Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 134

Muguva Hamuna Munhu, Jesu Mupenyu!

Muguva Hamuna Munhu, Jesu Mupenyu!

MATEU 28:3-15 MAKO 16:5-8 RUKA 24:4-12 JOHANI 20:2-18

  • JESU ANOMUTSWA

  • ZVINOITIKA PAGUVA RAJESU

  • ANOZVIRATIDZA KUVAKADZI VAKASIYANA-SIYANA

Vakadzi vaenda kuguva vanoshamiswa zvechokwadi pavanowana muguva muchiita semusina kana munhu! Mariya Magadharini anomhanyira kuna “Simoni Petro nokune mumwe mudzidzi, aidiwa kwazvo naJesu,” muapostora Johani. (Johani 20:2) Asi vamwe vakadzi vasara paguva vanoona ngirozi. Uye muguva mune imwe ngirozi yakapfeka “nguo refu chena.”—Mako 16:5.

Imwe ngirozi yacho inovaudza kuti: “Musatya, nokuti ndinoziva kuti muri kutsvaka Jesu akarovererwa. Haapo pano, nokuti akamutswa, sezvaakataura. Uyai, onai paakanga akarara. Zvino kurumidzai kuenda munoudza vadzidzi vake kuti iye akamutswa kubva kuvakafa, uye tarirai! ari kufanoenda kuGarireya.” (Mateu 28:5-7) Saka ‘vachidedera kwazvo uye vachikangaidzika,’ vakadzi vacho vanomhanyira kunoudza vadzidzi.—Mako 16:8.

Pari zvino, Mariya awana Petro naJohani. Anovaudza achifemereka kuti: “Vabvisa Ishe muguva, uye hatizivi kuti vamuradzika kupi.” (Johani 20:2) Petro naJohani vanobva vaendako vachimhanya. Johani anomhanya kudarika Petro, saka ndiye anotanga kusvika paguva. Anodongorera oona machira, asi anoramba ari kunze.

Petro anobva angosvika achipinda muguva. Anoona machira erineni nejira ranga rakamonera musoro waJesu. Johani anopindawo, obva aona kuti zvataurwa naMariya ndezvechokwadi. Pasinei nezvavakaudzwa naJesu, vose havasi kutombonzwisisa kuti amutswa. (Mateu 16:21) Vanoenda kumba vapererwa. Asi Mariya, uyo pari zvino adzoka kuguva, anosara aripo.

Izvi pazviri kuitika, vamwe vakadzi vari munzira vachimhanya kunoudza vadzidzi kuti Jesu amutswa. Pavari kumhanya kudaro, Jesu anosangana navo oti kwavari: “Kwaziwai!” Pavanomuona ‘vanomupfugamira.’ Jesu anobva ati: “Musatya! Endai, munoudza hama dzangu, kuti dziende kuGarireya; uye dzichandiona ikoko.”—Mateu 28:9, 10.

Zvaitika ndezvokuti, paitika kudengenyeka kwenyika, ngirozi dzikaoneka, uye masoja anga ari paguva ‘adedera, akava sevanhu vakafa nokutya.’ Pavazomuka, vapinda muguta “vakaudza vapristi vakuru zvinhu zvose” zvaitika. Vapristi vakuru vazogara pasi nevakuru vevaJudha. Vawirirana kuti vape masoja chiokomuhomwe kuti asataure nyaya yacho uye kuti ati: “Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba patakanga takarara.”—Mateu 28:4, 11, 13.

Masoja eRoma anogona kuurayiwa kana akakotsira pabasa, saka vapristi vanovavimbisa kuti: “Kana izvi [kureva nhema dzavo dzokuti varara pabasa] zvikanzwika nagavhuna, tichamunyengetedza uye tichaita kuti murege kunetseka.” (Mateu 28:14) Masoja anotambira chiokomuhomwe chacho voita zvataurwa nevapristi. Saka nhema dzokuti chitunha chaJesu chakabiwa dzinopararira pakati pevaJudha.

Mariya Magadharini achiri kuchema ari paguva. Anodongorera mukati oona ngirozi mbiri dzakapfeka zvichena! Imwe yacho yakagara nechekwanga kuine musoro waJesu, imwe nechekumakumbo. Dzinomubvunza kuti: “Iwe mukadzi, uri kusvimhirei misodzi?” Mariya anopindura kuti: “Vabvisa Ishe wangu, uye handizivi kuti vamuisa kupi.” Paanocheuka, Mariya anoona mumwe munhu. Munhu wacho anobvunza zvabvunzwa nengirozi owedzera kuti: “Uri kutsvaka ani?” Achifunga kuti ari kutaura nemushandi wemubindu anoti: “Changamire, kana mamubvisa, ndiudzei kwamamuisa, uye ndichamutora.”—Johani 20:13-15.

Mariya ari kutotaura naJesu amutswa, asi iye zvino haasi kuzviziva. Zvisinei, paanoti, “Mariya!” anobva aziva kuti ndiJesu, paanonzwa kuti ndiwo madaniro aaiwanzomuita. Mariya anobva ati nomufaro, “Rabhoni!” (zvinoreva kuti “Mudzidzisi!”). Asi ari kutyira kuti Jesu ava kukwira kudenga, saka anobva amubata. Saka Jesu anoti kwaari: “Rega kundinamatira. Nokuti handisati ndakwira kuna Baba. Asi chienda kuhama dzangu uti kwadziri, ‘Ndiri kukwira kuna Baba vangu naBaba venyu uye kuna Mwari wangu naMwari wenyu.’”—Johani 20:16, 17.

Mariya anomhanyira kwakaungana vaapostora nevamwe vadzidzi. Anovaudza kuti: “Ndaona Ishe!” achiwedzera kune zvavatonzwa nevamwe vakadzi. (Johani 20:18) Asi mashoko acho ‘anoita seoupenzi kwavari.’—Ruka 24:11.