Enda pane zvauri kuda

Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?

Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?

Unofunga kuti . . .

  • chinhu chiri mumwoyo mako here?

  • kutaura kwedimikira here?

  • ihurumende iri kudenga here?

BHAIBHERI RINOMBOTII?

“Mwari wekudenga achaita kuti pave neumambo husingazomboparadzwi.”​—Dhanieri 2:44, Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva.

“Tapiwa mwanakomana; uye hurumende ichava papfudzi rake.”​—Isaya 9:6; mashoko emuzasi.

ZVARINOTAURA ZVINGAKUBATSIRA SEI?

TINGANYATSOBVUMA ZVINOTAURWA NEBHAIBHERI HERE?

Hongu. Tine zvikonzero zviviri zvinoita kuti tidaro:

  • Jesu akaratidza zvichaitwa neUmambo hwaMwari. Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vanyengeterere kuti Umambo hwaMwari huuye uye kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika. (Mateu 6:9,10) Jesu akaratidza mapindurirwo achaitwa munyengetero iwoyo.

    Paaiva panyika, Jesu akapa zvekudya vanhu vaiva nenzara, akaporesa vairwara uye akamutsa vakafa! (Mateu 15:29-38; Johani 11:38-44) SeMutongi weUmambo hwaMwari, Jesu akaratidza muchidimbu zvinhu zvakanaka zvichaitirwa vanhu vanenge vachitongwa neUmambo ihwohwo.​—Zvakazarurwa 11:15.

  • Zviri kuitika panyika zvinoratidza kuti Umambo hwaMwari hwava pedyo nekuuya. Jesu akataura kuti Umambo pahunenge hwava pedyo nekuunza rugare panyika, nyika yese ichatambudzwa nehondo, nzara, uye kudengenyeka kwenyika.​—Mateu 24:3, 7.

    Izvozvo ndizvo chaizvo zviri kuitika mazuva ano. Saka tinogona kuva nechivimbo chekuti Umambo hwaMwari hwava pedyo nekupedza matambudziko ese iwayo.

ZVEKUFUNGA NEZVAZVO

Upenyu huchange hwakaita sei Umambo hwaMwari pahunenge hwava kutonga?

Bhaibheri rinopindura mubvunzo iwoyo pana PISAREMA 37:29 naISAYA 65:21-23.