Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 139

Jesu Anoita Kuti Nyika Ive Paradhiso Uye Anopedzisa Basa Raakapiwa

Jesu Anoita Kuti Nyika Ive Paradhiso Uye Anopedzisa Basa Raakapiwa

1 VAKORINDE 15:24-28

  • KUTONGWA KWEMAKWAI NEMBUDZI

  • VAKAWANDA VACHARARAMA MUPARADHISO PASI PANO

  • JESU ANORATIDZA KUTI NDIYE NZIRA, NECHOKWADI, NEUPENYU

Achangobva kubhabhatidzwa, Jesu akatarisana nemuvengi aida chaizvo kumuona achikundikana, kunyange akanga asati atombotanga ushumiri hwake. Dhiyabhorosi akaedza Jesu amuedzazve. Jesu akazotaura nezveakaipa uyu achiti: “Mutongi wenyika ari kuuya. Asi haana simba pandiri.”—Johani 14:30.

Muapostora Johani akaratidzwa zvaizoitika ‘kudhiragoni huru, nyoka yepakutanga, iyo inonzi Dhiyabhorosi uye Satani.’ Muvengi iyeye wevanhu ane utsinye aizodzingwa kudenga, “akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.” (Zvakazarurwa 12:9, 12) VaKristu vanonyatsotenda kuti vari kurarama ‘munguva pfupi’ iyoyo uye kuti “dhiragoni, nyoka yepakutanga” yava pedyo kukandwa mugomba rakadzika dzika maichange isina zvainokwanisa kuita kwemakore 1 000, Jesu achitonga muUmambo hwaMwari.—Zvakazarurwa 20:1, 2.

Mumakore iwayo, chii chinenge chichiitika panyika? Ndivanaani vachagara pairi, uye ichange yakaita sei? Jesu pachake akapa mhinduro dzacho. Mumufananidzo wake wemakwai nembudzi, akaratidza zvichaitika kuvanhu vakarurama vakaita semakwai avo vanotsigira hama dzaJesu. Akaratidzawo zvichaitika kune vaya vakafanana nembudzi, vanoramba kutsigira hama dzaJesu. Jesu akati: “Ava [kureva mbudzi] vachaenda mukugurwa kusingaperi, asi vakarurama [kureva makwai] muupenyu husingaperi.”—Mateu 25:46.

Izvi zvinotibatsira kunzwisisa mashoko akataurwa naJesu kugororo rakanga rakarovererwa padanda parutivi rwake. Jesu haana kupa murume iyeye mubayiro wekuva muUmambo hwekudenga sezvaakaita kuvaapostora vake vakatendeka. Asi Jesu akavimbisa munhu uyu aiita zvakaipa akanga apfidza kuti: “Chokwadi ndinokuudza nhasi, Uchava neni muParadhiso.” (Ruka 23:43) Saka murume uyu akawana tariro yekuzorarama muParadhiso yakafanana nebindu rakanaka. Saka zviri pachena kuti vanhu vari kurarama mazuva ano vanoratidza kuti makwai vowana ‘upenyu husingaperi,’ vachange vari muParadhiso iyoyo.

Izvi zvinobva zvaenderana netsanangudzo yakapiwa nemuapostora Johani yemamiriro anenge akaita zvinhu panyika. Akati: “Tende raMwari riri pakati pevanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Mwari pachake achava navo. Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:3, 4.

Kuti gororo iri rizorarama muParadhiso, rinofanira kutanga ramutswa. Asi kune vamwewo vachamutswa. Jesu akabudisa izvi pachena paakati: “Awa iri kuuya mairi vaya vose vari mumakuva vachayeukwa uye vachanzwa inzwi rake, vobuda, vaya vakaita zvakanaka vachamukira upenyu, vaya vaiva netsika yokuita zvakaipa vachamukira kutongwa.”—Johani 5:28, 29.

Ko vaapostora vakatendeka nevaya vashoma vachange vaina Jesu kudenga? Bhaibheri rinoti: “Vachava vapristi vaMwari nevaKristu, uye vachatonga naye semadzimambo kwemakore acho ane chiuru.” (Zvakazarurwa 20:6) Varume nevakadzi ava vachatonga kudenga pamwe naKristu, vachange vatomborarama panyika. Saka zviri pachena kuti vachange vaine tsiye nyoro uye vachinzwisisa pavachatonga vaya vanenge vari panyika.—Zvakazarurwa 5:10.

Jesu achaita kuti chibayiro chake cherudzikinuro chibatsire vanhu vose vari panyika uye kuti vasunungurwe pachivi chavanozvarwa nacho. Iye nevaanenge achitonga navo, vachaita kuti vanhu vose vakatendeka vasvike pakukwana. Vanhu vachararama upenyu hwaifanira kuraramwa naAdhamu naEvha pavakaudzwa kuti vave nevana uye vazadze nyika. Kunyange rufu rwakakonzerwa nechivi chaAdhamu ruchange rusisipo!

Saka Jesu anenge apedza kuita zvese zvaakaudzwa kuti aite naJehovha. Pachapera kutonga kwake kwemakore ane chiuru, Jesu achadzosera Umambo nevanhu vanenge vakwana kuna Baba vake. Achitaura nezvekuzvininipisa uku kunoshamisa kwaJesu, muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvinhu zvose pazvinenge zvaiswa pasi pake, Mwanakomana achabva azviisawo pasi poUyo akaisa zvinhu zvose pasi pake, kuti Mwari ave zvinhu zvose kuvanhu vose.”—1 VaKorinde 15:28.

Zviri pachena kuti Jesu ane basa rinokosha zvikuru pakuita kuti zvinangwa zvaMwari zvinoshamisa zvizadziswe. Uye pazvinenge zvichizadziswa mumakore ose kusvika nekusingaperi, acharamba achiratidza kuti zvaakataura ndezvechokwadi paakati: “Ndini nzira nechokwadi noupenyu.”—Johani 14:6.