Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 70

Jesu Anoporesa Murume Akazvarwa Ari Bofu

Jesu Anoporesa Murume Akazvarwa Ari Bofu

JOHANI 9:1-18

  • MUPEMHI AKAZVARWA ARI BOFU ANOPORESWA

Sabata rinosvika Jesu achiri muJerusarema. Iye nevadzidzi vake pavanenge vachifamba muguta, vanoona mumwe mupemhi akazvarwa ari bofu. Vadzidzi vanobvunza Jesu kuti: “Rabhi, ndiani akatadza, munhu uyu kana vabereki vake, zvokuti akaberekwa ari bofu?”—Johani 9:2.

Vadzidzi vanoziva kuti murume uyu haana kumborarama humwe upenyu asati azvarwa, asi vanogona kunge vari kunetseka kuti munhu anogona kuita chivi here ari mudumbu raamai vake. Jesu anopindura kuti: “Munhu uyu haasi iye akatadza kana kuti vabereki vake, asi zvakaitwa kuti mabasa aMwari aratidzwe pachena paari.” (Johani 9:3) Saka murume uyu, kunyange vabereki vake handivo vane mhosva kana kuti vakaita chivi chakakonzera upofu hwake. Asi chivi chakabva kuna Adhamu ndicho chinoita kuti vanhu vose vaberekwewo vaine chivi izvo zvinogona kukonzera urema, hwakadai seupofu. Asi upofu hwemurume uyu hunopa Jesu mukana wekuratidza mabasa aMwari, sezvaakamboita pane zvimwe zviitiko paakarapa vanhu vanorwara.

Jesu anoratidza kuti mabasa aya anoda kuitwa nguva isati yapera. Anoti: “Tinofanira kuita mabasa aiye akandituma achiri masikati; usiku huri kuuya pasina munhu anozogona kuita basa. Chero bedzi ndiri munyika, ndiri chiedza chenyika.” (Johani 9:4, 5) Hapasisina nguva zvechokwadi Jesu asati apinda muzarima reguva maasingazokwanise kuita chero chii. Asi iye zvino achiri kukwanisa kupa nyika chiedza.

Asi Jesu achaporesa murume uyu here, uye kana achamuporesa, achazviita sei? Jesu anosvipira pasi okanya ivhu nemate ake. Anoisa rimwe racho pamaziso emurume uyu oti: “Enda ugeze mudziva reSiroami.” (Johani 9:7) Murume wacho anoita zvaaudzwa, uye paanodaro anobva atanga kuona! Chimbofungidzira kuti akafara sei, kuonawo kekutanga muupenyu hwake!

Vavakidzani nevamwe vaimuziva ari bofu vanoshamiswa. Vanobvunza kuti: “Uyu haasi iye munhu aigara pasi achipemha here?” Vamwe vanopindura kuti: “Ndiye.” Asi vamwe vanoramba kuzvitenda voti: “Kana, asi akafanana naye.” Murume wacho anozopindura achiti: “Ndini.”—Johani 9:8, 9.

Vanomubvunza kuti: “Saka maziso ako asvinudzwa sei?” Anopindura achiti: “Munhu anonzi Jesu akanya ivhu, akarinamira pamaziso angu, akati kwandiri, ‘Enda kuSiroami ugeze.’ Naizvozvo ndaenda, ndikageza, ndikaona.” Vanobva vabvunza kuti: “Munhu iyeye ari kupi?” Mupemhi wacho anopindura kuti: “Handizivi.”—Johani 9:10-12.

Vanhu vacho vanoenda nemurume uyu kuvaFarisi, avo vanoda kuziva kuti aona sei. Anovaudza kuti: “Aisa ivhu pamaziso angu, uye ndageza ndikaona.” Pane kuti vafare kuti mupemhi uyu aporeswa, vamwe vaFarisi vanotoshora Jesu. Vanoti: “Uyu haasi munhu anobva kuna Mwari, nokuti haachengeti Sabata.” Vamwewo vachiti: “Munhu mutadzi angagona sei kuita zviratidzo zvorudzi irworwo?” (Johani 9:15, 16) Saka maonero avo apesana.

Sezvo ivo vacho vari kupesana, vaFarisi vanotendeukira kumurume uya ava kuona vomubvunza kuti: “Unotii pamusoro pake, zvaasvinudza maziso ako?” Anovapindura aine chivimbo nezvaJesu achiti: “Iye muprofita.”—Johani 9:17.

VaJudha vanoramba kuzvitenda. Vanofunga kuti zvimwe Jesu nemurume uyu varangana kuti vanyengedze vanhu. Vanofunga kuti kuzvipedza kuenda kunobvunza vabereki vemupemhi uyu kuti akanga ari bofu here zvechokwadi.