Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIKAMU 5

Ushumiri hwaJesu Hwekupedzisira Kumabvazuva kwaJodhani

‘Vazhinji vanotenda maari.’​—Johani 10:42

Ushumiri hwaJesu Hwekupedzisira Kumabvazuva kwaJodhani

ZVIRI MUCHIKAMU CHINO

CHITSAUKO 82

Ushumiri hwaJesu muPereya

Jesu anotsanangurira vateereri vake kuti chii chinodiwa kuti munhu aponeswe uye kuti nei vakawanda vasingazoponi. Zvaanotaura zvaikosha mazuva iwayo. Ko mazuva ano?

CHITSAUKO 83

Mwari Anokoka Vanhu Vakaita Sei Kumabiko Ake?

Achidya pamba pemumwe muFarisi, Jesu anotaura mufananidzo wemabiko makuru ezvekudya zvemanheru. Anotaura chidzidzo chinokosha kuvanhu vose vaMwari. Ndechei?

CHITSAUKO 84

Kuva Mudzidzi waJesu Haisi Nyaya Yekutamba Nayo

Kuva mudzidzi waKristu inyaya yakakosha. Jesu anotaura pachena kuti chii chinodiwa. Zvichida vamwe vanoda kuva vateveri vake vanoshamisika nezvaanotaura.

CHITSAUKO 85

Kufara Panopfidza Mutadzi

VaFarisi nevanyori vanoshora Jesu nekuti anogamuchira vanhu vakaderera. Jesu anoshandisa mifananidzo kuti avaratidze kuti Mwari anoona sei vatadzi.

CHITSAUKO 86

Mwanakomana Akarasika Anodzoka

Zvidzidzo zvipi zvatinowana pamufananidzo waJesu wemwanakomana akarasika?

CHITSAUKO 87

Rongera Ramangwana Neuchenjeri

Jesu anotaura mufananidzo wemutariri ane uori kuti adzidzise chidzidzo chinoshamisa.

CHITSAUKO 88

Mufananidzo Wemupfumi naRazaro

Chinobatsira kunzwisisa mufananidzo waJesu kutanga waziva mupfumi naRazaro vari kumiririra vanaani.

CHITSAUKO 89

Anodzidzisa muPereya Achienda kuJudhiya

Anotaura kuti kutenda kunogona kutibatsira sei kuregerera vaya vanogara vachititadzira.

CHITSAUKO 90

“Kumuka Noupenyu”

Jesu airevei paakati vaya vanotenda maari ‘havazombofi’?

CHITSAUKO 91

Razaro Anomutswa

Zvinhu zviviri zvine chokuita nechiitiko ichi zvinoita kuti kunyange vanhu vari kupikisa Jesu vasakwanise kuramba kuti aita chishamiso ichi.

CHITSAUKO 92

Varume Gumi Vanoporeswa, Asi Mumwe Chete Ndiye Anotenda Zvaaitirwa

Murume aporeswa anoratidza kuti anotenda zvaaitirwa naJesu naJehovha.

CHITSAUKO 93

Mwanakomana Wemunhu Achaonekwa

Kuvapo kwaKristu kuchafanana nemheni pakudii?

CHITSAUKO 94

Kunyengetera Uye Kuzvininipisa, Zvinhu Zviviri Zvinokosha

Mumufananidzo wake wemutongi asina kururama nechirikadzi, Jesu anoratidza kuti kuramba uchinyengeterera zvaunenge uchida kwakakosha.

CHITSAUKO 95

Jesu Anotaura Maonero Anoita Mwari Kurambana Uye Anoratidza Kuti Anoda Vana

Maonero anoita Jesu vana vaduku akasiyana nemaonero avanoitwa nevadzidzi vake. Nei zvakadaro?

CHITSAUKO 96

Anopindura Mubvunzo Wemutongi Wechiduku Akapfuma

Chii chinoita kuti Jesu azotaure kuti zviri nyore kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pane kuti mupfumi apinde muUmambo hwaMwari?

CHITSAUKO 97

Mufananidzo Wevashandi Vomumunda Wemizambiringa

Vokutanga vanova sei vokupedzisira uye vokupedzisira vokutanga?

CHITSAUKO 98

Nyaya Yekutsvaka Chinzvimbo Inotangazve

Jakobho naJohani vanokumbira zvinzvimbo muUmambo, asi vamwe vavo vari kuzvidawo.

CHITSAUKO 99

Jesu Anoporesa Mapofu Uye Anobatsira Zakeyo

Tingatsanangura sei musiyano uri pakurondedzerwa kunoitwa nyaya yekuporeswa kwemapofu maviri naJesu pedyo neJeriko iyo inotaurwa zvakasiyana muBhaibheri?

CHITSAUKO 100

Mufananidzo Wemamaina Gumi

Jesu airevei paakati: “Munhu wose anazvo, achawedzerwa zvimwe; asi asina achatorerwa kunyange zvaainazvo”?