Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 71

VaFarisi Vanotambudza Murume Aimbova Bofu

VaFarisi Vanotambudza Murume Aimbova Bofu

JOHANI 9:19-41

  • VAFARISI VANOTAMBUDZA MURUME AIMBOVA BOFU

  • VATUNGAMIRIRI VECHITENDERO “MAPOFU”

VaFarisi havabvumi kuti Jesu aporesa murume akazvarwa ari bofu, saka vanodaidza vabereki vake. Vabereki vacho vanoziva kuti vanogona “kudzingwa musinagogi.” (Johani 9:22) Kuitirwa izvozvo kwaizoita kuti mhuri iyi itadze kuwadzana nevamwe vaJudha izvo zvaizounza nhamo yemari yakakura kumhuri yacho.

VaFarisi vanovabvunza mibvunzo miviri: “Uyu ndiye mwanakomana wenyu wamunoti akaberekwa ari bofu here? Saka iye zvino ava kuona sei?” Vabereki vacho vanopindura kuti: “Tinoziva kuti uyu mwanakomana wedu uye kuti akaberekwa ari bofu. Asi kuti zvino ava kuona sei hatizivi.” Kunyange zvazvo vabereki ava vangave vaudzwa nemwana wavo zvaitika, vanonyatsochenjerera mapinduriro avo voti: “Mubvunzei. Iye akura. Anofanira kuzvitaurira.”—Johani 9:19-21.

Saka vaFarisi vanodana murume uya zvakare vachida kumutyisidzira vachiti pane zvakaipa zvavanoziva nezvaJesu. Vanoti kwaari: “Kudza Mwari; tinoziva kuti munhu uyu mutadzi.” Murume akanga ari bofu anopindura mashoko avo ekuda kupa Jesu mhosva achiti: “Kana ari mutadzi ini handizivi.” Asi anoti: “Ndinoziva chinhu chimwe chete, kuti, kunyange ndanga ndiri bofu, panguva ino ndava kuona.”—Johani 9:24, 25.

VaFarisi havasati vagutsikana, saka vanoenderera mberi vachiti: “Aitei kwauri? Asvinudza sei maziso ako?” Murume wacho anoratidza ushingi paanovapindura kuti: “Ndatokuudzai, asi hamuna kuteerera. Munodirei kuzvinzwa zvakare? Munodawo kuva vadzidzi vake here?” Nehasha, vaFarisi vanoti: “Iwe ndiwe mudzidzi womunhu iyeye, asi isu tiri vadzidzi vaMosesi. Tinoziva kuti Mwari akataura naMosesi; asi kana ari munhu uyu, hatizivi kwaanobva.”—Johani 9:26-29.

Achiratidza kushamiswa, mupemhi uyu anoti: “Chokwadi ichi chishamiso, kuti hamuzivi kwaanobva, asi iye asvinudza maziso angu.” Murume wacho anobva atsanangura kuti Mwari anoteerera uye anokomborera munhu akaita sei achiti: “Tinoziva kuti Mwari haateereri vatadzi, asi kana munhu achitya Mwari uye achiita zvaanoda, anoteerera iyeyu. Kubvira kare hazvina kumbonzwika kuti munhu akasvinudza maziso omunhu akaberekwa ari bofu.” Anobva apedzisa nerokuti: “Kudai munhu uyu aisabva kuna Mwari, hapana chinhu chaaimbogona kuita.”—Johani 9:30-33.

Vatadza kuramba mashoko emupemhi uyu, vaFarisi vanomunyomba vachiti: “Iwe sezvauri wakaberekerwa muzvivi, asi zvino wava kutidzidzisa here?” Vanobva vamudzingira kunze.—Johani 9:34.

Jesu paanonzwa zvaitika, anotsvaga murume wacho omubvunza kuti: “Uri kutenda muMwanakomana womunhu here?” Murume wacho aporeswa anopindura kuti: “Changamire, iye ndiani kuti nditende maari?” Achiita kuti asare asina mubvunzo kuti ndiani, Jesu anoti: “Wamuona uye, kunze kwezvo, ari kutaura newe ndiye iye.”—Johani 9:35-37.

Murume wacho anopindura kuti: “Ndinotenda maari, Ishe.” Achiratidza kutenda uye kuremekedza Jesu, murume uyu anomupfugamira, Jesu wacho obva ataura mashoko akadzama okuti: “Ndakauya munyika ino nokuda kwokutonga uku: kuti vaya vasingaoni vaone uye vaya vanoona vave mapofu.”—Johani 9:38, 39.

VaFarisi, avo varipowo, vanoziva kuti havasi mapofu. Asi basa ravakazvipa rokutungamirira vanhu pakunamata, vari kuriita sei? Vanoona kunge vanoriita nemazvo saka vanobvunza kuti: “Tiri mapofuwo here?” Jesu anoti: “Kudai maiva mapofu, mungadai musina chivi. Asi zvino munoti, ‘Tinoona.’ Chivi chenyu chinoramba chiripo.” (Johani 9:40, 41) Zvimwe dai vanga vasiri vadzidzisi muIsraeri, kuramba kwavo Jesu kwaigona kunzwisisika. Zvino nekuziva kwavanoita Mutemo, kuramba kwavo Jesu chivi chakakura.