Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 136

Pamahombekombe eGungwa reGarireya

Pamahombekombe eGungwa reGarireya

JOHANI 21:1-25

  • JESU ANOZVIRATIDZA PAGUNGWA REGARIREYA

  • PETRO NEVAMWE VAKE VANOFANIRA KUPA MAKWAI ZVOKUDYA

Manheru aakapedzisira kuva nevaapostora asati afa, Jesu akavaudza kuti: “Kana ndamutswa, ndichafanoenda kuGarireya.” (Mateu 26:32; 28:7, 10) Iye zvino vazhinji vevateveri vake vanopinda munzira kuenda kuGarireya. Asi vachanoitei ikoko?

Mumwe musi vari ikoko, Petro anoudza vamwe vaapostora vatanhatu kuti: “Ndichambonobata hove.” Vose vari vatanhatu vanobva vati: “Tichaendawo newe.” (Johani 21:3) Hapana chavanobata usiku hwose. Pakunenge kwava kuchena, Jesu anozviratidza kumahombekombe, asi vanotadza kumuziva. Jesu anodanidzira kuti: “Vana vaduku, mune chokudya here?” Vanomupindura kuti: “Aiwa!” Jesu anovaudza kuti: “Kandai mambure kurutivi rwokurudyi rwechikepe uye muchawana.” (Johani 21:5, 6) Vanobata hove dzakawandisa zvokuti vanotadza kudhonzera mambure acho muchikepe.

Johani anoudza Petro kuti: “NdiShe!” (Johani 21:7) Petro anobva apfeka nguo yake yekunze yaanga abvisa achibata hove oikunya. Anosvetukira mumvura otanga kushambira kwemamita angasvika 90 akananga kumahombekombe. Vamwe vari muchikepe vanotevera zvishoma nezvishoma, vachidhonza mambure avo akazara nehove.

Pavanosvika kumahombekombe, vanowana “paine moto wemarasha uye pamoto pacho paine hove nechingwa.” Jesu anoti: “Unzai dzimwe hove dzamuchangobva kubata.” Petro anodhonza mambure ane hove huru 153! Jesu anoti: “Uyai musvusvure.” Hapana kana mumwe wavo anoita ushingi hwokumubvunza kuti, “Ndimi ani?” nokuti vatoziva kuti ndiJesu. (Johani 21:10-12) Aka kava kechitatu achizviratidza kuvadzidzi vari boka.

Jesu anopa mumwe nomumwe wavo chingwa nehove kuti vadye. Adaro, zvichida anotarisa hove dzabatwa, obvunza kuti: “Simoni mwanakomana waJohani, unondida here kupfuura idzi?” Petro anoda bhizimisi rokubata hove kupfuura basa raari kupiwa naJesu here? Petro anopindura kuti: “Hungu, Ishe, munoziva kuti ndinokudai kwazvo.” Saka Jesu anomukurudzira kuti: “Dyisa makwayana angu.”—Johani 21:15.

Jesu anobvunza zvakare kuti: “Simoni mwanakomana waJohani, unondida here?” Zvichida Petro anovhiringika, opindura nemwoyo wose kuti: “Hungu, Ishe, munoziva kuti ndinokudai kwazvo.” Jesu anopindura sezvaamboita kuti: “Fudza makwai angu maduku.”—Johani 21:16.

Kechitatu, Jesu anobvunza kuti: “Simoni mwanakomana waJohani, unondida kwazvo here?” Iye zvino Petro anogona kunge ava kufunga kuti pamwe Jesu haavimbi naye. Petro anotaura zvakasimba kuti: “Ishe, munoziva zvinhu zvose; munoziva kuti ndinokudai kwazvo.” Jesu anosimbisazve zvinofanira kuitwa naPetro achiti: “Dyisa makwai angu maduku.” (Johani 21:17) Izvi zvinoratidza kuti vaya vanotungamirira vanofanira kushumira vaya vanenge vaunzwa naMwari mudanga rake remakwai.

Jesu akasungwa akaurayiwa nokuti aiita basa raakanga apiwa naMwari. Iye zvino anoudza Petro kuti naiyewo achafa mafiro iwayo. Jesu anoti: “Pawaiva muduku, waizvisunga chiuno uchifamba-famba kwawaida. Asi kana wakwegura uchatambanudza maoko ako uye mumwe munhu achakusunga chiuno achikuendesa kwausingadi.” Kunyange zvakadaro Jesu anomukurudzira kuti: “Ramba uchinditevera.”—Johani 21:18, 19.

Petro anotarisa kumuapostora Johani obvunza kuti: “Ishe, zvakadiniko nomurume uyu?” Ari kuda kuziva kuti remangwana remuapostora anodiwa zvikuru naJesu rakamira sei? Jesu anomupindura kuti: “Kana ndichida kuti arambe aripo kusvikira ndauya, izvozvo zvinei newe?” (Johani 21:21-23) Petro anofanira kutevera Jesu asingazvinetsi nokuti vamwe vari kuitei. Nemashoko ayawo Jesu ari kureva kuti vamwe vose vachafa Johani achiri mupenyu uye acharatidzwa mauyiro achaita Jesu ari musimba roUmambo.

Zvinhu zvakaitwa naJesu zvakawanda zvokuti hazvikwanisi kunyorwa zvose.