda

MATEU 25:14-30

  • JESU ANOTAURA MUFANANIDZO WEMATARENDA

Jesu nevaapostora vake vana vachiri muGomo reMiorivhi uye anovaudza mumwe mufananidzo. Mazuva mashomanana achangopfuura, ari kuJeriko, akataura mufananidzo wemamaina achiratidza kuti Umambo huchiri kure nekuuya. Mufananidzo waava kuda kutaura wakada kufanana naiwoyu. Achiri kuenderera mberi nekupindura zvaabvunzwa nezvekuvapo kwake uye kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho. Mufananidzo uyu unoratidza kuti vadzidzi vake vanofanira kushanda nesimba pabasa raachavasiyira.

Jesu anoti: “Zvakafanana nezvakaitika mumwe murume paakanga ava kuda kuenda kunze kwenyika, akashevedza varanda vake, akavaronzesa zvinhu zvake.” (Mateu 25:14) Sezvo Jesu akatombozvifananidza nemurume akafamba achienda kunyika iri kure “kuti anowana simba roumambo,” zviri nyore kuti vaapostora vaone kuti “murume” waari kureva ndiye Jesu pachake.—Ruka 19:12.

Murume wemumufananidzo uyu anosiya achengetesa varanda vake zvinhu zvake zvinokosha asati aenda. Mumakore matatu nehafu eushumiri hwake, Jesu akaisa pfungwa dzake pakuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari, uye akadzidzisa vadzidzi vake kuita basa iri. Iye zvino achavasiya aine chivimbo chekuti vachaita zvaakavadzidzisa.—Mateu 10:7; Ruka 10:1, 8, 9; enzanisa naJohani 4:38; 14:12.

Mumufananidzo uyu, murume wacho anogovanisa sei zvinhu zvake? Jesu anorondedzera kuti: “Akapa mumwe matarenda mashanu, mumwe maviri, mumwezve rimwe chete, mumwe nomumwe maererano nezvaaikwanisa, akaenda kunze kwenyika.” (Mateu 25:15) Varanda ava vachaita sei nematarenda avasiyirwa? Vane zvavachaita nawo zvichabatsira tenzi wavo here? Jesu anoudza vaapostora kuti:

“Uya akagamuchira matarenda mashanu akabva angoenda, akaita bhizimisi nawo, akawana mamwe mashanu. Saizvozvowo uya akagamuchira maviri akawana mamwe maviri. Asi uya akagamuchira rimwe chete akaenda, akachera muvhu, akavanza mari yesirivha yatenzi wake.” (Mateu 25:16-18) Chii chichaitika tenzi wacho paanodzoka?

Jesu anoenderera mberi achiti: “Pashure penguva refu, tenzi wevaranda ivavo akauya, akagadzirisa zvemari dzake navo.” (Mateu 25:19) Vaviri vekutanga vakaita “mumwe nomumwe maererano nezvaaikwanisa.” Vose vakashanda nesimba, pakuita kuti matarenda avakanga vakasiyirwa awande. Mumwe nemumwe akaita kuti matarenda ake abereke zvakapetwa kaviri, wemashanu achiwana mamwe mashanu uye wemaviri achiwana mamwe maviri. (Makore aya mushandi aifanira kutoshanda makore angasvika 19 kuti akwanise kuwana tarenda rimwe chete.) Tenzi wacho anorumbidza mumwe nemumwe wavo achiti: “Waita zvakanaka, muranda akanaka uye akatendeka! Wakanga wakatendeka pazvinhu zvishoma. Ndichakugadza kuti utarisire zvinhu zvizhinji. Fara pamwe chete natenzi wako.”—Mateu 25:21.

Asi handizvo zvakaitwa nemuranda akasiyirwa tarenda rimwe chete. Akati: “Tenzi, ndaiziva kuti muri munhu akaoma, munokohwa pamusina kudyara uye munounganidza pamusina kuurutsa. Naizvozvo ndakatya, ndikaenda, ndikanovanza tarenda renyu muvhu. Hezvi zvinhu zvenyu.” (Mateu 25:24, 25) Haana kana kumboisa mari yacho mubhanga kuitira kuti tenzi wake awane yabereka. Akatoita zvaipesana nezvaidiwa natenzi wake.

Ndokusaka tenzi wacho achizomuti “muranda akaipa uye ane usimbe.” Anobva atorerwa tarenda raanga ainaro ropiwa muranda anoshanda nesimba. Tenzi wacho anobva ataura maonero aanoita nyaya yacho achiti: “Munhu wose anazvo, achawedzerwa zvimwe uye achava nezvizhinji; asi uya asina, kunyange nezvaainazvo achazvitorerwa.”—Mateu 25:26, 29.

Vadzidzi vaJesu vane zvakawanda zvekufunga nezvazvo, kusanganisira zvataurwa mumufananidzo uyu. Vanoona kuti basa rekuita vadzidzi ravari kupiwa naJesu rinokosha zvikuru. Uye ari kutarisira kuti vashande nesimba pakuriita. Jesu haasi kutarisira hake kuti vose vaite zvakaenzana pakuita basa raakavapa rekuparidza. Sezvaataura mumufananidzo wake, mumwe nemumwe anofanira kuita ‘maererano nezvaanokwanisa.’ Izvi hazvireve kuti Jesu achafara kana mumwe munhu akaita “usimbe” otadza kuita zvose zvaanogona pakuita basa raTenzi wake.

Asi vaapostora vanofara zvikuru nevimbiso yekuti: “Munhu wose anazvo, achawedzerwa zvimwe.”