Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 4

Jesu Kristu Ndiani?

Jesu Kristu Ndiani?

1, 2. (a) Kungoziva zita remumwe munhu akakurumbira kwakasiyana sei nekunyatsomuziva? (b) Vanhu vanotii nezvaJesu?

MUNYIKA mune vanhu vakawanda vakakurumbira. Pamwe unotoziva zita remumwe munhu akakurumbira. Asi kungoziva zita rake chete hazvirevi kuti unonyatsomuziva. Hazvirevi kuti unoziva zvese nezveupenyu hwake uye kuti munhu akanyatsoita sei.

2 Pamwe wakambonzwa nezvaJesu Kristu pasinei nekuti akararama panyika makore angasvika 2 000 akapfuura. Asi vanhu vakawanda havazivi kuti Jesu aimbova munhu akaita sei. Vamwe vanoti aiva munhu akanaka, vamwe vachiti aiva muprofita, vamwewo vachiti ndiye Mwari. Ko iwe unoti kudii?—Ona Mamwe Mashoko 11.

3. Nei zvichikosha kuti uzive Jehovha Mwari naJesu Kristu?

3 Zvinokosha kuti uzive chokwadi nezvaJesu. Nei tichidaro? Bhaibheri rinotiudza kuti: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kusvika pakukuzivai, imi Mwari mumwe chete wechokwadi, naJesu Kristu wamakatuma.” (Johani 17:3) Kana ukaziva chokwadi nezvaJehovha naJesu unokwanisa kurarama nekusingaperi muparadhiso panyika pano. (Johani 14:6) Uyewo kuziva nezvaJesu kunokosha nekuti kumutevedzera kunokubatsira pamararamiro ako uye pamabatiro aunoita vamwe. (Johani 13:34, 35) MuChitsauko 1, takadzidza chokwadi nezvaMwari. Iye zvino tava kuda kudzidza kuti Bhaibheri rinodzidzisei nezvaJesu.

TAWANA MESIYA!

4. Mashoko ekuti “Mesiya” uye “Kristu” anorevei?

4 Makore akawanda Jesu asati atombozvarwa, Jehovha akavimbisa muBhaibheri kuti aizotuma Mesiya kana kuti Kristu. Shoko rekuti “Mesiya” rinobva pashoko remutauro wechiHebheru, uye rekuti “Kristu” pashoko remutauro wechiGiriki. Mazita aya ari maviri anoreva kuti “Muzodziwa,” izvo zvinoreva kuti Mwari aizomusarudza omupa basa rinokosha. Mesiya achaita kuti zvese zvakavimbiswa naMwari zvizadziswe. Jesu anogonawo kutokubatsira iye zvino. Asi Jesu asati aberekwa, vanhu vakawanda vainetseka kuti, ‘Ndiani achazova Mesiya wacho?’

5. Tinoziva sei kuti vadzidzi vaJesu vaiziva kuti ndiye aiva Mesiya?

5 Vadzidzi vaJesu vaiva nechokwadi chekuti ndiye aiva Mesiya akataurwa nezvake. (Johani 1:41) Simoni Petro akatoti kuna Jesu: “Ndimi Kristu.” (Mateu 16:16) Ko isu tingava sei nechokwadi chekuti Jesu ndiye Mesiya?

6. Jehovha akabatsira sei vaya vaida zvavo kuziva kuti Mesiya ndiani?

6 Kare kare Jesu asati aberekwa, vaprofita vaMwari vakanyora zvinhu zvakawanda zvaizobatsira vanhu kuziva Mesiya. Izvozvo zvaizobatsira sei? Ngatitii wakumbirwa kuenda kuchiteshi chemabhazi chine vanhu vakawanda kunotambira mumwe munhu wausati wamboona. Kana ukanyatsotsanangurirwa zvakaita munhu wacho, unokwanisa kumuwana. Izvi ndizvo zvakaitwawo naJehovha pakuti akashandisa vaprofita vake kutiudza zvaizoitwa naMesiya uye zvaizoitika kwaari. Kuzadziswa kweuprofita hwese ihwohwo kunobatsira vaya vanonyatsoda kuziva chokwadi kuti vaone kuti Jesu ndiye Mesiya.

7. Uprofita hupi huviri hunoratidza kuti Jesu ndiye Mesiya?

7 Ngationei humwe uprofita hwacho. Makore 700 Jesu asati aberekwa, Mika akaprofita kuti Mesiya aizoberekerwa muguta diki reBhetrehema. (Mika 5:2) Ikoko ndiko chaiko kwakaberekerwa Jesu! (Mateu 2:1, 3-9) Dhanieri akaprofitawo kuti Mesiya aizoonekwa mugore ra29 C.E. (Dhanieri 9:25) Tangotaura uprofita huviri chete pane hwakawanda huripo hunonyatsoratidza kuti Jesu ndiye Mesiya.—Ona Mamwe Mashoko 12.

Paakabhabhatidzwa, Jesu akava Mesiya kana kuti Kristu

8, 9. Zvii zvakaitika pakabhabhatidzwa Jesu zvinoratidza kuti ndiye Mesiya?

8 Jehovha akaita kuti zvinyatsova pachena kuti Jesu ndiye Mesiya. Mwari akavimbisa Johani Mubhabhatidzi kuti aizoona chiratidzo chaizomubatsira kuziva Mesiya. Jesu paakaenda kuna Johani kunobhabhatidzwa muRwizi rwaJodhani mugore ra29 C.E., Johani akaona chiratidzo chacho. Bhaibheri rinotiudza zvakaitika richiti: “Achangobva kubhabhatidzwa, Jesu akabuda mumvura; uye denga rakabva ravhurika, akaona mweya waMwari uchidzika wakaita senjiva uchiuya paari. Ona! Inzwi rakabvawo kudenga rikati: ‘Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa, wandafarira.’” (Mateu 3:16, 17) Johani paakaona uye paakanzwa chiratidzo ichi, akabva aziva kuti Jesu ndiye Mesiya wacho. (Johani 1:32-34) Zuva iroro, Jehovha paakadurura mweya wake paari, Jesu akabva ava Mesiya. Ndiye akanga asarudzwa naMwari kuti ave Mutungamiriri uye Mambo.—Isaya 55:4.

9 Uprofita huri muBhaibheri, uye mashoko akataurwa naJehovha pachake, nechiratidzo chaakapa pakabhabhatidzwa Jesu, zvinoratidza kuti Jesu ndiye Mesiya. Asi Jesu akabva kupi, uye aiva munhu akaita sei? Ngationei zvinotaurwa neBhaibheri.

JESU AKABVA KUPI?

10. Bhaibheri rinodzidzisei nezveupenyu hwaJesu asati auya panyika?

10 Bhaibheri rinodzidzisa kuti Jesu akagara kudenga kwemakore akawanda asati auya panyika. Mika akati “mavambo [aMesiya] ndeekare kare.” (Mika 5:2) Jesu pachake akataura kakawanda kuti aigara kudenga asati aberekwa panyika. (Verenga Johani 3:13; 6:38, 62; 17:4, 5.) Kunyange asati auya panyika, Jesu aiva pedyo zvikuru naJehovha.

11. Nei Jesu achikosha zvikuru kuna Jehovha?

11 Jesu anokosha zvikuru kuna Jehovha. Nei achimukoshesa zvakadaro? Nekuti Mwari akamusika asati asika zvimwe zvinhu zvese uye vanhu. Saka Jesu anonzi “dangwe rezvisikwa zvese.” * (VaKorose 1:15) Chimwezve chinoita kuti Jesu akoshe zvikuru kuna Jehovha ndechekuti ndiye chete akasikwa naJehovha pachake. Ndokusaka achinzi Mwanakomana “akaberekwa ari mumwe oga.” (Johani 3:16) Zvakare Jesu ndiye chete akashandiswa naJehovha kusika zvimwe zvinhu zvese. (VaKorose 1:16) Uye Jesu chete ndiye anonzi “Shoko” nekuti Jehovha akamushandisa pakuendesa mashoko nemirayiro kungirozi nekuvanhu.—Johani 1:14.

12. Tinoziva sei kuti Jesu naMwari havasi munhu mumwe chete?

12 Vamwe vanhu vanofunga kuti Jesu naMwari munhu mumwe chete. Asi handizvo zvinodzidziswa neBhaibheri. Bhaibheri rinoti Jesu akasikwa, kureva kuti Jesu ane paakatangira. Asi Jehovha, uyo akasika zvinhu zvese, haana paakatangira. (Pisarema 90:2) Sezvo Jesu ari Mwanakomana waMwari, haana kumbobvira afunga zvekuedza kuzviita Mwari. Bhaibheri rinodzidzisa zvakajeka kuti Baba vakuru kune Mwanakomana. (Verenga Johani 14:28; 1 VaKorinde 11:3.) Jehovha chete ndiye “Mwari Wemasimbaose.” (Genesisi 17:1) Ndiye mukuru kupfuura ani zvake uye hakuna mumwe ane simba rakaita serake.—Ona Mamwe Mashoko 13.

13. Nei Bhaibheri richiti Jesu “mufananidzo waMwari asingaoneki?”

13 Jehovha neMwanakomana wake Jesu, vakashanda pamwe chete kwemabhiriyoni emakore denga nenyika zvisati zvasikwa. Vanofanira kunge vaidanana zvikuru! (Johani 3:35; 14:31) Jesu akanyatsotevedzera zvaiitwa naBaba vake zvekuti Bhaibheri rinomuti “mufananidzo waMwari asingaoneki.”—VaKorose 1:15.

14. Zvakafamba sei kuti Mwanakomana waJehovha anokosha zvikuru aberekwe semunhu wenyama?

14 Mwanakomana waJehovha anokosha zvikuru akabvuma kubva kudenga uye kuberekwa panyika semunhu wenyama. Izvi zvakaitika sei? Jehovha akaita chishamiso chekubvisa upenyu hweMwanakomana wake kudenga ndokuhuisa mudumbu remhandara yainzi Mariya. Kureva kuti Jesu akanga asina baba venyama. Saka Mariya akazvara mwana asina chivi, akamutumidza kuti Jesu.—Ruka 1:30-35.

JESU AIVA MUNHU AKAITA SEI?

15. Ungasvika sei pakuziva zvakawanda nezvaJehovha?

15 Unogona kudzidza zvakawanda nezveupenyu hwaJesu, uye kuti aiva munhu akaita sei kana ukaverenga mabhuku eBhaibheri aMateu, Mako, Ruka naJohani. Mabhuku iwayo anonzi Evhangeri. Jesu akafanana naBaba vake, saka zvauchaverenga zvichakubatsirawo kuziva zvakawanda nezvaJehovha. Ndokusaka Jesu akati: “Munhu wese anenge aona ini aonawo Baba.”—Johani 14:9.

16. Jesu aidzidzisa nezvei? Zvaaidzidzisa zvaibvepi?

16 Vanhu vakawanda vaidana Jesu kuti “Mudzidzisi.” (Johani 1:38; 13:13) Chimwe chezvinhu zvinokosha zvaaidzidzisa aiva “mashoko akanaka eUmambo.” Umambo uhwu chii? Ihurumende yaMwari yekudenga ichatonga nyika yese uye ichaita kuti vanhu vese vanoteerera Mwari vawane makomborero. (Mateu 4:23) Zvese zvaidzidziswa naJesu zvaibva kuna Jehovha. Jesu akati: “Zvandinodzidzisa hazvisi zvangu, asi ndezvaiye akandituma.” (Johani 7:16) Jesu aiziva kuti Jehovha anoda kuti vanhu vanzwe mashoko akanaka ekuti Umambo hwaMwari huchatonga nyika yese.

17. Jesu aidzidzisira kupi? Nei akashanda nesimba zvakadaro kuti adzidzise vamwe?

17 Jesu aidzidzisira kupi? Kwese kwaaiwana vanhu. Aidzidzisa mumaruwa nemumaguta, mumisha, mumisika, munzvimbo dzekunamatira, nemudzimba dzevanhu. Aisatarisira kuti vanhu vamuvinge. Ndiye aiwanzoenda kwavaiva. (Mako 6:56; Ruka 19:5, 6) Jesu aishanda nesimba uye aishandisa nguva yake yakawanda kudzidzisa vanhu. Aizviitirei? Aiziva kuti Mwari anoda kuti adaro uye aigara achiteerera Baba vake. (Johani 8:28, 29) Chimwe chaiita kuti Jesu aparidze ndechekuti ainzwira vanhu tsitsi. (Verenga Mateu 9:35, 36.) Aiona kuti vatungamiriri vezvitendero vakanga vasingadzidzisi chokwadi nezvaMwari uye Umambo hwake. Saka aida kubatsira vanhu vakawanda kuti vanzwe mashoko akanaka.

18. Unonyanya kufarira chii pamabatiro aiita Jesu vanhu?

18 Jesu aiva munhu anoda vanhu uye aiva nehanya navo. Aiva nemutsa uye vanhu vaiona zvakareruka kutaura naye. Kunyange vana vaida kuva naye. (Mako 10:13-16) Jesu aibata vanhu zvakaenzana. Aivenga uori uye kuita zvisina kururama. (Mateu 21:12, 13) Akararama panguva yainyimwa vakadzi kodzero dzakawanda uye pavaibatwa zvisina ruremekedzo. Asi iye aibata vanhukadzi neruremekedzo nguva dzese. (Johani 4:9, 27) Jesu aivawo munhu anozvininipisa zvechokwadi. Mamwe manheru akageza tsoka dzevadzidzi vake, rinova basa raiwanzoitwa nevaranda.—Johani 13:2-5, 12-17.

Jesu aiparidza kwese kwaaiwana vanhu

19. Ndezvipi zvakaitwa naJesu zvinoratidza kuti aiziva zvainyatsodiwa nevanhu uye kuti aiva nechido chekuvabatsira?

19 Jesu aiziva zvainyatsodiwa nevanhu, uye aiva nechido chekuvabatsira. Izvi zvinooneka pakushandisa kwaaiita simba raMwari kuita zvishamiso zvekuporesa vanhu. (Mateu 14:14) Mumwe murume aiva nemaperembudzi akauya kwaari akati: “Kana muchida henyu, munogona kundichenesa.” Jesu akasiririswa nekurwadziwa uye kutambura kwaiita murume uyu. Tsitsi dzakaita kuti ade kumubatsira. Saka Jesu akatambanudza ruoko rwake, akamubata, ndokuti kwaari: “Ndinoda! Cheneswa.” Murume wacho akabva apora! (Mako 1:40-42) Unofunga kuti murume iyeye akanzwa sei?

AKANGA AKATENDEKA KUNA BABA VAKE NGUVA DZESE

20, 21. Jesu akanyatsoratidza sei chinonzi kuteerera Mwari?

20 Jesu akanyatsoratidza chinonzi kuteerera Mwari. Airamba akatendeka kuna Baba vake pasinei nezvaiitika kwaari kana kuti zvaiitwa nevavengi vake. Paakaedzwa naSatani haana kuita chivi. (Mateu 4:1-11) Vamwe vanhu vemumhuri make vakanga vasingabvumi kuti ndiye Mesiya, saka vakati “arasika pfungwa,” asi Jesu akaramba achiita basa raMwari. (Mako 3:21) Paaiitirwa utsinye nevavengi vake, Jesu akaramba akatendeka kuna Mwari uye haana kumboedza kuvatsiva.—1 Petro 2:21-23.

21 Jesu akaramba akatendeka kuna Jehovha kunyange paakaurayiwa zveutsinye uye zvinorwadza. (Verenga VaFiripi 2:8.) Funga kurwadziswa kwaakaitwa musi waakafa. Akasungwa, akapomerwa nezvapupu zvenhema kuti aituka Mwari, akatongerwa rufu nevatongi vaiva neuori, akasekwa nemhomho yevanhu, uye mauto akamutambudza ndokumuroverera padanda. Paakanga ava kufa akashevedzera kuti: “Zvaitika!” (Johani 19:30) Mazuva matatu pashure pekunge Jesu afa, Jehovha akamumutsa akamupa muviri wemweya. (1 Petro 3:18) Pashure pemavhiki mashomanana, Jesu akadzokera kudenga, “ndokugara kuruoko rwerudyi rwaMwari,” achimirira kuti Mwari amuite Mambo.—VaHebheru 10:12, 13.

22. Mukana upi watava nawo pamusana pekuti Jesu akanga akatendeka kuna Baba vake?

22 Jesu akaramba akatendeka kuna Baba vake, saka isu tava nemukana wekurarama nekusingaperi muparadhiso pasi pano, maererano nechinangwa chaJehovha. Muchitsauko chinotevera, tichakurukura kuti rufu rwaJesu runoita sei kuti tikwanise kurarama nekusingaperi.

^ ndima 11 Jehovha anonzi Baba nekuti ndiye Musiki. (Isaya 64:8) Jesu anonzi Mwanakomana waMwari nekuti Jehovha ndiye akamusika. Ngirozi uyewo Adhamu vanonziwo vanakomana vaMwari.—Jobho 1:6; Ruka 3:38.