Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 133

Chitunha chaJesu Chinogadzirirwa Kuti Chivigwe

Chitunha chaJesu Chinogadzirirwa Kuti Chivigwe

MATEU 27:57–28:2 MAKO 15:42–16:4 RUKA 23:50–24:3 JOHANI 19:31–20:1

  • CHITUNHA CHAJESU CHINODZIKISWA PADANDA

  • CHITUNHA CHACHO CHINOGADZIRIRWA KUTI CHIVIGWE

  • VAKADZI VANOWANA GUVA RISISINA MUNHU

Zuva rava kuda kuvira, musi weChishanu, Nisani 14. Parinongovira, Sabata raNisani 15 rinobva ratanga. Jesu atofa kare, asi makororo arovererwa pamwe naye achiri mapenyu. Maererano neMutemo, zvitunha hazvifaniri “kurara usiku hwose [zviri] padanda,” asi zvinofanira kuvigwa “zuva iroro.”—Dheuteronomio 21:22, 23.

Uyezve, musi weChishanu unonzi musi weKugadzirira pakuti ndipo panogadzirira vanhu zvokudya nokupedzisa mabasa ose anofanira kuitwa Sabata risati ratanga. Pachavira zuva, Sabata “guru” richatanga. (Johani 19:31) Rinonzi iguru pakuti Nisani 15 ragara richinzi iSabata sezvo uri iwo musi wekutanga weMutambo Wemakeke Asina Kuviriswa unotora mazuva manomwe. (Revhitiko 23:5, 6) Rwendo rwuno zuva iroro rabva rangobatanawo neSabata revhiki nevhiki, zuva rechinomwe revhiki.

Saka vaJudha vanokumbira Pirato kuti vaite kuti Jesu nemakororo akarovererwa pamwe naye vakurumidze kupedziswa. Sei? Nokuita kuti vatyorwe makumbo. Izvi zvichaita kuti vashaye chinotsigira miviri yavo, yorembera votadza kufema. Masoja anouya odimbura makumbo emakororo maviri. Asi Jesu ari kuratidza kuti afa, saka havatyori makumbo ake. Izvi zvinozadzisa Pisarema 34:20 iyo inoti: “Anorinda mapfupa ose aiyeye; hapana rimwe chete rawo rakatyoka.”

Kuti anyatsova nechokwadi kuti Jesu afa, mumwe musoja anomubaya nepfumo neparutivi, achibvoora pedyo nemwoyo. ‘Ropa nemvura zvinobva zvabuda.’ (Johani 19:34) Izvi zvinozadzisa rumwe rugwaro runoti: “Vachatarira Iye wavakabvoora.”—Zekariya 12:10.

Josefa wekuguta reArimatiya, “mumwe mupfumi” uye nhengo yeSanihedrini yakakurumbira, anga aripowo panga pachiurayiwa Jesu. (Mateu 27:57) Anorondedzerwa semurume “akanaka uye akarurama” uyo “akamirirawo umambo hwaMwari.” Anotova “mudzidzi waJesu asi wepachivande nokuti” anotya vaJudha, uye haana kubvumirana nedare pamutongo warakapa Jesu. (Ruka 23:50; Mako 15:43; Johani 19:38) Josefa anozvishingisa okumbira Pirato chitunha chaJesu. Pirato anodana mukuru wemauto anga achitungamirira pakuurayiwa kwacho, uyo anotsinhira kuti Jesu afa. Josefa anobva apiwa mvumo naPirato yokutora mutumbi waJesu.

Josefa anotenga machira erineni akanaka, akachena, odzikisa chitunha chaJesu padanda. Anochimonera nemachira erineni achigadzirira kunochiviga. Nikodhimo, “murume akauya [kuna Jesu] usiku pakutanga,” anobatsira Josefa kugadzirira chitunha chacho kuvigwa. (Johani 19:39) Anouya nemapaundi echiRoma zana (33 kg) emusanganiswa unodhura wemura nearosi. Muviri waJesu unomonerwa nemachira akaiswa zvinonhuwirira izvi, maererano netsika dzechiJudha dzokuviga munhu.

Josefa ane guva riri pedyo risati ramboshandiswa rakacherwa padombo. Anoviga Jesu imomo okungurutsira zidombo guru pamuromo peguva racho. Izvi zvinoitwa chimbichimbi Sabata risati ratanga. Pamwe Mariya Magadharini naMariya amai vaJakobho Muduku vanga vachibatsirawo pakugadzirira chitunha kuti chivigwe. Iye zvino vanomhanyira kumba “kunogadzirira zvinonhuhwirira nemafuta anonhuhwirira” zvokuzozorazve mutumbi waJesu kana Sabata rapfuura.—Ruka 23:56.

Mangwana acho, wava musi weSabata, vapristi vakuru nevaFarisi vanoenda kuna Pirato vonoti: “Tayeuka kuti munyengeri uya paakanga achiri mupenyu akati, ‘Pashure pemazuva matatu ndichamutswa.’ Naizvozvo rayirai kuti guva richengetedzwe kusvikira pazuva rechitatu, kuti vadzidzi vake varege kumbouya vomuba voti kuvanhu, ‘Akamutswa kubva kuvakafa!’ uye unyengeri uhwu hwokupedzisira huchava hwakaipa kwazvo kupfuura hwokutanga.” Pirato anobvuma kuti vapiwe murindi, ozoti: “Endai murichengetedze sokuziva kwamunoita.”—Mateu 27:63-65.

Mariya Magadharini naMariya amai vaJakobho, nevamwe vakadzi vanomukira kuenda kuguva musi weSvondo nezvinonhuwira kunozora chitunha chaJesu. Vanotaurirana vachiti: “Ndiani achatikungurutsira dombo kubva pasuo reguva?” (Mako 16:3) Asi paitika kudengenyeka kwenyika. Uyezve ngirozi yaMwari yakungurutsa dombo racho, varindi vaenda, uye muguva munoita semusina munhu!