Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 69

Baba Vavo ndiAbrahamu Here Kana Kuti ndiDhiyabhorosi?

Baba Vavo ndiAbrahamu Here Kana Kuti ndiDhiyabhorosi?

JOHANI 8:37-59

  • VAJUDHA VANOTI ABRAHAMU NDIYE BABA VAVO

  • ABRAHAMU ASATI AVAKO, JESU AKANGA AVAKO

Achiri muJerusarema kuMutambo Wematebhenekeri (kana kuti Wematumba), Jesu anoenderera mberi nokudzidzisa chokwadi chinokosha. Vamwe vaJudha varipo vanga vachangobva kumuudza kuti: “Tiri vana vaAbrahamu uye hatina kumbova varanda chero vomunhu upi zvake.” Jesu anovapindura achiti: “Ndinoziva kuti muri vana vaAbrahamu; asi munotsvaka kundiuraya, nokuti shoko rangu harifambiri mberi pakati penyu. Ndinotaura zvinhu zvandakaona kuna Baba vangu; imi, naizvozvo, itai zvinhu zvamakanzwa kuna baba venyu.”—Johani 8:33, 37, 38.

Zviri kutaurwa naJesu zviri pachena: Baba vake vakasiyana nababa vavo. Vasinganzwisisi zviri kutaurwa naJesu, vaJudha vanodzokorora mashoko avo okuti: “Baba vedu ndiAbrahamu.” (Johani 8:39; Isaya 41:8) Abrahamu ndiye tateguru wavo zvechokwadi. Saka vanofunga kuti vane kutenda kwakafanana nekweshamwari yaMwari iyi.

Asi Jesu anopindura zvinovakatyamadza achiti: “Kana muri vana vaAbrahamu, itai mabasa aAbrahamu.” Zvechokwadi kana uri mwana unotevedzera baba vako. Jesu anoenderera mberi achiti: “Asi zvino munotsvaka kundiuraya, munhu akakuudzai chokwadi chandakanzwa kuna Mwari. Abrahamu haana kudaro.” Jesu anozovataurira zvinovatenderedza musoro paanoti: “Munoita mabasa ababa venyu.”—Johani 8:39-41.

VaJudha havasati vabata kuti Jesu ari kutaura nezvaani. Vanozviti vana vakaberekwa zviri pamutemo, vachiti: “Hatina kuberekwa noufeve; tina Baba vamwe chete, iye Mwari.” Asi Mwari ndiye Baba vavo zvechokwadi here? Jesu anoti: “Kudai Mwari aiva Baba venyu, maizondida, nokuti ndakabva kuna Mwari uye ndiri pano. Uyewo handina kungozviuyira ndoga, asi Iyeye akandituma.” Jesu anobvunza mubvunzo obva aupindura: “Nei musingazivi zvandiri kutaura? Nokuti hamugoni kuteerera shoko rangu.”—Johani 8:41-43.

Jesu aedza kuvaratidza kuti kumuramba kwavari kuita kuchavasvitsa kupi. Asi anozoti dyoo paanoti: “Munobva kuna baba venyu Dhiyabhorosi, uye munoda kuita zvinodiwa nababa venyu.” Baba vavo vakaita sei? Jesu anotsanangura zvakajeka achiti: “Iye akanga ari muurayi paakatanga, uye haana kumira zvakasimba muchokwadi, nokuti chokwadi hachisi maari.” Jesu anowedzera kuti: “Uya anobva kuna Mwari anoteerera mashoko aMwari. Ndokusaka musingateereri, nokuti hamubvi kuna Mwari.”—Johani 8:44, 47.

Mashoko iwayo anoshatirisa vaJudha, vobva vamupindura vachiti: “Hatitauri nomazvo here kuti, Iwe uri muSamariya uye une dhimoni?” Pavari kuti Jesu “muSamariya,” vari kuratidza kuti vanomuvenga. Asingaisi pfungwa dzake pafananidzo iyoyo ine chinangwa chokumutuka, Jesu anopindura kuti: “Handina dhimoni, asi ndinokudza Baba vangu, uye imi munondizvidza.” Zvinozotaurwa naJesu zvinoratidza kuti kumuzvidza kwavo inyaya hombe paanotaura mashoko anovashamisa okuti: “Kana munhu akachengeta shoko rangu, haazombooni rufu.” Haasi kureva kuti vaapostora nevamwe vari kumutevera havasi kuzofa. Asi ari kureva kuti havazoparadzwe zvachose ‘parufu rwechipiri,’ rufu rwusina tariro yerumuko.—Johani 8:48-51; Zvakazarurwa 21:8.

Asi vaJudha vanobva vatora mashoko aJesu sezvaari, voti: “Zvino tava kuziva kuti une dhimoni. Abrahamu akafa, uye ndizvo zvakaitawo vaprofita; asi iwe unoti, ‘Kana munhu akachengeta shoko rangu, haazombooni rufu.’ Uri mukuru here kuna baba vedu Abrahamu, vakafa? . . . Unozviti uri ani?”—Johani 8:52, 53.

Zviri pachena kuti Jesu ari kuvaratidza kuti ndiye Mesiya. Asi pane kupindura mubvunzo wavo nenzira inobudisa kuti iye ndiye ani, anoti: “Kana ndikazvikudza, kuzvikudza kwangu hakusi chinhu. Baba vangu ndivo vanondikudza, ivo vamunoti ndiMwari wenyu; asi hamusati mavaziva. Asi ini ndinovaziva. Kana ndikataura kuti handivazivi ndingava murevi wenhema kufanana nemi.”—Johani 8:54, 55.

Jesu anotaura zvekare nezvatateguru wavo ainge akatendeka achiti: “Abrahamu baba venyu vakafara kwazvo vachitarisira kuona zuva rangu, uye vakariona, vakafara.” Abrahamu aitarisira kuuya kwaMesiya nekuti aitenda zvainge zvavimbiswa naMwari. VaJudha vanoramba zvaari kutaura vachiti: “Iwe hausati wava nemakore makumi mashanu, saka wakaona Abrahamu sei?” Jesu anopindura kuti: “Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Abrahamu asati avapo, ini ndaivapo.” Ari kutaura nezveupenyu hwake achiri kudenga sengirozi ine simba asati auya pasi pano.—Johani 8:56-58.

VaJudha vanoshatiriswa nemashoko aJesu okuti iye akararama Abrahamu asati avapo zvokuti vanoda kumutema nematombo. Asi Jesu anobvapo vasina kumukuvadza.