Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 10

Bhaibheri Rinotii Nezvengirozi?

Bhaibheri Rinotii Nezvengirozi?

1. Nei tichifanira kudzidza nezvengirozi?

JEHOVHA anoda kuti tizive nezvemhuri yake. Dzimwe nhengo dzemhuri yake ingirozi. MuBhaibheri dzinonzi ‘vanakomana vaMwari.’ (Jobho 38:7) Ngirozi dzinoita basa rei? Dzakabatsira sei vanhu kare? Uye dzinogona sei kutibatsira iye zvino?—Ona Mamwe Mashoko 7.

2. Ngirozi dzakabva kupi, uye dzakasikwa dziri ngani?

2 Tinofanira kuziva kuti ngirozi dzakabva kupi. VaKorose 1:16 inotiudza kuti pashure pekunge Jehovha asika Jesu, “zvimwe zvinhu zvese zvakasikwa kudenga nepanyika.” Izvi zvinosanganisirawo ngirozi. Dzakasikwa dziri ngani? Bhaibheri rinotiudza kuti kune mazana emamiriyoni engirozi.—Pisarema 103:20; Zvakazarurwa 5:11.

3. Jobho 38:4-7 inotiudzei nezvengirozi?

3 Bhaibheri rinotidzidzisawo kuti Jehovha akatanga kusika ngirozi asati asika nyika. Dzakanzwa sei pakasikwa nyika? Bhuku raJobho rinotiudza kuti dzakafara chaizvo. Dzakanga dziri mhuri yakabatana dzichishumira Jehovha pamwe chete.—Jobho 38:4-7.

NGIROZI DZINOBATSIRA VANHU VAMWARI

4. Tinoziva sei kuti ngirozi dzinofarira zvinoitwa nevanhu?

4 Ngirozi dzagara dzichifarira zvinoitwa nevanhu uye dzichida kunzwisisa chinangwa chaMwari pamusoro penyika nevanhu. (Zvirevo 8:30, 31; 1 Petro 1:11, 12) Dzinofanira kunge dzakarwadziwa chaizvo pakapanduka Adhamu naEvha. Uye dzinofanira kunge dzichitowedzera kurwadziwa iye zvino padzinoona vanhu vakawanda vasingateereri Jehovha. Asi kana munhu akatendeuka odzoka kuna Mwari, ngirozi dzinofara chaizvo. (Ruka 15:10) Ngirozi dzinofarira chaizvo vaya vanonamata Mwari. Jehovha anoshandisa ngirozi kuti dzibatsire uye dzidzivirire vashumiri vake panyika. (VaHebheru 1:7, 14) Ngationei vamwe vanhu vakabatsirwa nadzo.

“Mwari wangu atuma ngirozi yake ikavhara miromo yeshumba.”—Dhanieri 6:22

5. Ngirozi dzakabatsira sei vashumiri vaMwari kare?

5 Jehovha akatuma ngirozi mbiri kuti dzinobatsira Roti nemhuri yake kubuda muguta pakanga pava kuda kuparadzwa Sodhomu neGomora. (Genesisi 19:15, 16) Pashure pemazana emakore izvi zvaitika, muprofita Dhanieri akakandwa mugomba reshumba, asi hadzina kumuuraya nekuti ‘Mwari akatuma ngirozi yake ikavhara miromo yeshumba.’ (Dhanieri 6:22) Uyewo muapostora Petro paakaiswa mujeri, Jehovha akatuma ngirozi ikamusunungura. (Mabasa 12:6-11) Ngirozi dzakabatsirawo Jesu paaiva panyika. Pashure pekunge Jesu abhabhatidzwa, ‘ngirozi dzakamushumira.’ (Mako 1:13) Uye asati aurayiwa, imwe ngirozi ‘yakamusimbisa.’—Ruka 22:43.

6. (a) Tinoziva sei kuti ngirozi dzinobatsira vanhu vaMwari mazuva ano? (b) Tava kuda kupindura mibvunzo ipi?

6 Mazuva ano, ngirozi hadzichaonekwi nevanhu. Asi Mwari achiri kushandisa ngirozi kubatsira vashumiri vake. Bhaibheri rinoti: “Ngirozi yaJehovha inodzika musasa ichikomberedza vese vanomutya, uye inovanunura.” (Pisarema 34:7) Nei tichida kudzivirirwa? Nekuti tine vavengi vane simba vanoda kutikuvadza. Ndivanaani ivavo? Vanobvepi? Vari kuedza kutikuvadza sei? Kuti tipindure mibvunzo iyoyo, ngationei zvakaitika Adhamu naEvha vachangosikwa.

VAVENGI VEDU VASINGAONEKI

7. Satani akaita kuti vanhu vaite sei?

7 MuChitsauko 3 takadzidza kuti imwe ngirozi yakapandukira Mwari ichida kutonga vamwe. Bhaibheri rinodana ngirozi yacho kuti Satani Dhiyabhorosi. (Zvakazarurwa 12:9) Satani aidawo kuti vamwe vapandukire Mwari. Akakwanisa kunyengera Evha, uye kubvira ipapo ari kunyengera vanhu vakawanda. Asi vamwe vanhu vakadai saAbheri, Inoki, naNoa, vakaramba vakatendeka kuna Jehovha.—VaHebheru 11:4, 5, 7.

8. (a) Dzimwe ngirozi dzakava sei madhimoni? (b) Madhimoni akaita sei kuti asaparadzwa neMafashamo?

8 Mumazuva aNoa, dzimwe ngirozi dzakapanduka dzikasiya musha wadzo kudenga kuti dzizogara panyika sevanhu. Dzakazviitirei? Bhaibheri rinotiudza kuti dzaida kuva nemadzimai. (Verenga Genesisi 6:2.) Asi ngirozi dzaisafanira kuita izvozvo. (Judha 6) Kungofanana nengirozi idzodzo dzakaipa, vanhu vakawanda vepanguva iyoyo vakanga vaipa uye vaida zvekurwisana. Jehovha akabva afunga kuunza mafashamo panyika yese kuti aparadze vanhu vakaipa. Asi akaponesa vashumiri vake vakatendeka. (Genesisi 7:17, 23) Ngirozi dziya dzakaipa dzakadzokera kudenga kuti dzisaparadzwa. Bhaibheri rinodana ngirozi idzodzo dzakaipa kuti madhimoni. Dzakasarudza kubatana naSatani pakupandukira Mwari, uye Dhiyabhorosi akava mutongi wadzo.—Mateu 9:34.

9. (a) Chii chakaitika kumadhimoni paakadzokera kudenga? (b) Tava kuda kudzidza nezvei?

9 Jehovha haana kubvumira madhimoni kuti adzoke mumhuri yake nekuti akanga amupandukira. (2 Petro 2:4) Madhimoni haachakwanisi kuchinja miviri yawo kuti ave vanhu, asi achiri “kutsausa nyika yese.” (Zvakazarurwa 12:9; 1 Johani 5:19) Ngatidzidzei kuti anokwanisa sei kunyengera kana kuti kutsausa vanhu vakawanda.—Verenga 2 VaKorinde 2:11.

MADHIMONI ANONYENGERA SEI VANHU?

10. Madhimoni anonyengera sei vanhu?

10 Madhimoni anonyengera vanhu nenzira dzakawanda. Vanhu vanotaura nemadhimoni ivo pachavo kana kuti vachishandisa mumwe munhu akadai sen’anga kana munhu anofembera. Pavanenge vachiita izvozvo, vanenge vachitoita zvechidhimoni kana kuti zvemidzimu. Asi Bhaibheri rinotirayira kuti titambire kure zvachose nezvinhu zvese zvine chidhimoni. (VaGaratiya 5:19-21) Nei richidaro? Sezvinongoitwa nemuvhimi anoshandisa chimwe chinhu kuteya mhuka, madhimoni anonyengera vanhu kuti avabate ovaitisa zvaanoda.—Ona Mamwe Mashoko 24.

11. Kuuka kana kuti kufembera kuita sei, uye nei tichifanira kusiyana nako?

11 Imwe nzira yaanonyengera nayo vanhu ndeyekuti vaite zvekuuka kana kuti kufembera. Uku kuedza kuziva ramangwana kana kuti zvimwe zvinhu zvisingazivikanwi pachishandiswa simba risinganzwisisiki. Vamwe vanoedza kuita izvi nekutarisa nyeredzi, kutenda mashura, kana kududzira zviitiko vachishandisa mitsetse yemumaoko. Vakawanda vanofunga kuti zvinhu izvi hazvikuvadzi. Asi zvine ngozi. Bhaibheri rinoratidza kuti vafemberi vanoshandiswa nemadhimoni. Pana Mabasa 16:16-18, tinoverenga ‘nezvemweya wekuuka’ kana kuti dhimoni rekuuka raibatsira mumwe musikana “kufembera.” Muapostora Pauro paakadzinga dhimoni racho, musikana wacho akanga asingachagoni kufembera.

12. (a) Nei zviine ngozi kuedza kutaura nevakafa? (b) Nei vashumiri vaMwari vasingafaniri kubatanidzwa panoitwa zvechidhimoni?

12 Madhimoni ane zvimwe zvaanoita kuti anyengere vanhu. Anoita kuti tifunge kuti tinokwanisa kutaura nevakafa uye kuti vakafa vachiri vapenyu kune imwe nzvimbo uye vanokwanisa kutaura nesu kana kutikuvadza. Munhu anenge afirwa nehama kana shamwari yake anogona kuenda kumunhu akadai sesvikiro, rinoti rinokwanisa kutaura nevakafa. Svikiro racho rinogona kumuudza chimwe chinhu nezvehama kana shamwari yake yakafa kana kutotaura neinzwi reuya akafa. (1 Samueri 28:3-19) Zvinhu zvakawanda zvinoitwa kana munhu afa zvinotorerwa padzidziso yekuti vakafa vachiri vapenyu kune imwe nzvimbo. Zvinhu zvakadaro zvinosanganisira kupemberera pamariro, kurova makuva kana kuita nyaradzo, kupira vadzimu, tsika dzinotevedzerwa nemukadzi anenge afirwa nemurume, uye kuita pungwe pamariro. VaKristu pavanoramba kutevedzera zvinhu izvi, hama dzavo kana kuti vamwe vanhu vemumisha yavo vanogona kuvashora, kuvatuka kana kutocheka ukama navo. Asi vaKristu vanoziva kuti vakafa havasi vapenyu kune imwe nzvimbo. Hazviiti kuti titaure navo uye hapana zvavanogona kutiita. (Pisarema 115:17) Unofanira kunyatsongwarira. Usamboedza kutaura nevakafa kana kuti nemadhimoni uye usatombobatanidzwa panoitwa zvechidhimoni.—Verenga Dheuteronomi 18:10, 11; Isaya 8:19.

13. Vanhu vakawanda vaimborarama vachitya madhimoni vakakwanisa kuitei?

13 Madhimoni haangogumiri pakunyengera vanhu asi anovatyisidzirawo. Satani nemadhimoni ake vanoziva kuti vasarirwa ‘nenguva pfupi’ Mwari asati avabvisa panyika, saka vatowedzera hasha dzavo neruvengo kupfuura kare. (Zvakazarurwa 12:12, 17) Asi vanhu vakawanda vaimborarama vachitya madhimoni havachaatyi. Vakazvisunungura sei kuti vasaramba vachitya madhimoni?

RAMBA KUITA ZVECHIDHIMONI UYE ZVISUNUNGURE PAZVIRI

14. Tingazvisunungura sei pamadhimoni sezvakaitwa nevaKristu vekutanga?

14 Bhaibheri rinotiudza kuti tingaramba sei kuita zvinoda madhimoni uye kuti tingazvisunungura sei paari. Tinoverenga nezvevamwe vanhu vaiva muguta reEfeso vaimboita zvechidhimoni vasati vadzidza chokwadi. Vakazvisunungura sei? Bhaibheri rinoti: “Vanhu vakawanda vaiita zvemashiripiti vakaunganidza mabhuku avo, vakaapisa pamberi pevanhu vese.” (Mabasa 19:19) Sezvo vaida kuva vaKristu, vakaparadza mabhuku avo ese aidzidzisa zvemashiripiti. Zvavakaita izvozvo ndizvo zvinofanirawo kuitwa mazuva ano. Munhu wese anoda kunamata Jehovha anofanira kuparadza zvinhu zvese zvine chekuita nechidhimoni. Izvi zvinosanganisira zvinhu zvese zvinoita kuti chidhimoni chiite sechisingakuvadzi kana kuti sechinonakidza, zvakadai semabhuku, mafirimu, nziyo, mitambo, kunyange mapepa anonamirwa kumadziro. Zvinosanganisirawo zvinhu zvinopfekwa nevanhu vachiti zvinovadzivirira pamweya yakaipa.—1 VaKorinde 10:21.

15. Zvii zvimwe zvatinofanira kuita kuti tirwise Satani nemadhimoni?

15 Pashure pemakore vanhu vaiva muEfeso vaparadza mabhuku avo emashiripiti, muapostora Pauro akanyora kuti vakanga vachiri kufanira kurwisana “nemasimba emweya yakaipa.” (VaEfeso 6:12) Izvi zvinoreva kuti kunyange zvazvo vainge vakatopisa mabhuku avo, madhimoni akanga achiri kuedza kuvarwisa. Saka zvii zvimwe zvavaifanira kuita? Pauro akavaudza kuti: “Torai nhoo huru yekutenda, yamuchakwanisa kudzima [kana kuti kuvhara] nayo miseve yese inobvira inokandwa neakaipa.” (VaEfeso 6:16) Kutenda kwedu kunogona kutidzivirira sezvinoita nhoo inodzivirira murwi muhondo. Kana tichivimba zvakakwana kuti Jehovha anogona kutidzivirira, tichakwanisa kukunda Satani nemadhimoni.—Mateu 17:20.

16. Tingasimbisa sei kutenda kwedu muna Jehovha?

16 Tingasimbisa sei kutenda kwedu muna Jehovha? Tinofanira kuverenga Bhaibheri mazuva ese todzidza kuvimba naye kuti atidzivirire. Kana tichinyatsovimba naJehovha, Satani nemadhimoni ake havazokwanisi kutikuvadza.—1 Johani 5:5.

17. Chii chimwe chatingaita kuti tidzivirirwe pamadhimoni?

17 Chii chimwe chaifanira kuitwa nevaKristu vaiva muEfeso? Vaigara muguta rainge rakazara chidhimoni. Saka Pauro akavaudza kuti, ‘rambai muchinyengetera nguva dzese.’ (VaEfeso 6:18) Vaifanira kugara vachikumbira Jehovha kuti avadzivirire. Ko isuwo? Tinogarawo munyika yakazara chidhimoni. Saka tinofanirawo kukumbira Jehovha kuti atidzivirire, uye tinofanira kushandisa zita rake patinonyengetera. (Verenga Zvirevo 18:10.) Kana tikaramba tichikumbira Jehovha kuti atinunure pana Satani, Jehovha achapindura minyengetero yedu.—Pisarema 145:19; Mateu 6:13.

18, 19. (a) Tingakunda sei muhondo yekurwisana naSatani nemadhimoni? (b) Mubvunzo upi uchapindurwa muchitsauko chinotevera?

18 Kana tikaparadza zvinhu zvese zvine chekuita nechidhimoni muupenyu hwedu tovimba naJehovha kuti achatidzivirira, tinogona kukunda Satani nemadhimoni. Hatifaniri kuvatya. (Verenga Jakobho 4:7, 8.) Jehovha ane simba rinopfuura remadhimoni nekure. Akaaranga mumazuva aNoa uye achaaparadza mune ramangwana. (Judha 6) Yeuka kuti hatisi tega muhondo yacho. Jehovha ari kushandisa ngirozi dzake kutidzivirira. (2 Madzimambo 6:15-17) Tine chivimbo chekuti tinogona kukunda muhondo yedu pakurwisana naSatani nemadhimoni tichibatsirwa naJehovha.—1 Petro 5:6, 7; 2 Petro 2:9.

19 Asi kana Satani nemadhimoni vari kukonzera kutambura kwakadai, sei Mwari asati avaparadza? Mubvunzo uyu uchapindurwa muchitsauko chinotevera.