Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 3

Ushumiri hwaJesu muGarireya

‘Jesu anotanga kuparidza, achiti: “Umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.”’—Mateu 4:17

Ushumiri hwaJesu muGarireya

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

CHITSAUKO 20

Chishamiso Chechipiri muKana

Jesu anoporesa mumwe mwana aiva kure nechinhambwe chemakiromita 26.

CHITSAUKO 21

Musinagogi yekuNazareta

Chii chakataurwa naJesu chinoita kuti vanhu vemumusha wake vade kumuuraya?

CHITSAUKO 22

Vadzidzi Vana Vachava Vabati Vevanhu

Anovadana kuti varege basa rekubata hove ravari kuita kuti vaite basa rekubata vanhu.

CHITSAUKO 23

Jesu Anoita Mabasa Makuru muKapenaume

Jesu paanodzinga madhimoni, anoita kuti asaudze vanhu kuti Mwanakomana waMwari. Nei?

CHITSAUKO 24

Jesu Anowedzera Ushumiri Hwake muGarireya

Vanhu vanouya kuna Jesu kuti vaporeswe, asi anotsanangura kuti ushumiri hwake hune chimwe chinangwa chinotonyanya kukosha.

CHITSAUKO 25

Jesu Anoitira Munhu Ane Maperembudzi Tsiye Nyoro

Nemashoko mapfupi asi ane simba, Jesu anonyatsoratidza kuti ane rudo nevanhu vaanoporesa.

CHITSAUKO 26

“Zvivi Zvako Zvakanganwirwa”

Jesu anotaura kuti zvivi nekurwara zvakabatana papi?

CHITSAUKO 27

Jesu Anodana Mateu

Chii chinoita kuti Jesu adye nevanhu vanotozivikanwa kuti vatadzi?

CHITSAUKO 28

Nei Vadzidzi VaJesu Vasingatsanyi?

Jesu anopindura achishandisa muenzaniso wehombodo dzewaini.

CHITSAUKO 29

Munhu Angaita Mabasa Akanaka Pasabata Here?

Nei vaJudha vachishungurudza Jesu nekuporesa kwaaita murume akanga aita makore 38 achirwara?

CHITSAUKO 30

Jesu Anotaura Paruzhinji Kuti Mwanakomana waMwari

VaJudha vari kufunga kuti Jesu ari kuzviti akaenzana naMwari, asi Jesu anobudisa pachena kuti Mwari mukuru kwaari.

CHITSAUKO 31

Kutanha Hura Dzezviyo Pasabata

Nei Jesu achizviti “Ishe wesabata”?

CHITSAUKO 32

Zvii Zvinobvumirwa Nomutemo paSabata?

VaSadhusi nevaFarisi, avo vasingawanzowirirani, vanobatana pakutsvaga kuuraya Jesu.

CHITSAUKO 33

Kuzadzisa Uprofita hwaIsaya

Nei Jesu achiudza vanhu vaanenge aporesa kuti vasaudze vanhu kuti iye ndiani kana zvaanenge avaitira?

CHITSAUKO 34

Jesu Anosarudza Vaapostora Gumi Nevaviri

Muapostora nemudzidzi vakasiyana papi?

CHITSAUKO 35

Mharidzo Yepagomo Yakakurumbira

Wana tsanangudzo dzepfungwa huru dzemumharidzo yaJesu.

CHITSAUKO 36

Mukuru Weuto Anoratidza Kutenda Kwakakura

Chii chinoitwa nemukuru weuto chinoshamisa Jesu?

CHITSAUKO 37

Jesu Anomutsa Mwanakomana Weimwe Chirikadzi

Vaya vakaona chishamiso ichi vakanzwisisa zvachinoreva.

CHITSAUKO 38

Johani Ari Kuda Kunzwa Mashoko Anobva Kuna Jesu

Chii chinoita kuti Johani Mubhabhatidzi abvunze kana Jesu ari iye Mesiya? Zvingava here kuti Johani haana chokwadi nazvo?

CHITSAUKO 39

Rwune Nhamo Rudzi Rwusingateereri

Jesu anotaura kuti paZuva Rokutongwa nyika yeSodhoma ichagona kutsungirira kupfuura Kapenaume, guta raaiwanzoita basa rake achibva.

CHITSAUKO 40

Chidzidzo Chekukanganwira

Jesu paakaudza mukadzi akanga ari pfambi kuti zvivi zvako zvakanganwirwa, akanga ari kuratidza kuti zvakanaka here kutyora mitemo yaMwari?

CHITSAUKO 41

Jesu Anoita Zvishamiso Nesimba Raani?

Vanun’una vaJesu vanoti ava kupenga.

CHITSAUKO 42

Jesu Anotuka Vafarisi

“Chiratidzo chomuprofita Jona,” chinorevei?

CHITSAUKO 43

Mifananidzo yeUmambo

Jesu anotaura mifananidzo misere yoUmambo.

CHITSAUKO 44

Jesu Anonyaradza Dutu Mugungwa

Jesu paakanyaradza mhepo nemafungu, akadzidzisa chidzidzo chinokosha nezvezvinenge zvakaita upenyu mukutonga kweUmambo.

CHITSAUKO 45

Anoratidza Simba Pamadhimoni Akawanda

Munhu anogona kugarwa nemadhimoni akawanda here?

CHITSAUKO 46

Kuporeswa Nekubata Nguo yaJesu

Jesu anoratidza simba rake uye tsiye nyoro pachiitiko ichi chinofadza.

CHITSAUKO 47

Musikana Wechidiki Anomutswa

Vanhu vanoseka Jesu paanoti musikana afa akangorara zvake. Chii chaanoziva chavasingazivi?

CHITSAUKO 48

Anoita Zvishamiso, Asi Vanhu Havamugamuchiri Kunyange muNazareta

Vanhu vokuNazareta vanoramba Jesu, asi kwete nokuda kwezvaadzidzisa kana kuti zvishamiso zvaaita, asi vane chikonzero chavowo.

CHITSAUKO 49

Kuparidza muGarireya Uye Kudzidzisa Vaapostora Kuparidza

Mashoko okuti ‘Umambo hwekumatenga hwaswedera pedyo’ anonyatsorevei?

CHITSAUKO 50

Kudzidziswa Kuti Vazoparidza Pasinei Nekutambudzwa

Nei Jesu achiudza vaapotsora kuti vatize pavanotambudzwa uye kuti vasatye rufu?

CHITSAUKO 51

Munhu Anourayiwa Pachipembererwa Zuva Rokuzvarwa

Sarome anotamba zvinofadza Herodhi zvokuti anovimbisa kumupa chose chaanokumbira. Chii chaanokumbira chinotyisa?

CHITSAUKO 52

Anopa Zviuru Zvevanhu Zvokudya Achishandisa Hove Nezvingwa Zvishoma

Chishamiso ichi chaJesu chakakosha zvekuti chinowanikwa muEvhangeri ina.

CHITSAUKO 53

Mutongi Ane Simba Pamamiriro Ekunze

Vadzidzi vanodzidzei panofamba Jesu pamusoro pemvura uye paanonyaradza mhepo?

CHITSAUKO 54

Jesu “Chingwa Choupenyu”

Nei Jesu achituka vanhu ivo vafamba zvakadaro kuti vauye kwaari?

CHITSAUKO 55

Mashoko aJesu Anovhundutsa Vakawanda

Jesu akadzidzisa dzidziso yaishamisa zvokuti vadzidzi vake vakawanda vanomusiya.

CHITSAUKO 56

Chii Chaizvo Chinosvibisa Munhu?

Chinopinda mumuromo here kana kuti chinobuda mumuromo?

CHITSAUKO 57

Jesu Anoporesa Musikana Ane Dhimoni Uye Murume Matsi

Nei mumwe mukadzi asina kugumbuka Jesu paanofananidza vanhu verudzi rwake nembwa?

CHITSAUKO 58

Anoita Kuti Chingwa Chiwande Uye Anonyevera Nezvembiriso

Vadzidzi vaJesu vanozoziva kuti mbiriso yaari kutaura nezvayo yakaita sei.

CHITSAUKO 59

Mwanakomana Womunhu Ndiani?

Kiyi dzeUmambo chii? Ndiani anodzishandisa, uye anodzishandisa sei?

CHITSAUKO 60

Chiso Chake Nenguo Zvinoshanduka Achiratidza Zvaanenge Akaita Muumambo

Chii chakaitika pakushanduka kwakaita Jesu? Kwairevei?

CHITSAUKO 61

Jesu Anoporesa Mukomana Akagarwa Nedhimoni

Jesu anotaura kuti chatadzisa kuti munhu aporeswe kushaya kutenda, asi ndiani asina kutenda? Mukomana wacho here baba vacho here kana kuti vadzidzi vaJesu?

CHITSAUKO 62

Chidzidzo Chinokosha Chekuzvininipisa

Vanhu vakuru vanodzidza chimwe chinhu kumwana muduku.

CHITSAUKO 63

Kukanganisa Kutenda Kwevamwe Uye Zvokuita Kana Hama Yaita Chivi

Anotsanangura matanho matatu anotorwa kana hama dzatadzirana.

CHITSAUKO 64

Kukanganwira Kwakakosha

Achishandisa mufananidzo wemuranda asingaregereri, Jesu anoratidza maonero anoita Mwari kukanganwira kwatinoita vamwe.

CHITSAUKO 65

Anodzidzisa Ari Munzira Kuenda kuJerusarema

Mukukurukura kwaakaita nevanhu vatatu kwenguva pfupi, Jesu akaratidza zvinhu zvinogona kutadzisa munhu kumutevera.