Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 124

Kristu Anotengeswa Uye Anosungwa

Kristu Anotengeswa Uye Anosungwa

MATEU 26:47-56 MAKO 14:43-52 RUKA 22:47-53 JOHANI 18:2-12

  • JUDHASI ANOTENGESA JESU MUBINDU REGETSEMANE

  • PETRO ANOCHEKA NZEVE YEMUMWE MURUME

  • JESU ANOSUNGWA

Nguva dzafamba zvokuti machongwe ava kubva orira. Vapristi vabvumirana kubhadhara Judhasi masirivha 30 kuti atengese Jesu. Saka Judhasi anotungamirira boka guru revapristi vakuru nevaFarisi vari kutsvaga Jesu. Pakati pavo pane masoja evaRoma akapakatira zvombo pamwe chete nemumwe mukuru mukuru weuto.

Paadzingwa naJesu mumba mavadyira Paseka, Judhasi anofanira kunge ananga kuvapristi vakuru. (Johani 13:27) Vabva vaunganidza mapurisa avo nemasoja. Judhasi anogona kunge atanga aenda navo kumba kwanga kuchichengeterwa Paseka naJesu nevaapostora vake. Asi iye zvino mhomho yacho yayambuka Bani reKidroni uye yananga kubindu reGetsemane. Vari kuti uku vakapakata zvombo, uku vane mwenje, vachida chaizvo kubata Jesu.

Judhasi paanotungamirira vanhu ava muGomo reMiorivhi, anonyatsoziva paachawanira Jesu. Vhiki rapfuura, Jesu nevaapostora vake vanga vachidarika nemubindu reGetsemane pavanga vachienda kuJerusarema vachizonorara kuBhetani. Asi iye zvino usiku, saka Jesu anogona kusanyatsooneka nemhaka yemimvuri yemiorivhi iri mubindu iri. Saka masoja aya, ayo anogona kunge asati amboona Jesu, achamuziva sei? Judhasi achaapa chiratidzo. Anoti: “Wandichatsvoda, ndiye; musungei, muende naye makanyatsomuchengetedza.”—Mako 14:44.

Paanopinda mubindu iri, Judhasi anoona Jesu nevaapostora vake obva ananga pavari. Judhasi anosvika achiti, “Kwaziwai, Rabhi!” obva amutsvoda zvinyoro nyoro. Jesu anomuti: “Shamwari, wavingei?” (Mateu 26:49, 50) Achizvipindura mubvunzo wake, Jesu anoti: “Judhasi, unotengesa Mwanakomana womunhu nokutsvoda here?” (Ruka 22:48) Nemashoko iwayo atopedza naye.

Jesu anoenda pane chiedza chemarambi oti: “Muri kutsvaka ani?” Mhomho iyi inopindura ichiti: “Jesu wokuNazareta.” Jesu anobva apindura neushingi achiti: “Ndini.” (Johani 18:4, 5) Sezvo zvisiri izvo zvavanga vachitarisira, varume ava vanobva vawira pasi.

Pane kuti abve atora mukana iwoyo kunyangarika murima imomo, Jesu anovabvunza zvekare kuti vari kutsvaka ani. Pavanopindura zvekare kuti, “Jesu wokuNazareta,” anobva avapindura akadzikama kuti: “Ndakuudzai kuti ndini. Zvino, kana ndiri ini wamuri kutsvaka, regai ava vaende.” Kunyange panguva iyi yakaoma, Jesu anoyeuka zvaambotaura zvekuti haazorasikirwa kana nemumwe chete wavo. (Johani 6:39; 17:12) Jesu akachengetedza vaapostora vake vakatendeka uye hapana akarasika “kunze kwomwanakomana wokuparadzwa,” Judhasi. (Johani 18:7-9) Saka iye zvino ari kukumbira kuti vateveri vake vakatendeka vasiyiwe vachienda.

Masoja aya paanosimuka otanga kufamba achienda kuna Jesu, vaapostora vanobva vanzwisisa zviri kuitika. Vanobvunza kuti: “Ishe, totema nemapakatwa here?” (Ruka 22:49) Jesu asati atombovapindura, Petro anotora rimwe remapakatwa maviri avainawo. Anobva acheka nzeve yekurudyi yaMakosi, muranda wemupristi mukuru.

Jesu anobata nzeve yaMakosi obva aporesa ronda racho. Anobva adzidzisa chidzidzo chinokosha paanoudza Petro kuti: “Dzorera bakatwa rako munzvimbo yaro, nokuti vose vanotora bakatwa vachaparara nebakatwa.” Jesu ari kubvuma kusungwa sezvinooneka mumashoko aanotaura ekuti: “Magwaro aizozadzika sei okuti zvinofanira kuitika saizvozvi?” (Mateu 26:52, 54) Anowedzera kuti: “Kapu yandakapiwa naBaba, handitofaniri kuinwira here?” (Johani 18:11) Jesu anobvuma kuita kuda kwaMwari kunyange kusvika pakufa.

Jesu anobvunza mhomho iyi kuti: “Mauya nemapakatwa netsvimbo semuri kurwisana negororo kuti muzondisunga here? Zuva nezuva ndaigara mutemberi ndichidzidzisa, asi hamuna kundisunga. Asi izvi zvose zvaitika kuti magwaro evaprofita azadzike.”—Mateu 26:55, 56.

Masoja, mukuru mukuru wavo, nemapurisa evaJudha, vanobva vabata Jesu vomusunga. Vaapostora pavanoona izvi vanobva vatiza. Asi “rimwe jaya,” iro ringangova mudzidzi Mako, rinoramba riri mumhomho iyi richitevera Jesu. (Mako 14:51) Jaya iri rinozozivikanwa uye mhomho iyi inoedza kuribata izvo zvinoita kuti ritize richisiya nguo yaro yerineni.