Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 9

Nyika Yava Kuda Kuguma Here?

Nyika Yava Kuda Kuguma Here?

1. Ndekupi kwatinogona kudzidza nezveramangwana?

WAKAMBOONA nhau paterevhizheni here ukasara uchizvibvunza kuti, ‘Zvinhu zvichasvika kupi zvakadai?’ Munyika makazara matambudziko uye vanhu vane utsinye zvekuti vamwe vanofunga kuti tinofanira kunge tava kusvika pedyo nemugumo wenyika. Ichokwadi here ichocho? Pane nzira yatingaziva nayo zvichaitika mune ramangwana here? Hongu iripo. Kunyange zvazvo vanhu vasingakwanisi kuziva zvichaitika mune ramangwana, Jehovha Mwari anokwanisa. Anotiudza muBhaibheri nezveramangwana redu uye zvichaitika kunyika.—Isaya 46:10; Jakobho 4:14.

2, 3. Vadzidzi vaJesu vaida kuzivei, uye Jesu akavapindura sei?

2 Bhaibheri parinotaura nezvekuguma kwenyika, rinenge risingarevi kuti nyika ino yatigere ichaparadzwa, asi kuti uipi huripo ndihwo huchaparadzwa. Jesu akadzidzisa vanhu kuti Umambo hwaMwari huchatonga nyika yese. (Ruka 4:43) Vadzidzi vake vaida kuziva kuti Umambo hwaMwari huchauya riini, saka vakamubvunza kuti: “Zvinhu izvi zvichaitika riini, uye chii chichava chiratidzo chekuti mavapo uye chekuti nyika yava kumagumo kwayo?” (Mateu 24:3) Jesu haana kuvaudza zuva chairo raizoguma nyika ino asi akavaudza zvinhu zvaizoitika kana zuva racho rava kusvika. Zvakataurwa naJesu kuti zvaizoitika ndizvo zviri kutoitika iye zvino.

3 Muchitsauko chino tichakurukura uchapupu hunoratidza kuti iye zvino tasarirwa nenguva pfupi pfupi kuti nyika ino igume. Tichatanga nekudzidza nezvehondo yakaitika kudenga kuti tinzwisise kuti sei panyika pari kuitika zvinhu zvakaipa kudai.

HONDO YAKAITIKA KUDENGA

4, 5. (a) Chii chakaitika kudenga Jesu achangobva kugadzwa saMambo? (b) Zvakazarurwa 12:12 yakati chii chaizoitika panyika pashure pekunge Satani akandwa pasi?

4 Muchitsauko 8 takadzidza kuti Jesu akava Mambo kudenga mugore ra1914. (Dhanieri 7:13, 14) Bhuku raZvakazarurwa rinotiudza zvakaitika: “Hondo yakatanga kudenga: Mikaeri [kureva, Jesu] nengirozi dzake vakarwisa dhiragoni [kureva, Satani], uye dhiragoni nengirozi dzayo vakarwisawo.” * Satani nemadhimoni ake vakakundwa muhondo yacho uye vakakandwa panyika. Fungidzira kufara kwakaita ngirozi! Asi chii chaizoitika panyika? Bhaibheri rinoti vanhu vaizotambura panyika. Nei zvakadaro? Nekuti Dhiyabhorosi akatsamwa kwazvo, sezvo “achiziva kuti ane nguva pfupi.”—Zvakazarurwa 12:7, 9, 12.

5 Dhiyabhorosi ari kuita zvese zvaanogona kuti aunze matambudziko panyika. Akatsamwa nekuti anoziva kuti asarirwa nenguva pfupi asati abviswa panyika naMwari. Ngationgororei zvinhu zvakanzi naJesu zvaizoitika mumazuva ekupedzisira.—Ona Mamwe Mashoko 22.

MAZUVA EKUPEDZISIRA

6, 7. Zvinhu zvakamira sei panyaya yehondo nenzara?

6 Hondo. Jesu akati: “Rudzi ruchamukira rudzi uye umambo huchamukira umambo.” (Mateu 24:7) Kune vanhu vakawanda vakaurayiwa muhondo dziri kuitika mumazuva ano kupfuura vakaurayiwa muhondo dzekare. Rimwe sangano rinoongorora zviitiko zviri kuitika panyika rinonzi Worldwatch Institute rinoti kubvira muna 1914, hondo dzakauraya vanhu vanopfuura 100 miriyoni. Vanhu vakafa nehondo mumakore 100 ari pakati pegore ra1900 nera2000 vanopeta nekatatu vanhu vakafa muhondo dzakarwiwa mumakore 1 900 anotangira muna 1900 zvichidzokera shure. Fungidzira kurwadziwa kwakaita mamiriyoni evanhu pamusana pehondo!

7 Nzara. Jesu akati: “Kuchava nenzara.” (Mateu 24:7) Kunyange zvazvo kwava nezvekudya zvakawanda, vanhu vakawanda havatombowani zvekudya zvinovakwanira. Zvingadaro sei? Nekuti havana mari yekutenga zvekudya zvacho kana minda yekuzvirima. Vanhu vanopfuura bhiriyoni vanorarama nemari isingasviki dhora pazuva. Sangano rinoona nezveutano reWorld Health Organization rinoti mamiriyoni evana anofa gore negore, kazhinji kacho zvichikonzerwa nekushaya zvekudya zvinopa utano.

8, 9. Chii chinoratidza kuti uprofita hwaJesu hunotaura nezvekudengenyeka kwenyika uye zvirwere huri kuzadziswa?

8 Kudengenyeka kwenyika. Jesu akaprofita kuti: “Kuchava nekudengenyeka kwenyika kukuru.” (Ruka 21:11) Gore rega rega kunoitika kudengenyeka kwenyika kwakakura. Kubvira muna 1900, vanhu vanopfuura 2 miriyoni vakafa nemhaka yekudengenyeka kwenyika. Kunyange zvazvo kwava nemichina yemazuva ano inobatsira kuziva kuti kuchava nekudengenyeka kwenyika, vanhu vari kungofa zvakadaro.

9 Zvirwere. Jesu akati kuchava “nematenda.” Zvirwere zvakaipisisa zvaizopararira zvichiuraya vakawanda. (Ruka 21:11) Kunyange zvazvo vanachiremba vava kukwanisa kurapa zvirwere zvakawanda, kuchiine zvimwe zvirwere zvisingarapiki. Mamwe mashoko akabudiswa anotoratidza kuti gore negore, mamiriyoni evanhu ari kuurayiwa nezvirwere zvakadai setiibhii, marariya, uye korera. Vanachiremba vari kutoti kwava nezvimwe zvirwere 30 zvitsva, uye zvimwe zvacho hazvirapiki.

ZVAKATAURWA NEZVEVANHU VEMAZUVA EKUPEDZISIRA

10. Mashoko ari pana 2 Timoti 3:1-5 ari kuzadziswa sei mazuva ano?

10 Pana 2 Timoti 3:1-5, Bhaibheri rinoti: “Mumazuva ekupedzisira, nguva dzakaoma, dzinonetsa kurarama madziri dzichasvika.” Muapostora Pauro akatsanangura zvaizenge zvakaita vanhu vakawanda mumazuva ekupedzisira. Akati vanhu vaizova

  • vanozvida

  • vanoda mari

  • vasingateereri vabereki

  • vasina kuvimbika

  • vasingadi vamwe vemumhuri

  • vasingazvidzori

  • vanoda zvekurwa uye vanotyisa

  • vanoda mafaro kupfuura Mwari

  • vanonyepera kuda Mwari asi vasingadi kumuteerera

11. Pisarema 92:7 inotaura kuti chii chichaitika kune vakaipa?

11 Vanhu vakawanda vekwaunogara ndizvo zvavari here? Pasi rese vanhu ndizvo zvavava. Asi Mwari ava pedyo kugadzirisa zvese izvi. Anovimbisa kuti: “Vakaipa pavanomera semasora uye vese vanoita zvakaipa pavanotumbuka, zvinenge zvichiitika kuti vaparadzwe zvachose.”—Pisarema 92:7.

ZVINHU ZVAKANAKA MUMAZUVA EKUPEDZISIRA

12, 13. Jehovha akatidzidzisei mumazuva ano ekupedzisira?

12 Bhaibheri rakataura kuti mumazuva ekupedzisira, nyika yaizozara nezvinhu zvinorwadza uye zvinotambudza. Asi rinotaurawo kuti pane zvinhu zvakanaka zvaizoitika.

“Aya mashoko akanaka eUmambo achaparidzwa munyika yese.”—Mateu 24:14

13 Kunzwisisa Bhaibheri. Muprofita Dhanieri akanyora nezvemazuva ekupedzisira. Akati: “Ruzivo rwechokwadi ruchawanda.” (Dhanieri 12:4) Mwari aizoita kuti vanhu vakwanise kunzwisisa Bhaibheri zvakajeka kupfuura kare. Jehovha akanyanya kuita izvi kutangira mugore ra1914. Zvimwe zvaakatidzidzisa zvinosanganisira kukosha kwezita rake uye kuti akasikirei nyika. Akatidzidzisa chokwadi pamusoro perudzikinuro, rufu, rumuko uye kuti Umambo hwaMwari ndihwo chete huchagadzirisa matambudziko evanhu. Takadzidzawo kuti tingaita sei kuti tifare muupenyu uye tiite zvinofadza Mwari. Asi vashumiri vaMwari vanoita sei nezvavanenge vadzidza? Humwe uprofita hunopindura mubvunzo iwoyo.—Ona Mamwe Mashoko 19 uye 23.

14. Mashoko akanaka eUmambo ari kuparidzwa kupi, uye ndiani ari kuaparidza?

14 Basa rekuparidza munyika yese. Achitaura nezvemazuva ekupedzisira, Jesu akati: “Aya mashoko akanaka eUmambo achaparidzwa munyika yese.” (Mateu 24:3, 14) Mashoko akanaka eUmambo ari kuparidzwa munyika dzinopfuura 230 uye mumitauro inopfuura 700. Pasi rese, Zvapupu zvaJehovha zvinobva “kumarudzi ese nemadzinza” zviri kubatsira vanhu kunzwisisa kuti chii chinonzi Umambo hwaMwari uye zvahuchaitira vanhu. (Zvakazarurwa 7:9) Vanoita basa iri pachena. Kunyange zvazvo vachivengwa uye vachitambudzwa nevanhu vakawanda, hapana chinogona kumisa basa rekuparidza sezvakataurwa naJesu.—Ruka 21:17.

UCHAITEI?

15. (a) Unobvuma here kuti tiri kurarama mumazuva ekupedzisira, uye nei uchidaro? (b) Chii chichaitika kune vaya vanoteerera Jehovha uye vaya vasingamuteereri?

15 Unobvuma here kuti tiri kurarama mumazuva ekupedzisira? Uprofita hwakawanda hweBhaibheri hunotaura nezvemazuva ekupedzisira huri kuzadziswa. Nenguva pfupi Jehovha achasarudza kumisa basa rekuparidza mashoko akanaka uye “mugumo” uchabva wasvika. (Mateu 24:14) Mugumo wacho chii? Ihondo yeAmagedhoni, Mwari paachaparadza uipi hwese. Jehovha achashandisa Jesu uye ngirozi dzake dzine simba kuti dziparadze vanhu vese vanoramba kumuteerera uye kuteerera Mwanakomana wake. (2 VaTesaronika 1:6-9) Kana izvozvo zvaitika, Satani nemadhimoni ake vanenge vasisakwanisi kunyengera vanhu. Uye vanhu vese vanoda kuteerera Mwari uye vanobvuma kutongwa neUmambo hwake vachaona zvese zvakavimbiswa naMwari zvichizadziswa.—Zvakazarurwa 20:1-3; 21:3-5.

16. Sezvo mugumo wava pedyo zvikuru, unofanira kuitei?

16 Nyika ino inotongwa naSatani yava kuda kuguma. Saka zvinokosha chaizvo kuti tizvibvunze kuti, ‘Ndinofanira kuitei?’ Jehovha anoda kuti udzidze zvakawanda muBhaibheri. Saka nyatsoisa pfungwa dzako dzese pakudzidza kwauri kuita. (Johani 17:3) Zvapupu zvaJehovha zvinoita misangano vhiki rega rega kuti zvibatsire vanhu kunzwisisa Bhaibheri. Edza kugara uchipinda misangano iyoyo. (Verenga VaHebheru 10:24, 25.) Pakudzidza kwauri kuita, kana ukaona paunofanira kugadzirisa, usazeza kugadzirisa. Kana ukadaro, ushamwari hwako naJehovha hunowedzera kusimba.—Jakobho 4:8.

17. Nei vanhu vakawanda vachasvikirwa nemugumo vasingafungiri?

17 Muapostora Pauro akatsanangura kuti kuparadzwa kwevakaipa kuchauya vanhu vakawanda vasingafungiri, “sembavha inouya usiku.” (1 VaTesaronika 5:2) Jesu akaprofita kuti vanhu vakawanda vaizorega zvavo kucherechedza uchapupu hwekuti tiri kurarama mumazuva ekupedzisira. Akati: “Sezvakanga zvakaita mazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo pakuvapo kweMwanakomana wemunhu [kana kuti, mumazuva ekupedzisira.] Nekuti sezvavaiita mumazuva iwayo Mafashamo asati auya, vaidya nekunwa, varume vachiroora nevakadzi vachiroorwa, kusvikira zuva rakapinda Noa muareka, vasingacherechedzi kusvikira Mafashamo auya akavakukura vese, ndizvo zvichaitikawo pakuvapo kweMwanakomana wemunhu.”—Mateu 24:37-39.

18. Jesu akatiyambira kutii?

18 Jesu akatiyambira kuti tisatsauswa “nekudyisa nekunwisa nekuzvidya mwoyo nezvinhu zveupenyu.” Akati mugumo uchangoerekana wasvika, “seriva.” Akatiwo mugumo uchauya “pavanhu vese vanogara panyika.” Akabva ati: “Rambai makamuka, muchigara muchinyengetera muchiteterera kuti mugone kupukunyuka zvinhu zvese izvi zvinofanira kuitika uye kuti mukwanise kumira pamberi peMwanakomana wemunhu.” (Ruka 21:34-36) Nei zvichikosha zvikuru kuti titeerere yambiro yaJesu? Nekuti nyika yakaipa yaSatani yava pedyo kuparadzwa. Vaya chete vanofadza Jehovha naJesu ndivo vachapona pamugumo vorarama nekusingaperi munyika itsva.—Johani 3:16; 2 Petro 3:13.

^ ndima 4 Mikaeri rimwe zita raJesu Kristu. Kuti unzwe zvimwe nezvezita iri, ona Mamwe Mashoko 21.