Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 7

Vakafa Vachamuka!

Vakafa Vachamuka!

1-3. Tese takaita setiri mujeri rechii, uye Jehovha achatisunungura sei?

NGATITII wakatongerwa kugara mujeri kweupenyu hwese asi usina mhosva yawakapara. Hapana kana tarisiro yekuti uchazombosunungurwa. Ramangwana rako irima rega rega uye hauna zvaunogona kuita nenyaya yacho. Asi paunenge usisina kana tariro unoudzwa kuti pane mumwe munhu ane simba rekukusunungura uye atovimbisa kuti achakubatsira! Unonzwa sei pakadaro?

2 Tese takaita setiri mujeri rerufu. Hatikwanisi kutiza kunyange tikadii. Asi Jehovha ane simba rekutisunungura parufu. Akatovimbisa kuti “muvengi wekupedzisira, rufu, achaparadzwa.”—1 VaKorinde 15:26.

3 Chimbofunga kuti uchazorodzwa zvakadii paunenge usisafaniri kunetseka nezvekuti uchafa! Asi Jehovha haasi kuzogumira pakubvisa rufu chete. Achamutsawo vakafa. Funga kuti izvozvo zvichakufadza zvakadii. Anovimbisa kuti “vaya vasina simba vari murufu” vachararamazve. (Isaya 26:19) Irworwo ndirwo runonzi neBhaibheri rumuko.

PATINOFIRWA NEMUMWE MUNHU WATINODA

4. (a) Chii chingatinyaradza patinofirwa nemumwe munhu wemumhuri kana kuti neshamwari? (b) Ndivanaani vamwe vaiva shamwari dzepedyo dzaJesu?

4 Kana mumwe munhu wemumhuri kana kuti shamwari yedu yepedyo ikafa, tinorwadziwa zvisingatsananguriki. Tinoshaya pekutangira. Hatina zvatinokwanisa kuita kuti munhu iyeye araramezve. Asi Bhaibheri rinotipa nyaradzo yechokwadi. (Verenga 2 VaKorinde 1:3, 4.) Ngationei muenzaniso unoratidza kuti Jehovha naJesu vanoda kumutsa hama dzedu dzakafa. Jesu paaiva panyika, aiwanzoshanyira Razaro nehanzvadzi dzake, Marita naMariya. Vese vari vatatu vaiva shamwari dzaJesu. Bhaibheri rinoti: “Jesu aida Marita nemunin’ina wake naRazaro.” Asi zvakazoitika ndezvekuti Razaro akafa.—Johani 11:3-5.

5, 6. (a) Jesu akaita sei paakaona hama neshamwari dzaRazaro dzichichema? (b) Nei zvichinyaradza kuziva manzwiro anoita Jesu nezverufu?

5 Jesu akaenda kunonyaradza Marita naMariya. Marita paakanzwa kuti Jesu ari kuuya, akabuda kunze kweguta kunomuchingura. Akafara kuona Jesu, asi akati kwaari: “Kudai makanga muri pano hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” Marita akafunga kuti Jesu akanga anonoka kusvika. Jesu akabva azoonawo munin’ina waMarita, Mariya, achichema. Paakaona kusuruvara kwavakanga vakaita, akarwadziwa, akachema. (Johani 11:21, 33, 35) Akanyatsonzwa kurwadza kwazvinoita patinorasikirwa nemumwe munhu watinoda.

6 Kuziva kuti Jesu anorwadziwawo nerufu sezvatinoita kunotinyaradza nekuti Jesu akafanana naBaba vake. (Johani 14:9) Jehovha ane simba rekubvisa rufu zvachose, uye izvozvo ndizvo zvaava kuda kutoita.

“RAZARO, BUDA!”

7, 8. Nei Marita akanga asingadi kuti dombo ribviswe paguva raRazaro, asi Jesu akaitei?

7 Jesu paakasvika paguva rakanga ravigwa Razaro, musuo waro wakanga wakavharwa nezidombo. Jesu akati: “Bvisai dombo.” Asi Marita akanga asingadi kuti varibvise. Razaro akanga atova nemazuva mana avigwa. (Johani 11:39) Marita akanga asingazivi zvakanga zvava kuda kuitirwa hanzvadzi yake naJesu.

Fungidzira kufara kwakaita hama neshamwari dzaRazaro paakamutswa!—Johani 11:38-44

8 Jesu akati kuna Razaro: “Buda!” Zvakazoonekwa naMarita naMariya zvichiitika zvinoshamisa. “Murume wacho akanga akafa akabuda akamonererwa machira mumakumbo nemaoko.” (Johani 11:43, 44) Razaro akanga amutswa! Akasanganiswa zvakare nehama neshamwari dzake. Vaikwanisa kumumbundira, kumubata, uye kutaura naye. Ichi chaiva chishamiso zvechokwadi! Jesu akanga amutsa Razaro.

“KASIKANA, NDINOTI KWAURI, ‘MUKA!’”

9, 10. (a) Ndiani akapa Jesu simba rekumutsa vanhu? (b) Nei nyaya dzekumutswa kwevakafa dzichikosha chaizvo kwatiri?

9 Jesu aimutsa vanhu nesimba rake here? Aiwa. Asati amutsa Razaro, Jesu akanyengetera kuna Jehovha uye Jehovha akamupa simba rekumutsa Razaro. (Verenga Johani 11:41, 42.) Razaro haasi iye ega akamutswa. Bhaibheri rinotiudza nezvekasikana kaiva nemakore 12 kairwara zvikuru. Baba vemwana uyu, Jairosi, vakanga vapererwa uye vakateterera Jesu kuti aporese mwana wavo. Ndiye ega mwana wavaiva naye. Jairosi paakanga achiri kutaura naJesu, vamwe varume vakasvika vakati: “Mwanasikana wenyu afa! Muchiri kunetserei zvenyu Mudzidzisi?” Asi Jesu akati kuna Jairosi: “Usatya hako, ingova nekutenda chete, uye achaponeswa.” Vakabva vaenda vese kumba kwaJairosi. Pavakanga vava kusvika pamba pacho, Jesu akatanga kuona uye kunzwa vanhu vaichema. Jesu akavaudza kuti: “Musachema, nekuti haana kufa asi akarara.” Baba naamai vemwana wacho vanofanira kunge vakashaya kuti Jesu airevei. Jesu akakumbira kuti vanhu vese vabude mumba macho, achibva apinda nababa naamai vemwana mumba maiva nechitunha chemwana wacho. Jesu akabva abata ruoko rwekasikana kacho zvinyoronyoro akati: “Kasikana, ndinoti kwauri, ‘Muka!’” Fungidzira kufara kwakaita vabereki vacho mwana wavo paakabva asimuka akatanga kufamba! Mwanasikana wavo akanga amutswa naJesu. (Mako 5:22-24, 35-42; Ruka 8:49-56) Kubvira pazuva iroro, pavaiona kasikana kavo vanofanira kunge vaiyeuka zvavakanga vaitirwa naJehovha achishandisa Jesu. *

10 Vanhu vakamutswa naJesu vakazofa zvakare. Asi zvatinoverenga nezvevanhu ava zvinokosha chaizvo nekuti zvinotipa tariro yechokwadi. Jehovha anoda kumutsa vakafa, uye achavamutsa.

ZVATINODZIDZA PANHOROONDO DZEKUMUTSWA KWEVANHU

Muapostora Petro akamutsa mukadzi wechiKristu Dhokasi.—Mabasa 9:36-42

Eriya akamutsa mwanakomana wechirikadzi.—1 Madzimambo 17:17-24

11. Muparidzi 9:5 inotidzidzisei nezvaRazaro?

11 Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti “vakafa havana kana chavanoziva.” Izvi ndizvo zvakaitika kuna Razaro. (Muparidzi 9:5) Sezvakataurwa naJesu, Razaro aiita sekuti akanga akarara. (Johani 11:11) Razaro paaiva muguva, akanga asina ‘kana chaaiziva.’

12. Tinoziva sei kuti Razaro akamutswa zvechokwadi?

12 Jesu paakamutsa Razaro, vanhu vakawanda vakazviona. Kunyange vavengi vaJesu vaiziva kuti akanga aita chishamiso ichi. Razaro akanga ava mupenyu, uye izvi zvakanyatsobudisa pachena kuti akanga amutswa. (Johani 11:47) Uyewo vanhu vakawanda vakashanyira Razaro, zvikaita kuti vatange kubvuma kuti Jesu akanga atumwa naMwari. Vavengi vaJesu havana kuzvifarira, saka vakaronga kuuraya Jesu wacho naRazaro.—Johani 11:53; 12:9-11.

13. Tingava sei nechokwadi chekuti Jehovha achamutsa vakafa?

13 Jesu akati “vese vari mumakuva evanoyeukwa” vachamutswa. (Johani 5:28) Izvi zvinoreva kuti vese vanoyeukwa naJehovha vachavazve vapenyu. Asi kuti Jehovha amutse mumwe munhu, anofanira kuyeuka zvese zvakanga zvakaita munhu wacho. Anozvikwanisa here izvozvo? Mudenga mune mabhiriyoni enyeredzi, asi Bhaibheri rinoti Jehovha anoziva nyeredzi imwe neimwe nezita. (Verenga Isaya 40:26.) Kana achikwanisa kuyeuka zita renyeredzi imwe neimwe, haangambotadzi kuyeuka zvese zvakanga zvakaita vanhu vaachamutsa. Uyewo Jehovha ndiye akasika zvinhu zvese, saka tinoziva kuti ane simba rekumutsa vakafa.

14, 15. Zvakataurwa naJobho zvinotidzidzisei nezvekumutswa kwevanhu?

14 Murume ainge akatendeka Jobho aitenda kuti vakafa vachamutswa. Akabvunza kuti: “Kana munhu akafa, angararamazve here?” Akabva ati kuna Jehovha: “Muchashevedza, uye ndichakupindurai. Muchasuwa basa remaoko enyu.” Jobho aiziva kuti Jehovha ane chido chakasimba chekumutsa vakafa kana nguva yacho yakwana.—Jobho 14:13-15.

15 Tariro yekuti vakafa vachamutswa inoita kuti unzwe sei? Zvimwe uri kunetseka kuti, ‘Ko hama neshamwari dzangu dzakafa dzichamutswawo here?’ Zvinotinyaradza chaizvo kuziva kuti Jehovha anonyatsoda kumutsa vakafa. Ngationei kuti Bhaibheri rinoti vachagara kupi uye kuti ndivanaani vachamutswa.

“VACHANZWA INZWI RAKE, VOBUDA”

16. Vanhu vachamutswa panyika vachava neupenyu hwakaita sei?

16 Vanhu vaya vakambomutswa kare vakasanganiswa zvakare nehama neshamwari dzavo panyika pano. Izvi ndizvo zvichaitikawo mune ramangwana, asi zvichange zvichipfuura ipapo. Nei tichidaro? Nekuti vaya vachamutswa panyika vachava nemukana wekurarama nekusingaperi vasingazombofi zvakare. Uye vachararama zvinhu zvasiyana chaizvo nezvazviri iye zvino. Kuchange kusisina hondo, kuparwa kwemhosva uye zvirwere.

17. Ndivanaani vachamutswa?

17 Ndivanaani vachamutswa? Jesu akati “vese vari mumakuva evanoyeukwa vachanzwa inzwi rake, vobuda.” (Johani 5:28, 29) Uye Zvakazarurwa 20:13 inoti: “Gungwa rakabudisa vakafa vaiva mariri, uye rufu neGuva zvakabudisa vakafa vaiva mazviri.” Saka mabhiriyoni evanhu achararamazve. Muapostora Pauro akatiwo “vakarurama nevasina kururama” vachamutswa. (Verenga Mabasa 24:15.) Zvinorevei izvozvo?

MuParadhiso, vakafa vachamutswa uye vachavazve pamwe nehama dzavo

18. Ndevapi vanhu “vakarurama” vachamutswa?

18 “Vakarurama” vanosanganisira vashumiri vaJehovha vakatendeka vakararama Jesu asati auya panyika. Vanhu vakadai saNoa, Abrahamu, Sara, Mozisi, Rute, naEsteri vachamutswa kuti vararamezve panyika pano. Unogona kuverenga nezvevamwe vavo muna VaHebheru chitsauko 11. Ko vashumiri vaJehovha vakatendeka vari kufa iye zvino vachamutswawo here? Sezvo vari vanhu “vakarurama,” vachamutswa.

19. Ndevapi vanhu “vasina kururama”? Jehovha achavapa mukana wei?

19 Vanhu “vasina kururama” vanosanganisira mabhiriyoni evaya vasina kuwana mukana wekuziva Jehovha. Kunyange zvazvo vakafa, Jehovha haana kuvakanganwa. Achavamutsa, uye vachawana mukana wekudzidza nezvake uye wekumushumira.

20. Sei vamwe vanhu vasiri kuzomutswa?

20 Izvi zvinoreva here kuti munhu wese akafa achamutswa? Aiwa. Jesu akati vamwe vanhu havasi kuzomutswa. (Ruka 12:5) Ndiani achasarudza kuti munhu omutswa here kana orega kumutswa? Jehovha ndiye anopa mutongo wekupedzisira, asi akapawo Jesu simba rekuti “ave mutongi wevapenyu nevakafa.” (Mabasa 10:42) Munhu wese anenge atongwa kuti akaipa uye asingadi kuchinja nzira dzake haazomutswi.—Ona Mamwe Mashoko 17.

KUMUTSIRWA KUENDA KUDENGA

21, 22. (a) Munhu anomutswa kuti aende kudenga anenge aine muviri wakaita sei? (b) Ndiani akatanga kumutswa kuti anogara kudenga?

21 Bhaibheri rinotiudzawo kuti vamwe vanhu vachanogara kudenga. Kana munhu achinge amutswa kuti anogara kudenga haamutswi aine muviri wenyama. Anomutswa kuti anogara kudenga ava nemuviri wemweya.

22 Jesu ndiye munhu wekutanga akamutswa saizvozvo. (Johani 3:13) Pashure pemazuva matatu Jesu aurayiwa, Jehovha akamumutsa. (Pisarema 16:10; Mabasa 13:34, 35) Jesu haana kumutswa aine muviri wenyama. Muapostora Petro akati Jesu “akaurayiwa panyama, akaitwa mupenyu pamweya.” (1 Petro 3:18) Jesu akamutswa ava munhu wemweya ane simba chaizvo! (1 VaKorinde 15:3-6) Asi Bhaibheri rinoti pane vamwewo vaizomutswa saizvozvo.

23, 24. Ndivanaani vakanzi naJesu “boka diki,” uye vachange vari vangani?

23 Jesu paakanga ava kuda kufa, akaudza vadzidzi vake vakatendeka kuti: “Ndiri kuenda kunokugadzirirai nzvimbo.” (Johani 14:2) Izvi zvinoreva kuti vamwe vateveri vake vaizomutswa kuti vanogara kudenga pamwe naye. Vateveri vacho vakawanda sei? Jesu akati vaizova vashoma, “boka diki” chairo. (Ruka 12:32) Muapostora Johani akataura nhamba yavo paakaona Jesu ‘amire paGomo reZiyoni rekudenga, aine vane 144 000.’—Zvakazarurwa 14:1.

24 VaKristu ivavo 144 000 vaizomutswa riini? Bhaibheri rinotiudza kuti izvi zvaizoitika pashure pekunge Kristu atanga kutonga kudenga. (1 VaKorinde 15:23) Ino ndiyo nguva yacho yatiri, uye vakawanda ve144 000 vakatomutswa vachienda kudenga. Vaya vachiri panyika uye vari kufa iye zvino vanobva vangomutswa pakare ipapo vachienda kudenga. Asi vamwe vese vachazomutswa mune ramangwana kuti vararame muParadhiso pasi pano.

25. Tichadzidza nezvei muchitsauko chinotevera?

25 Kwangosara nguva pfupi kuti Jehovha asunungure vanhu vese parufu, uye ruchange rusisiko zvachose! (Verenga Isaya 25:8.) Asi vaya vanoenda kudenga vachanoitei ikoko? Bhaibheri rinoti vachanotonga pamwe naJesu muUmambo hwekudenga. Tichadzidza zvakawanda nezveUmambo ihwohwo muchitsauko chinotevera.

^ ndima 9 Mune dzimwe nyaya dziri muBhaibheri, tinonzwa nezvekumutswa kwevanhu vakuru nevadiki, varume nevakadzi, vaIsraeri nevasiri vaIsraeri. Unogona kuverenga nezvadzo pana 1 Madzimambo 17:17-24; 2 Madzimambo 4:32-37; 13:20, 21; Mateu 28:5-7; Ruka 7:11-17; 8:40-56; Mabasa 9:36-42; 20:7-12.

Jehovha akasarudza vanhu 144 000 kuti vaende kudenga.