Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 118

Nharo Dzinomuka

Nharo Dzinomuka

MATEU 26:31-35 MAKO 14:27-31 RUKA 22:24-38 JOHANI 13:31-38

  • JESU ANOPA ZANO PANYAYA YOKUDA ZVINZVIMBO

  • PETRO ANOUDZWA KUTI ACHARAMBA JESU

  • VATEVERI VAJESU VANOZIVIKANWA NERUDO

Usiku huno hwokupedzisira aine vaapostora vake, Jesu avapa chidzidzo chakanaka paaita basa rakaderera rekugeza tsoka dzavo. Nei aita izvi? Nekuti pane dambudziko ravainaro. Kunyange zvazvo vakazvipira kuna Mwari, vachiri kunetsana nenyaya yekuti ndiani mukuru pane vamwe. (Mako 9:33, 34; 10:35-37) Nyaya iyoyi inomuka zvakare usiku huno.

Vaapostora vanotanga kuita ‘nharo huru pakati pavo pamusoro pokuti ndiani wavo aiita somukuru pane vose.’ (Ruka 22:24) Zvinofanira kurwadza Jesu zvikuru kuvaona vachipopotedzana zvakare. Anoita sei?

Pane kuti avapopotere nekuda kwemafungiro nemaitiro avo asina kunaka, Jesu anovabatsira nemwoyo murefu achiti: “Madzimambo emamwe marudzi anozviita madzishe paari, uye vaya vane simba pamusoro pawo vanonzi Vabatsiri. Zvisinei, imi hamufaniri kuva vakadaro. . . . Nokuti mukuru ndiani, akatsenhama patafura kana uya ari kushumira?” Anobva avayeuchidza nezvezvaanogara achiita iye pachake achiti: “Asi ini ndiri pakati penyu souya ari kushumira.”—Ruka 22:25-27.

Pasinei nekuti vaapostora vanhu vanokanganisawo, varamba vaina Jesu kunyange mumamiriro ezvinhu akaoma zvikuru. Saka anoti: “Ndinoita sungano nemi, sokuita sungano youmambo neni kwakaita Baba vangu.” (Ruka 22:29) Varume ava vateveri vaJesu vakatendeka. Anovavimbisa kuti sungano yaaita navo ichaita kuti vave muUmambo vachitonga pamwe chete naye.

Kunyange zvazvo vaapostora vapiwa mukana uyu wakanaka, ivo vachiri vanhu venyama uye vachiine chivi. Jesu anovaudza kuti: “Satani akarayira kuti ave nemi akuzungurei segorosi,” iro rinobva rapararira parinenge richiurutswa. (Ruka 22:31) Anovayambirawo kuti: “Imi mose muchagumburwa nezvichaitika kwandiri usiku huno, nokuti zvakanyorwa kuti, ‘Ndicharova mufudzi, uye makwai eboka achapararira kwose.’”—Mateu 26:31; Zekariya 13:7.

Petro anopindura nechivimbo achiramba zvataurwa naJesu achiti: “Kunyange zvazvo vamwe vose vakagumburwa nezvichaitika kwamuri, ini handizombogumburwi!” (Mateu 26:33) Jesu anomuudza kuti jongwe risati rakukuridza kaviri usiku ihwohwo, Petro achamuramba. Asi Jesu anowedzera kuti: “Ndakakutetererera kuti kutenda kwako kurege kupera; uye iwe, kana wangodzoka, simbisa hama dzako.” (Ruka 22:32) Asi Petro anonyatsoti: “Kunyange kana ndichifanira kufa nemi, handizombokurambii.” (Mateu 26:35) Vamwe vaapostora vanodarowo.

Jesu anoudza vadzidzi vake kuti: “Ndinemi kwenguva duku. Muchanditsvaka; uye sokutaura kwandakaita kuvaJudha kuti, ‘Hamungauyi kwandinoenda,’ ndinotaurawo kwamuri panguva ino.” Anoenderera mberi achiti: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sokuda kwandakakuitai, kuti nemiwo mudanane. Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”—Johani 13:33-35.

Jesu paanotaura kuti asarirwa nenguva duku navo, Petro anomubvunza kuti: “Ishe, muri kuenda kupi?” Jesu anopindura achiti: “Kwandiri kuenda haunganditeveri iye zvino, asi uchatevera gare gare.” Ashamisika, Petro anoti: “Ishe, nei ndisingagoni kukuteverai panguva ino? Ndichapa mweya wangu [kana kuti upenyu hwangu] nokuda kwenyu.”—Johani 13:36, 37.

Iye zvino, Jesu anotaura nezvenguva yaakambovatuma kuti vaende kunoparidza kuGarireya vasina zvikwama zvemari kana mbuva. (Mateu 10:5, 9, 10) Anovabvunza kuti: “Pane chamakashayiwa here?” Vanomupindura kuti: “Aiwa!” Asi vanofanira kuitei mazuva anotevera? Jesu anovarayira kuti: “Ane chikwama ngaachitore, uyewo ngaatore homwe yezvokudya; uye uya asina bakatwa ngaatengese nguo yake yokunze aritenge. Nokuti ndinokuudzai kuti izvi zvakanyorwa zvinofanira kuitika kwandiri, zvokuti, ‘Akaverengwa pamwe chete nevasingateereri mutemo.’ Nokuti icho chine chokuita neni chiri kuitika.”—Ruka 22:35-37.

Jesu ari kutaura nezvekurovererwa kwaachaitwa padanda pamwe chete nevanhu vakaipa kana kuti vatadzi. Pashure pacho, vateveri vake vachatambudzwa zvikuru. Vanofunga kuti vakagadzirira, saka vanoti: “Ishe, tarirai! heano mapakatwa maviri.” Anovapindura kuti: “Iwaya akwana.” (Ruka 22:38) Mapakatwa maviri aya achapa Jesu mukana wekuti avadzidzise chimwe chidzidzo chinokosha.