Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 115

Paseka yaJesu Yekupedzisira Yava Pedyo

Paseka yaJesu Yekupedzisira Yava Pedyo

MATEU 26:1-5, 14-19 MAKO 14:1, 2, 10-16 RUKA 22:1-13

  • JUDHASI ISKARIYOTI ANOBHADHARWA MARI YOKUTENGESA JESU

  • VAAPOSTORA VAVIRI VANOGADZIRIRA PASEKA

Jesu anopedza kudzidzisa vaapostora vake vana paGomo reMiorivhi, paanga ari kuvapindura mubvunzo une chekuita nekuvapo kwake uye kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.

Aswera akabatikana musi uyu waNisani 11. Zvimwe vava munzira kudzokera kuBhetani kwavari kunorara, Jesu anoudza vaapostora vake kuti: “Munoziva kuti mazuva maviri kubva zvino paseka ichaitika, uye Mwanakomana womunhu achaiswa kwavari kuti arovererwe.”—Mateu 26:2.

Zuva rinozotevera, reChitatu, zvichida Jesu anoswera nevadzidzi vake vari voga. Nezuro akatuka vatungamiriri vechitendero uye akavafumura pakazara vanhu. Vari kuda kumuuraya. Saka nhasi musi waNisani 12, Jesu haasi kuda kuonekwa nevanhu kuti pasava nechinoitika chinozomutadzisa kuchengeta Paseka nevaapostora vake mangwana manheru panotanga Nisani 14.

Asi vapristi vakuru nevarume vakuru vari mubishi kurongera Jesu. Paseka ichiswedera kudai, vanoungana muchivanze chemupristi mukuru Kayafasi. Nechikonzero chei? Vakatsamwa nekuti Jesu anogara achivafumura. Saka vanorangana pamwe chete “kuti vabate Jesu vachishandisa zano remanomano kuti vamuuraye.” Vachazviita riini uye vachazviita sei? Vanoti: “Kwete pamutambo, kuti parege kumuka mheremhere pakati pevanhu.” (Mateu 26:4, 5) Vari kutya nekuti Jesu anofarirwa nevanhu vakawanda.

Vari pakati pekuronga kudai, vatungamiriri vechitendero vanotsikwa nemuenzi. Vanoshamisika pavanoona ari mumwe wevaapostora vaJesu pachake, Judhasi Iskariyoti. Satani aita kuti apindwe nepfungwa yekutengesa Tenzi wake! Judhasi anovabvunza kuti: “Muchandipei kuti ndimutengese kwamuri?” (Mateu 26:15) Vanofadzwa nemashoko ake zvokuti vanobvumirana “kumupa mari yesirivha.” (Ruka 22:5) Marii? Vanowirirana kumupa masirivha 30. Sezvineiwo, mashekeri 30 ndiwo mutengo wemuranda. (Eksodho 21:32) Izvi zvinonyatsoratidza kuti vatungamiriri vechitendero ava vanoona Jesu semunhu wenhando. Judhasi anobva atanga “kutsvaka mukana wakanaka wokumutengesa kwavari pasina boka revanhu.”—Ruka 22:6.

Nisani 13 anotanga panovira zuva musi weChitatu, uye ndihwo usiku hwechitanhatu nehwokupedzisira Jesu achirara muBhetani. Mangwana, Jesu nevadzidzi vake vanofanira kupedzisa kugadzirira Paseka. Vanofanira kutsvaga gwai kuitira kuti riurayiwe uye rigochwe rose rakadaro panongotanga Nisani 14. Vachadyira kupi Paseka yacho uye ndiani achavagadzirira? Jesu haasati audza vadzidzi vake. Saka Judhasi haasati ava nemashoko okuudza vapristi vakuru.

Musi weChina, zvimwe kwava kumasikati, Jesu anotuma Petro naJohani vachibva kuBhetani, achiti: “Endai munotigadzirira paseka kuti tidye.” Vanomupindura kuti: “Munoda kuti tinoigadzirira kupi?” Jesu anovatsanangurira kuti: “Pamunopinda muguta muchasangana nomurume akatakura chirongo chemvura. Muteverei mumba maanopinda. Zvino muti kumuridzi wemba, ‘Mudzidzisi ati kwauri: “Imba yevaeni iri kupi mandingadyira paseka nevadzidzi vangu?”’ Murume iyeye achakuratidzai imba huru yepamusoro yakashongedzerwa. Igadzirirei imomo.”—Ruka 22:8-12.

Zviri pachena kuti muridzi wemba yacho mumwe wevadzidzi vaJesu. Anogona kunge ari kutotarisira kuti Jesu achakumbira kushandisa imba yake paPaseka. Vaapostora vacho vaviri pavanosvika kuJerusarema, vanowana zvinhu zvakaita sezvavaudzwa naJesu chaizvo. Saka vanoona kuti gwai ragadzirwa uye kuti zvimwe zvose zvine chokuita nekudya kwePaseka zvichadiwa naJesu nevadzidzi 12 zvagadzirwawo.