Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 5

Rudzikinuro—Chipo chaMwari Chinopfuura Zvese

Rudzikinuro—Chipo chaMwari Chinopfuura Zvese

1, 2. (a) Chii chinoita kuti ukoshese chipo chaunenge wapiwa? (b) Nei rudzikinuro ruri chipo chaMwari chinopfuura zvimwe zvese?

PAZVIPO zvawakambopiwa, ndechipi chaunoti chinopfuura zvese? Kuti chipo chizonzi chinokosha, hazvirevi kuti chinofanira kunge chichidhura. Kana chipo chichiita kuti ufare kana kuti chiri chinhu chawanga uchinyatsoda, unotenda zvikuru munhu anenge akupa.

2 Pazvipo zvese zvatakapiwa naMwari, pane chimwe chinotibatsira kupfuura zvimwe zvese. Chipo ichocho ndicho chikuru pane zvimwe zvese zvatakapiwa naMwari. Muchitsauko chino, tichadzidza kuti Jehovha akatuma Mwanakomana wake, Jesu Kristu, kuti tikwanise kurarama nekusingaperi. (Verenga Mateu 20:28.) Kutuma kwaakaita Jesu panyika kuti ave rudzikinuro kunoratidza kuti Jehovha anonyatsotida.

CHII CHINONZI RUDZIKINURO?

3. Nei vanhu vachifa?

3 Rudzikinuro inzira yaMwari yekusunungura vanhu pachivi nerufu. (VaEfeso 1:7) Kuti tinzwisise kuti nei rudzikinuro rwaidiwa, tinofanira kuziva zvakaitika kare kare mumunda weEdheni. Vabereki vedu vekutanga Adhamu naEvha vakaita chivi. Chivi chavakaita ichocho ndicho chakaita kuti vafe. Isuwo tinofa pamusana pechivi chakabva kuna Adhamu naEvha.—Ona Mamwe Mashoko 8.

4. Adhamu aiva ani, uye akanga akapiwa chii naMwari?

4 Jehovha paakasika munhu wekutanga Adhamu, akamupa chimwe chinhu chinokosha zvikuru. Akamupa upenyu husina kana chakakanganisika. Pfungwa dzake nemuviri wake zvakanga zvakanyatsokwana. Akanga asingazomborwari, kuchembera, kana kufa. Jehovha ndiye akanga asika Adhamu, saka aiva baba vake chaivo. (Ruka 3:38) Jehovha aigara achitaura naye. Mwari akanyatsotsanangurira Adhamu zvaaitarisira kwaari uye akamupa basa raifadza.—Genesisi 1:28-30; 2:16, 17.

5. Bhaibheri rinenge richirevei parinoti Adhamu akasikwa “nemufananidzo waMwari”?

5 Adhamu akasikwa “nemufananidzo waMwari.” (Genesisi 1:27) Jehovha akamusika achikwanisa kumutevedzera pazvinhu zvakadai sekuratidza rudo, uchenjeri, kururama uye kuva nesimba. Akapa Adhamu rusununguko rwekuzvisarudzira zvaanoda. Adhamu akanga asina kuita semuchina. Mwari akamusika achikwanisa kusarudza kuita zvakanaka kana zvakaipa. Kudai Adhamu akasarudza kuteerera Mwari, angadai akaramba ari mupenyu kusvikira nariini ari muParadhiso.

6. Adhamu paasina kuteerera Mwari, akarasikirwa nei? Zvaakaita zvakatikanganisawo sei?

6 Adhamu paasina kuteerera Mwari ndokutongerwa rufu, akarasikirwa nezvinhu zvakawanda. Akarasikirwa neushamwari hwake naJehovha hwaikosha, upenyu hwaaiva nahwo husina kana chinoshoreka, uye musha wake weParadhiso. (Genesisi 3:17-19) Adhamu naEvha vakasarudza kusateerera Mwari, saka vakanga vasisina tariro. Pamusana pezvakaitwa naAdhamu, “chivi chakapinda munyika nemunhu mumwe chete uye rufu rwakapinda nechivi, rufu rukabva rwapararira kuvanhu vese nekuti vese vakanga vatadza.” (VaRoma 5:12) Adhamu paakatadza ‘akazvitengesa’ iye pamwe nesu kuuranda hwechivi nerufu. (VaRoma 7:14) Ko isu tichiine tariro here? Hongu, tinayo.

7, 8. Shoko rekuti rudzikinuro rinorevei?

7 Shoko rekuti rudzikinuro rinorevei? Rinoreva mubhadharo unobviswa kuti mumwe munhu asunungurwe. Rinogona kurevawo mubhadharo unobviswa uchiripa zvimwe zvinhu zvinenge zvakuvadzwa.

8 Hapana munhu aigona kuripa zvinhu zvakakuvadzwa naAdhamu paakaita chivi uye paakatiunzira rufu. Asi Jehovha akaita urongwa hwekuti tisunungurwe pachivi nerufu. Ngationei kuti rudzikinuro runoshanda sei uye runotibatsira sei.

ZVAKAITWA NAJEHOVHA KUTI VANHU VADZIKINURWE

9. Rudzikinuro rwaifanira kubhadharwa nemunhu akaita sei?

9 Hapana kana mumwe wedu aikwanisa kudzikinura upenyu hwakakwana hwakaraswa naAdhamu. Nei tichidaro? Nekuti tese tinozvarwa tiine chivi. (Pisarema 49:7, 8) Vanhu vaifanira kudzikinurwa pachishandiswa upenyu hwemumwe munhu asina chivi. Ndokusaka ruchinzi “rudzikinuro runoenzanirana.” (1 Timoti 2:6) Rudzikinuro rwaifanira kuva neukoshi hwakafanana neupenyu hwakaraswa naAdhamu.

10. Jehovha akaita sei kuti rudzikinuro ruvepo?

10 Jehovha akaita sei kuti rudzikinuro rukwanise kuvapo? Jehovha akatuma panyika Mwanakomana wake anokosha kupfuura vese. Mwanakomana uyu, Jesu, ndiye waakasika pakutangatanga. (1 Johani 4:9, 10) Jesu akabvuma kusiya Baba vake uye musha wake kudenga. (VaFiripi 2:7) Jehovha akatamisa Jesu kubva kudenga kuuya panyika, uye Jesu akazvarwa semunhu akakwana, asina chivi.—Ruka 1:35.

Jehovha akatipa Mwanakomana wake waanoda zvikuru kuti atidzikinure

11. Munhu mumwe chete aigona sei kudzikinura vanhu vese?

11 Munhu wekutanga, Adhamu, paakarega kuteerera Jehovha, akaita kuti vanhu vese varasikirwe neupenyu hwakakwana. Zvaiita here kuti mumwe munhu abvise rufu rwakanga rwaunzwa pavana vaAdhamu? Hongu zvaiita. (Verenga VaRoma 5:19.) Jesu, uyo asina kumbobvira aita chivi, akapa upenyu hwake hwakakwana kuti adzikinure vanhu. (1 VaKorinde 15:45) Upenyu hwake hwakakwana ndihwo hwaigona kubvisa rufu pavana vese vaAdhamu.—1 VaKorinde 15:21, 22.

12. Nei Jesu aifanira kutambura sezvaakaita?

12 Bhaibheri rinotsanangura matamburiro akaita Jesu asati afa. Akarohwa zveutsinye, akarovererwa padanda rekutambudzirwa, uye akaitwa kuti afe zvishoma nezvishoma zvinorwadza. (Johani 19:1, 16-18, 30) Nei Jesu aifanira kutambura zvakadaro? Nekuti Satani aiti hakuna munhu anoramba akatendeka kuna Mwari kana akaedzwa zvakanyanya. Jesu akaratidza kuti munhu asina chivi anogona kuramba akatendeka kuna Mwari kunyange akatambura zvakanyanya. Funga kuti Jehovha akafara zvakadii nezvakaitwa naJesu!—Zvirevo 27:11; ona Mamwe Mashoko 14.

13. Rudzikinuro rwakabhadharwa sei?

13 Rudzikinuro rwakabhadharwa sei? Mugore ra33, musi waNisani 14 wekarenda yechiJudha, Jehovha akabvumira vavengi vaJesu kuti vamuuraye. (VaHebheru 10:10) Pashure pemazuva matatu Jesu afa, Jehovha akamumutsa asisiri munhu wenyama, ava nemuviri wemweya. Jesu akazodzokera kudenga. Ava ikoko, akanomira pamberi paBaba vake kuti abhadhare zvivi zvedu. Baba vake vakagamuchira kupa kwaakanga aita upenyu hwake achiitira isu. (VaHebheru 9:24) Iye zvino sezvo rudzikinuro rwakabhadharwa, tava kukwanisa kusunungurwa pachivi nerufu.—Verenga VaRoma 3:23, 24.

KUBATSIRWA KWAUNGAITWA NERUDZIKINURO

14, 15. Tinofanira kuitei kuti tiregererwe zvivi zvedu?

14 Tiri kutobatsirwa nechipo chaMwari chinopfuura zvimwe zvipo zvese. Ngationei kuti tiri kubatsirwa sei iye zvino uye kuti tichabatsirwa sei mune ramangwana.

15 Tinoregererwa zvivi zvedu. Hazvisi nyore kuti tigare tichiita zvakanaka. Tinokanganisa, uye dzimwe nguva tinotaura kana kuita zvinhu zvakaipa zvatanga tisingadi kuita. (VaKorose 1:13, 14) Tingaita sei kuti tiregererwe? Tinofanira kuratidza kuti tine urombo nezvatinenge taita, tokumbira Jehovha kuti atiregerere tichizvininipisa. Kana tadaro tinenge tava nechokwadi chekuti zvivi zvedu zvaregererwa.—1 Johani 1:8, 9.

16. Tinofanira kuitei kuti tisagare tichizvitongesa?

16 Hatizogari tichizvitongesa. Kana hana yedu ichitiudza kuti tine zvatakanganisa, tinozvipa mhosva, kana kutopererwa, tichizviona setisingabatsiri. Asi hazvirevi kuti hapana zvekuita. Kana tikakumbira Jehovha ruregerero, tinogona kuva nechokwadi chekuti achatinzwa otiregerera. (VaHebheru 9:13, 14) Jehovha anoda kuti timuudze patisina kusimba uye zvese zviri kutinetsa. (VaHebheru 4:14-16) Izvi zvichaita kuti tive nerugare naMwari.

17. Makomborero api atinokwanisa kuwana pamusana pekuti Jesu akatifira?

17 Tine tariro yekurarama nekusingaperi. “Mubayiro wechivi ndirwo rufu, asi chipo chinopiwa naMwari achishandisa Kristu Jesu Ishe wedu ndihwo upenyu husingaperi.” (VaRoma 6:23) Kufirwa kwatakaitwa naJesu kunoita kuti tizokwanisa kurarama nekusingaperi tiine utano hwakanaka. (Zvakazarurwa 21:3, 4) Asi tinofanira kuitei kuti tizowana makomborero iwayo?

UCHAGAMUCHIRA CHIPO CHERUDZIKINURO HERE?

18. Tinoziva sei kuti Jehovha anotida?

18 Imbofunga kufara kwaunoita paunopiwa chipo chakanaka nemumwe munhu. Rudzikinuro ndicho chipo chinokosha kupfuura zvese, saka tinofanira kutenda Jehovha nemwoyo wese nekutipa kwaakaita chipo ichi. Johani 3:16 inotiudza kuti “Mwari akada nyika kwazvo zvekuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga.” Kureva kuti Jehovha anotida zvekuti akatipa Mwanakomana wake waanoda zvikuru, Jesu. Uye tinoziva kuti Jesu anotidawo, nekuti akabvuma kutifira. (Johani 15:13) Chipo cherudzikinuro chinofanira kukupa chivimbo chekuti Jehovha naJesu vanokuda zvechokwadi.—VaGaratiya 2:20.

Paunodzidza nezvaJehovha, uchava shamwari yake uye kumuda kwaunoita kuchawedzera

19, 20. (a) Ungava sei shamwari yaJehovha? (b) Ungaratidza sei kuti unogamuchira chibayiro chaJesu cherudzikinuro?

19 Zvawadzidza nezverudo rukuru rwaMwari, ungaita sei kuti uve shamwari yake? Hazvisi nyore kuda munhu wausingazivi. Johani 17:3 inotaura kuti tinogona kusvika pakuziva Jehovha. Paunosvika pakumuziva, kumuda kwaunoita kunowedzera, uye uchada kumufadza wobva wava shamwari yake. Saka ramba uchidzidza Bhaibheri kuti urambe uchiwedzera kuziva Jehovha.—1 Johani 5:3.

20 Ratidza kuti unogamuchira chibayiro chaJesu. Bhaibheri rinoti “anotenda muMwanakomana ane upenyu husingaperi.” (Johani 3:36) Kutenda muMwanakomana kunorevei? Kunoreva kuita zvatakadzidziswa naJesu. (Johani 13:15) Hazviiti kuti tingogumira pakuti tinotenda muna Jesu. Tine zvatinofanira kuita kuratidza kuti tinotenda chipo cherudzikinuro. Pana Jakobho 2:26 tinoverenga kuti: “Kutenda kusina mabasa kwakafa.”

21, 22. (a) Nei tichifanira kupinda Chirangaridzo cherufu rwaKristu gore rega rega? (b) Tichakurukurei muzvitsauko 6 ne7?

21 Pinda Chirangaridzo cherufu rwaKristu. Manheru ekupedzisira Jesu asati aurayiwa, akatidzidzisa kuti tinofanira kurangarira rufu rwake. Tinoita izvozvo gore rega rega uye chinonzi Chirangaridzo kana kuti “Kudya kwaShe Kwemanheru.” (1 VaKorinde 11:20; Mateu 26:26-28) Jesu anoda kuti tiyeuke kuti akapa upenyu hwake hwakakwana kuti atidzikinure. Akati: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” (Verenga Ruka 22:19.) Paunopinda Chirangaridzo, unenge uchiratidza kuti unoyeuka rudzikinuro uye rudo rukuru rwatakaratidzwa naJehovha naJesu.—Ona Mamwe Mashoko 15.

22 Rudzikinuro ndirwo chipo chinopfuura zvimwe zvese chatakapiwa. (2 VaKorinde 9:14, 15) Chipo ichocho chichatobatsirawo mamiriyoni evanhu vakafa. Zvitsauko 6 ne7 zvichatsanangura kuti izvozvo zvingaitika sei.

Jehovha akatipa Mwanakomana wake waanoda zvikuru kuti atidzikinure