Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 121

“Shingai! Ini Ndakunda Nyika”

“Shingai! Ini Ndakunda Nyika”

JOHANI 16:1-33

  • PASINA NGUVA VAAPOSTORA HAVAZOONI JESU ZVEKARE

  • KURWADZIWA KWEVAAPOSTORA KUCHAPEDZISIRA KWAVA MUFARO

Jesu nevaapostora vake vava kuda kubuda muimba yepamusoro yavadyira Paseka. Abva kuvaudza mashoko akawanda ekuvanyevera, Jesu anowedzera kuti: “Ndataura zvinhu izvi kwamuri kuti murege kugumburwa.” Nei avanyevera kudaro? Anovaudza kuti: “Vanhu vachakudzingai musinagogi. Chokwadi, awa iri kuuya apo munhu wose anokuurayai achafunga kuti aitira Mwari basa dzvene.”—Johani 16:1, 2.

Mashoko aya anogona kuita kuti vaapostora vanetseke. Kunyange zvazvo Jesu atombovaudza kuti nyika ichavavenga, anga asina kubva avaudza kuti vachaurayiwa. Nei anga asina kuvaudza? Anoti: “Handina kukuudzai zvinhu izvi pakutanga, nokuti ndakanga ndinemi.” (Johani 16:4) Iye zvino ava kuvachenjedza asati aenda. Izvi zvichavabatsira kuti kana zvava kuzoitika, vasazogumburwa kana kuti kusiya kutenda kwavo.

Jesu anoenderera mberi achiti: “Zvino ndiri kuenda kuna iye akandituma, asi hapana kana mumwe wenyu ari kundibvunza kuti, ‘Muri kuenda kupi?’” Manheru iwayo vanga vambobvunza kuti ari kuenda kupi. (Johani 13:36; 14:5; 16:5) Asi iye zvino pfungwa dzavo dzangova pakutambudzwa kwaataura kuti vachaitwa zvokuti vava kutya. Kutya uku kwava kuvatadzisa kuti vamubvunze zvakawanda nezvekukudzwa kwaachaitwa uye kuti kuchabatsira sei vanamati vechokwadi. Jesu anoti: “Nokuti ndataura zvinhu izvi kwamuri mwoyo yenyu yazadzwa neshungu.”—Johani 16:6.

Jesu anobva atsanangura kuti: “Zvakakunakirai kuti ndiri kuenda. Nokuti kana ndikasaenda, mubatsiri haangambouyi kwamuri; asi kana ndikaenda, ndichamutumira kwamuri.” (Johani 16:7) Kuti Jesu azotumira vadzidzi vake mudzimu mutsvene uyo uchashanda semubatsiri kwese kwavangava panyika, anofanira kutanga afa oenda kudenga.

Mudzimu mutsvene uchapa “nyika uchapupu hwechokwadi pamusoro pechivi nepamusoro pokururama nepamusoro pokutonga.” (Johani 16:8) Jesu ari kureva kuti nyika ichafumurwa kuti yatadza kutenda muMwanakomana waMwari. Kuenda kuchaita Jesu kudenga kuchapa uchapupu husingasiye mubvunzo hwekuti iye akarurama uye kucharatidza kuti sei Satani, “mutongi wenyika ino,” akakodzera mutongo wakaomarara.—Johani 16:11.

Jesu anoenderera mberi achiti: “Ndichiine zvinhu zvizhinji zvokutaura nemi, asi hamukwanisi kuzvinzwisisa panguva ino.” Paachavadururira mudzimu mutsvene, uchavatungamirira kuti vanzwisise ‘chokwadi chose’ uye vachararama zvinoenderana nechokwadi ichocho.—Johani 16:12, 13.

Vaapostora vanoshamiswa nemashoko anozotaurwa naJesu okuti: “Munguva duku hamuchazondionizve, uye, zvakare, munguva duku muchandiona.” Vanobvunzana kuti ari kurevei. Jesu anoziva kuti vari kuda kumubvunza nezvenyaya iyi, saka anovatsanangurira kuti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Muchachema nokuungudza, asi nyika ichafara; muchashungurudzwa, asi shungu dzenyu dzichachinjwa kuva mufaro.” (Johani 16:16, 20) Jesu paachaurayiwa masikati anhasi, vatungamiriri vechitendero vachafara asi vadzidzi vacharwadziwa. Kurwadziwa kwavo kuchazova mufaro Jesu paachamutswa. Uye vacharamba vachifara paachadurura mudzimu mutsvene waMwari pavari.

Achifananidza mamiriro ezvinhu evaapostora nekurwadziwa kunoita mudzimai ava kuda kusununguka, Jesu anoti: “Mukadzi, paanenge achisununguka, anonzwa shungu, nokuti awa yake inenge yasvika; asi kana asununguka mwana muduku, haachayeuki kutambudzika kwacho nokuda kwomufaro wokuti munhu aberekwa panyika.” Jesu anokurudzira vaapostora vake achiti: “Imiwo, chokwadi, muri kuva neshungu zvino; asi ndichakuonaizve uye mwoyo yenyu ichafara, uye hapana achakutorerai mufaro wenyu.”—Johani 16:21, 22.

Kusvika parizvino, vaapostora havasati vambokumbira chinhu kuna Baba muzita raJesu. Iye zvino anoti: “Pazuva iroro muchakumbira muzita rangu.” Nei vachifanira kuzodaro? Chikonzero hachisi chekuti Baba vanenge vasingadi kuvapindura. Jesu anototi: “Baba vanokudai kwazvo, nokuti mave muchindida kwazvo . . . somumiririri waBaba.”—Johani 16:26, 27.

Mashoko aJesu ekurudziro aaudza vaapostora vake avasimbisa zvekuti vanoti: “Nokuda kweizvi tinotenda kuti makabva kuna Mwari.” Asi hapana nguva kutenda ikoko kusati kwaedzwa. Jesu anobva atotsanangura zvava kuda kuitika: “Tarirai! Awa iri kuuya, chokwadi, yatouya, pamuchapararira mumwe nomumwe kumba kwake uye muchandisiya ndiri ndoga.” Asi anovasimbisa achiti: “Ndataura zvinhu izvi kwamuri kuti muve norugare nokwandiri. Munyika munotambudzika, asi shingai! Ini ndakunda nyika.” (Johani 16:30-33) Hakusi kuti Jesu ava kuvasiya voga. Ane chokwadi kuti naivowo vanogona kukunda nyika sezvaakaita, kana vakaramba vachiita kuda kwaMwari pasinei nekuedza kunoitwa naSatani nenyika yake kuvatadzisa kuramba vakaperera kuna Mwari.