Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 138

Kristu Ari Kuruoko rwaMwari Rwerudyi

Kristu Ari Kuruoko rwaMwari Rwerudyi

MABASA 7:56

  • JESU ANOGARA KURUOKO RWAMWARI RWERUDYI

  • SAURO ANOVA MUDZIDZI

  • TINE CHIKONZERO CHEKUFARA

Kudururwa kwemudzimu mutsvene pazuva rePendekosti, pashure pemazuva gumi Jesu aenda, kwapa uchapupu hwekuti zvechokwadi ava kudenga. Uye pane zvimwe zvinozoitika zvinopa humwe uchapupu hunoratidza izvozvo. Mudzidzi Stefani paakatemwa nematombo nemhaka yekupupurira kwake akatendeka, akanga achangobva kudanidzira kuti: “Tarirai! Ndinoona matenga akavhurika uye Mwanakomana womunhu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.”—Mabasa 7:56.

Ari kudenga naBaba vake, Jesu aifanira kumirira kuti azoudzwa zvekuita sezvakanga zvagara zvataurwa muShoko raMwari. Achifemerwa, Dhavhidhi akanyora kuti: “Jehovha akati kunaShe wangu [Jesu]: ‘Gara kuruoko rwangu rworudyi kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko chetsoka dzako.’” Kana nguva iyoyo yekumirira yapera, aizoenda ‘achikunda pakati pevavengi vake.’ (Pisarema 110:1, 2) Asi Jesu aizoitei ari kudenga achimirira nguva yekuti aparadze vavengi vake?

PaPendekosti ya33 C.E., ungano yechiKristu yakatanga. Jesu akatanga kutonga vadzidzi vake vakazodzwa ari kudenga. (VaKorose 1:13) Akavatungamirira pakuparidza uye akaita kuti vagadzirire basa ravaizoita mune remangwana. Basa rei? Vaya vaizoramba vakatendeka kusvikira parufu vaizomutswa vozotonga semadzimambo naJesu muUmambo.

Muenzaniso mukuru waivava ndiSauro, uyo anonyanya kuzivikanwa nezita rake rechiRoma rokuti Pauro. Aiva muJudha aishingairira Mutemo waMwari kwenguva refu, asi akanga atsauswa nevatungamiriri vechitendero chechiJudha zvokuti akatobvumirana nokutemwa kwaStefani. Neshungu “dzokutyisidzira nokuponda vadzidzi vaShe,” Sauro akazoenda kuDhamasiko. Akapiwa neMupristi Mukuru Kayafasi masimba okusunga vadzidzi vaJesu nokuvaunza kuJesurarema. (Mabasa 7:58; 9:1) Asi ari munzira, chiedza chikuru chakamupenyera akawira pasi.

Akanzwa izwi remunhu waakanga asiri kuona richiti: “Sauro, Sauro, uri kunditambudzirei?” Sauro akabvunza kuti: “Ndimi ani, Ishe?” Akapindurwa kuti: “Ndini Jesu, wauri kutambudza.”—Mabasa 9:4, 5.

Jesu akaudza Sauro kuti apinde muDhamasiko omirira kuti azoudzwa zvimwe zvokuita, asi aitofanira kuita zvokutungamirirwa kuguta racho nokuti akanga apofumadzwa nechiedza chiya chinoshamisa. Jesu akazviratidzawo kuna Ananiyasi, mumwe wevadzidzi aigara muDhamasiko. Jesu akaudza Ananiyasi kuti aende pane mumwe musha anotsvaga Sauro. Ananiyasi aizengurira kuzviita, asi Jesu akamukurudzira achiti: “Murume uyu mudziyo wakasarudzwa kuti aende nezita rangu kune mamwe marudzi nokumadzimambo nevanakomana vaIsraeri.” Sauro akabva asvinudzwa, uye imomo muDhamasiko “akabva atanga kuparidza Jesu mumasinagogi, kuti Uyu ndiye Mwanakomana waMwari.”—Mabasa 9:15, 20.

Achitsigirwa naJesu, Pauro nevamwe vaparidzi vemashoko akanaka vakaenderera mberi nebasa rokuparidza rakanga ratangwa naJesu. Mwari akavakomborera vakabudirira zvikuru. Pashure pemakore 25 Jesu azviratidza kuna Pauro paaienda kuDhamasiko, Pauro akazonyora kuti mashoko akanaka akanga aparidzirwa “zvisikwa zvose zviri pasi pedenga.”—VaKorose 1:23.

Makore akazotevera, Jesu akapa zviratidzo kumuapostora waaida zvikuru Johani, izvo zvinowanika mubhuku reBhaibheri raZvakazarurwa. Nezviratidzo zvaakaona izvi, Johani akaita seakararama kusvikira aona kudzoka kwaJesu ari musimba reUmambo. (Johani 21:22) Johani ‘akava muzuva raShe aita zvokufuridzirwa.’ (Zvakazarurwa 1:10) Zuva iroro raizosvika riini?

Ukanyatsodzidza uprofita hweBhaibheri unoona kuti “zuva raShe” rakatanga makumi emakore achangopfuura. Muna 1914, pakatanga hondo yakazozivikanwa seHondo Yenyika I. Uye kubvira ipapo vanhu vari kungotambudzwa nehondo, matenda, nzara, kudengenyeka kwenyika, nezvimwe zviitiko zvinoratidza kuzadziswa kukuru ‘kwechiratidzo chokuvapo kwaJesu nechomugumo’ chaakaudza vaapostora vake. (Mateu 24:3, 7, 8, 14) Kuparidzwa kwemashoko akanaka eUmambo iye zvino kuri kuitwa munyika yose kwete munzvimbo dzakaparidzwa nevaapostora chete.

Johani akafemerwa kuti atsanangure kuti izvi zvinorevei paakati: “Zvino ruponeso rwazoitika nesimba noumambo hwaMwari wedu nechiremera chaKristu wake.” (Zvakazarurwa 12:10) Umambo hwaMwari hwekudenga, uhwo hwaiparidzwa naJesu kwose kwose, hwava kutonga zvechokwadi!

Aya mashoko anofadza zvikuru kuvadzidzi vose vakatendeka vaJesu. Vanonyatsonzwisisa mashoko aJohani ekuti: “Saka farai, imi matenga nemi munogara maari! Mune nhamo imi nyika negungwa, nokuti Dhiyabhorosi aburuka kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.”—Zvakazarurwa 12:12.

Saka Jesu haasisina kumirira akagara kuruoko rwaBaba vake rwerudyi. Ari kutonga saMambo, uye pasina nguva achaparadza vavengi vake vose. (VaHebheru 10:12, 13) Saka zvinhu zvipi zvinofadza zviri mberi kwedu?