Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 119

Jesu Ndiye Nzira Nechokwadi Noupenyu

Jesu Ndiye Nzira Nechokwadi Noupenyu

JOHANI 14:1-31

  • JESU ARI KUENDA KUNOVAGADZIRIRA NZVIMBO

  • ANOVIMBISA VATEVERI VAKE KUTI ACHAVATUMIRA MUBATSIRI

  • BABA VAKURU KUNA JESU

Jesu nevaapostora vake vachiri mumba mavadyira chirangaridzo. Iye zvino anovakurudzira achiti: “Musarega mwoyo yenyu ichinetseka. Tendai muna Mwari, tendaiwo mandiri.”—Johani 13:36; 14:1.

Jesu anoudza vaapostora vake vakatendeka mashoko ekuti vasanetseka nekuenda kwaava kuita achiti: “Mumba maBaba vangu mune nzvimbo zhinji dzokugara. . . . Kana ndikaenda, ndikakugadzirirai nzvimbo, ndichadzokazve uye ndichakugamuchirai kumba kwandinenge ndiri, kuti pandinenge ndiri imi muvepowo.” Asi vaapostora vanotadza kubata kuti ari kutaura nezvekuenda kudenga. Tomasi anoti: “Ishe, hatizivi kwamuri kuenda. Nzira yacho tinoiziva sei?”—Johani 14:2-5.

Jesu anopindura kuti: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu.” Kuti munhu azokwanisa kupinda muimba yaBaba vake yekudenga, anofanira kugamuchira Jesu nedzidziso dzake otevedzera mararamiro aakaita. Jesu anoti: “Hapana anouya kuna Baba asi nokwandiri.”—Johani 14:6.

Firipi, uyo ari kunyatsoteerera zviri kutaurwa naJesu, anokumbira kuti: “Ishe, tiratidzei Baba, uye zvinotikwanira.” Kunenge kuti Firipi ari kutoda kuona chimwe chinhu chinoratidza kuti Mwari ariko sezvakaonekwa naMosesi, Eriya, naIsaya. Asi vaapostora vari kutoona zvinopfuura zvakaonekwa nevarume ivavo. Jesu anoratidza izvozvo nemhinduro yake yokuti: “Ndave ndinemi kwenguva refu kwazvo, asi, Firipi, hausati wasvika pakundiziva here? Aona ini aonawo Baba.” Jesu anonyatsoratidza zvakaita Baba vake, saka kugara naye uye kucherechedza zvaanoita kwakafanana nokuona Baba vake. Zviri pachena kuti Baba vakuru kune Mwanakomana, nokuti Jesu anoti: “Zvinhu zvandinokutaurirai handizvitauri ini pachangu.” (Johani 14:8-10) Vaapostora vanogona kuona kuti Jesu ari kuratidza kuti zvose zvaanodzidzisa zvinobva kuna Baba vake.

Vaapostora vaJesu vakaona achiita mabasa anoshamisa uye vakanzwa achiparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Iye zvino anovaudza kuti: “Uyo anotenda mandiri, iyewo achaita mabasa andinoita; uye achaita mabasa makuru kune aya.” (Johani 14:12) Jesu haasi kuti vachaita zvishamiso zvakakura kupfuura zvaakaita. Asi vachaita ushumiri hwavo kwemakore akawanda, munzvimbo dzakawanda uye kuvanhu vakawanda kupfuura zvaakaita.

Jesu ari kuenda asi haasi kuzovasiya vari voga nekuti anovavimbisa kuti: “Kana mukakumbira chimwe chinhu muzita rangu, ndichachiita.” Anozowedzera kuti: “Ndichakumbira Baba uye vachakupai mumwe mubatsiri kuti ave nemi nokusingaperi, iwo mudzimu wechokwadi.” (Johani 14:14, 16, 17) Anovavimbisa kuti vachawana mubatsiri, kureva mudzimu mutsvene. Izvi zvinozoitika paPendekosti.

Jesu anoti: “Munguva pfupi, nyika haichazondioni, asi imi muchandiona, nokuti ndiri mupenyu uye muchava vapenyu.” (Johani 14:19) Vadzidzi vachaona Jesu paachazviratidza kwavari kana amutswa, uye ivowo achazovamutsa vozomuona zvekare kudenga vava nemiviri yakafanana newake.

Jesu anotaurawo mashoko akajeka okuti: “Ane mirayiro yangu akaichengeta, iyeye ndiye anondida. Uyewo anondida achadiwa naBaba vangu, uye ndichamuda uye ndichazviratidza pachena kwaari.” Anzwa izvi, muapostora Judhasi, uyo anonziwo Tadhiyosi, anobvunza kuti: “Ishe, chii chaitika zvokuti munoda kuzviratidza pachena kwatiri asi kwete kunyika?” Jesu anomupindura achiti: “Kana munhu achindida, achachengeta shoko rangu, uye Baba vangu vachamuda . . . Asingandidi haachengeti mashoko angu.” (Johani 14:21-24) Nyika hainzwisisi kuti Jesu ndiye nzira nechokwadi neupenyu, sezvinoita vadzidzi vake.

Sezvo Jesu ava kuenda, chii chichabatsira vadzidzi vake kuti vayeuke zvaakavadzidzisa? Jesu anotsanangura kuti: “Mubatsiri, iwo mudzimu mutsvene, uchatumirwa naBaba muzita rangu, iwoyo uchakudzidzisai zvinhu zvose nokukuyeuchidzai zvinhu zvose zvandakakuudzai.” Mashoko aya anonyaradza vaapostora sezvo vava kunyatsoziva kuti mudzimu mutsvene une simba. Jesu anowedzera kuti: “Ndinokusiyirai rugare, ndinokupai rugare rwangu. . . . Musarega mwoyo yenyu ichinetseka kana kuirega ichipera nokutya.” (Johani 14:26, 27) Saka vadzidzi havafanire kunetseka nekuti vachatungamirirwa uye vachachengetedzwa naMwari.

Mumazuva mashomanana ari kutevera, vachanyatsoona uchapupu hwekuti Mwari achavachengeta. Jesu anoti: “Mutongi wenyika ari kuuya. Asi haana simba pandiri.” (Johani 14:30) Dhiyabhorosi akakwanisa kupinda muna Judhasi akaita kuti aite zvido zvake. Asi sezvo Jesu asina chivi, Satani anoshaya pekutangira pakuita kuti apandukire Mwari. Haanawo simba rekuita kuti Jesu arambe ari muguva. Nei zvakadaro? Jesu anoti: “Baba zvavakandipa murayiro wokuita, ndizvo zvandiri kuita.” Ane chokwadi chekuti Baba vake vachamumutsa.—Johani 14:31.