Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 4

Ushumiri hwaJesu Hwekupedzisira muJudhiya

“Kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.”​—Ruka 10:2

Ushumiri hwaJesu Hwekupedzisira muJudhiya

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

CHITSAUKO 66

Ari muJerusarema kuMutambo Wematebhenekeri

Chii chaita kuti vanhu vari kunzwa Jesu achitaura vazoti akagarwa nedhimoni?

CHITSAUKO 67

“Hapana Mumwe Munhu Akambotaura Saizvozvi”

Dare guru revaJudha rose haro rinopikisa Jesu, asi mumwe wavo anoita ushingi hwekutaura achimutsigira.

CHITSAUKO 68

Mwanakomana waMwari Ndiye “Chiedza Chenyika”

Jesu akataura kuti “chokwadi chichakusunungurai.” Kusunungurwa pachii?

CHITSAUKO 69

Baba Vavo ndiAbrahamu Here Kana Kuti ndiDhiyabhorosi?

Jesu anotaura kuti vana vaAbrahamu vangazivikanwa sei, uye kuti Baba vake ndiani.

CHITSAUKO 70

Jesu Anoporesa Murume Akazvarwa Ari Bofu

Vadzidzi vanobvunza nei murume uyu ari bofu. Akaita chivi here? Vabereki vake vane chivi chavakaita here? Paanoporesa murume uyu, vanhu vanotaura zvinhu zvakasiyana-siyana.

CHITSAUKO 71

VaFarisi Vanotambudza Murume Aimbova Bofu

Mashoko anotaurwa nemurume aimbova bofu anoshatirisa vaFarisi. Vabereki vake vanga vachitya kuti vangangodzingwa musinagogi, uye ndizvo zvinobva zvaitika kumurume uyu.

CHITSAUKO 72

Jesu Anotuma Vadzidzi 70 Kuti Vanoparidza

Ari muJudhiya, Jesu anotuma vadzidzi 70 ovaudza kuti vaparidze nezveUmambo. Vadzidzi vanodzidzisa vanhu mumasinagogi here kana kuti mudzimba?

CHITSAUKO 73

MuSamariya Anoratidza Kuti Muvakidzani Akanaka

Jesu anoshandisa sei mufananidzo wemuSamariya akanaka kudzidzisa chidzidzo chinokosha?

CHITSAUKO 74

Zvidzidzo Panyaya Yekugamuchira Vaeni Uye Kunyengetera

Jesu anoshanyira Mariya naMarita kumba kwavo. Anovadzidzisei panyaya yekugamuchira vaeni? Uye anozodzidzisa sei vadzidzi vake zvinhu zvekunyengeterera?

CHITSAUKO 75

Jesu Anoratidza Kuti Chii Chinoita Kuti Munhu Afare

Jesu anoudza vanomushora ‘nezvemunwe waMwari’ uye kuti ‘Umambo hwaMwari hwasvika sei kwavari.’ Anotaurawo kuti vanhu vangawana sei mufaro wechokwadi.

CHITSAUKO 76

Jesu Anodya nemuFarisi

Jesu anofumura unyengeri hwevaFarisi nevanyori panyaya dzekunamata. Vanhu vari kutakudzwa mitoro ipi inorema?

CHITSAUKO 77

Jesu Anopa Zano Nezvepfuma

Jesu anopa mufananidzo wemurume akapfuma anovaka matura makuru. Anodzokorora zano ripi panyaya yezvakaipira kutsvaka pfuma?

CHITSAUKO 78

Mutariri Akatendeka Anofanira Kugara Akagadzirira

Jesu anoratidza kuti anoda kuti vadzidzi vake vawane zvokudya zvinosimbisa pakunamata. Mutariri aizobatsira sei kuti vawane zvokudya izvi? Nei zano rekugara wakagadzirira richikosha?

CHITSAUKO 79

VaJudha Vasingatendi Vachaparadzwa

Jesu anoti vaya vaari kuedza kubatsira vachaparadzwa kana vakasapfidza. Vachadzidza here pane zviri kutaurwa naJesu nezvemaonerwo avanoitwa naMwari?

CHITSAUKO 80

Mufudzi Akanaka Uye Matanga Emakwai

Zvinoitwa nemufudzi nemakwai ake zvinoratidza maonero anoita Jesu vadzidzi vake. Vachanzwa zvaari kudzidzisa vomutevera here?

CHITSAUKO 81

Jesu Nababa Vake Vamwe Chete, Asi Haasi Mwari

Vamwe vanoshora Jesu vanomupomera kuti ari kuzviti akaenzana naMwari. Anoramba sei zvaari kupomerwa nounyanzvi?