Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 14

Mhuri Yenyu Inogona Kufara

Mhuri Yenyu Inogona Kufara

1, 2. Jehovha anoda kuti mhuri dzive neupenyu hwakaita sei?

JEHOVHA MWARI ndiye akabatanidza murume nemudzimai vekutanga. Bhaibheri rinotiudza kuti akasika mukadzi wekutanga “akamuunza kumurume.” Adhamu akafara chaizvo zvekuti akati: “Iri ndiro rava pfupa remapfupa angu nenyama yenyama yangu.” (Genesisi 2:22, 23) Izvi zvinotibatsira kuona kuti Jehovha anoda kuti vanhu vakaroorana vafare.

2 Zvinorwadza chaizvo kuona kuti vanhu vakawanda havasati vambova nemufaro mumhuri dzavo. Asi Bhaibheri rine mazano akawanda anobatsira munhu wese ari mumhuri kuti aite zvinhu zvinosimbisa imba yavo uye kuti vafare kana vari pamwe chete.—Ruka 11:28.

MWARI ANODA KUTI VARUME VAITE SEI?

3, 4. (a) Murume anofanira kubata sei mudzimai wake? (b) Nei zvichikosha kuti murume nemudzimai varegererane?

3 Bhaibheri rinoti murume akanaka anofanira kuda uye kuremekedza mudzimai wake. Tinokumbira kuti uverenge pana VaEfeso 5:25-29. Murume anofanira kuramba achibata mudzimai wake zvakanaka. Anofanirawo kumudzivirira nekumuchengeta, uye haafaniri kuita chinhu chinorwadzisa mudzimai wake.

4 Asi murume anofanira kuita sei kana mudzimai wake akakanganisa? Varume vanoudzwa kuti: “Rambai muchida madzimai enyu uye musaashatirirwa.” (VaKorose 3:19) Varume munofanira kuyeuka kuti nemiwo munokanganisa. Uye kana muchida kuti Mwari akuregererei, munofanira kuregerera madzimai enyu. (Mateu 6:12, 14, 15) Kana murume nemudzimai vachiregererana, zvichaita kuti vafare muwanano yavo.

5. Nei murume achifanira kuremekedza mudzimai wake?

5 Jehovha anotarisira kuti murume aremekedze mudzimai wake. Murume anofanira kuva nehanya chaizvo nemudzimai wake. Iyi haisi nyaya yekurerutsa. Kana murume asingabati mudzimai wake zvakanaka, Jehovha anogona kuramba kuteerera minyengetero yake. (1 Petro 3:7) Jehovha anokoshesa vanhu pasinei nekuti murume kana kuti mukadzi. Chinoita kuti vanhu vakoshe kwaari kumuda kwavanoita.

6. Kana zvichinzi murume nemudzimai vava “nyama imwe” zvinenge zvichirevei?

6 Jesu akataura kuti murume nemudzimai “havasisirizve vaviri, asi nyama imwe.” (Mateu 19:6) Vakavimbika kune mumwe nemumwe uye havati gumbo mumba gumbo panze. (Zvirevo 5:15-21; VaHebheru 13:4) Murume anofanira kufadza mudzimai wake panyaya dzebonde uye mudzimai anofanira kuitawo saizvozvo, vese vachiedza kunzwisisana. (1 VaKorinde 7:3-5) Murume anofanira kuyeuka kuti “hapana murume akambovenga muviri wake, asi anoupa zvekudya uye anouchengeta.” Saka anofanira kuda uye kuchengeta mudzimai wake. Hapana chinodiwa nemudzimai kupfuura kuti murume wake amubate zvakanaka uye amude.—VaEfeso 5:29.

MWARI ANODA KUTI MADZIMAI AITE SEI?

7. Nei mhuri ichida musoro wemba?

7 Mhuri imwe neimwe inofanira kuva nemusoro wemba, uyo unoita kuti vanhu vese vari mumhuri vashande pamwe. Pana 1 VaKorinde 11:3, Bhaibheri rinoti: “Musoro wemurume wese ndiKristu; uye musoro wemukadzi murume; uye musoro waKristu ndiMwari.”

8. Mudzimai angaratidza sei kuti anoremekedza murume wake zvikuru?

8 Murume wese anokanganisa. Asi kana mudzimai achitsigira zvinenge zvasarudzwa nemurume wake uye achishanda pamwe naye, mhuri yese inobatsirwa. (1 Petro 3:1-6) Bhaibheri rinoti: ‘Mudzimai anofanira kuremekedza murume wake zvikuru.’ (VaEfeso 5:33) Ko kana murume wacho asingatendi zvinotendwa nemudzimai wake? Mudzimai anofanira kungoremekedza murume wake zvakadaro. Bhaibheri rinoti: “Imi madzimai itaiwo saizvozvo muchizviisa pasi pevarume venyu, kuti kana paine vasingateereri shoko, vasvike pakuteerera pasina shoko rataurwa zvichibva pane zvinoitwa nemadzimai avo, nekuti vanenge vaona vega zvinhu zvakanaka zvamunoita uye kuremekedza kwenyu kukuru.” (1 Petro 3:1, 2) Kana mudzimai achiita zvakanaka zvichaita kuti murume wake anzwisise uye aremekedze zvaanotenda.

9. (a) Mudzimai anofanira kuita sei kana aine imwe pfungwa yakasiyana nezviri kufungwa nemurume wake? (b) Madzimai anopiwa mazano api pana Tito 2:4, 5?

9 Mudzimai anofanira kuita sei kana aine imwe pfungwa yakasiyana nezviri kufungwa nemurume wake? Anofanira kutaura zvaari kufungawo neruremekedzo. Sara akambotaurawo zvaaifunga, kunyange zvazvo zvisina kufadza Abrahamu, asi Jehovha akaudza Abrahamu kuti: “Teerera zvaari kutaura.” (Genesisi 21:9-12) Kashoma kuti murume wechiKristu asarudze zvinopesana nezvinotaurwa neBhaibheri, saka mudzimai wake anofanira kumuteerera. (Mabasa 5:29; VaEfeso 5:24) Mudzimai akanaka anofanira kuchengeta mhuri yake. (Verenga Tito 2:4, 5.) Kana murume wake nevana vakaona kushanda nesimba kwaanoita, vachatowedzera kumuda uye kumuremekedza.—Zvirevo 31:10, 28.

Madzimai angadzidzei kuna Sara?

10. Bhaibheri rinotii nezvekumbosiyana uye kudimbura muchato?

10 Dzimwe nguva vamwe vanokurumidza kusarudza kumbosiyana, kana kutodimbura muchato. Asi Bhaibheri rinotaura kuti “mudzimai haafaniri kuparadzana nemurume wake” uye kuti “murume haafaniri kusiya mudzimai wake.” (1 VaKorinde 7:10, 11) Panogona hapo kuva nemamwe mamiriro ezvinhu akaoma angaita kuti murume nemudzimai vambosiyana, asi iyi haisi nyaya yekutamba nayo. Ko nyaya yekudimbura muchato? Bhaibheri rinoratidza kuti chikonzero chimwe chete chinobvumira murume nemudzimai kurambana ndechekunge paine mumwe wavo aita upombwe.—Mateu 19:9.

MWARI ANODA KUTI VABEREKI VAITE SEI?

Mumwe nemumwe ari mumhuri ane zvaanodzidza pana Jesu

11. Chii chinokosha kupfuura zvese chinofanira kuitirwa vana?

11 Vabereki ivai nenguva yakawanda nevana venyu. Vana venyu vanoda kuva nemi, uye hapana chinokosha kupfuura kuti muvadzidzise nezvaJehovha.—Dheuteronomi 6:4-9.

12. Vabereki vanofanira kuitei kuti vachengetedze vana vavo?

12 Nyika yaSatani iri kuwedzera kuipa, uye pane vamwe vanhu vanoda kukanganisa vana vedu, kunyange kutovabata chibharo. Vamwe vabereki vanoomerwa nekutaura nevana vavo nyaya iyi. Asi vabereki vanofanira kuyambira vana vavo nezvevanhu vakadaro uye kuvadzidzisa zvavangaita kuti vasavhiringwa navo. Vabereki, munofanira kuchengetedza vana venyu. *1 Petro 5:8.

13. Vabereki vanofanira kudzidzisa sei vana vavo?

13 Vabereki vane basa rekudzidzisa vana vavo kuti vave vana vane unhu. Mungadzidzisa sei vana venyu? Vana venyu vanoda kurayirwa asi kana muchivaranga hamufaniri kuita zveutsinye kana zvehasha. (Jeremiya 30:11) Saka musamboranga vana venyu makagumbuka. Hamufaniri kushandisa mashoko “anobaya sebakatwa” movarwadzisa. (Zvirevo 12:18) Dzidzisai vana venyu kuti vanzwisise kuti nei vachifanira kuteerera.—VaEfeso 6:4; VaHebheru 12:9-11; ona Mamwe Mashoko 28.

MWARI ANODA KUTI VANA VAITE SEI?

14, 15. Nei vana vachifanira kuteerera vabereki vavo?

14 Jesu aigara achiteerera Baba vake kunyange pazvainge zvisiri nyore. (Ruka 22:42; Johani 8:28, 29) Jehovha anotarisirawo kuti vana vateerere vabereki vavo.—VaEfeso 6:1-3.

15 Vana, kunyange kana muchifunga kuti zvakaoma kuteerera vabereki venyu, yeukai kuti kana muri vana vanoteerera, Jehovha nevabereki venyu vanofara nemi. *Zvirevo 1:8; 6:20; 23:22-25.

Chii chichabatsira vechidiki kuramba vakatendeka kuna Mwari kana vakaedzwa kuti vaite zvakaipa?

16. (a) Satani anoedza sei vechidiki kuti vaite zvakaipa? (b) Nei zvichikosha kuti musarudze shamwari dzinoda Jehovha?

16 Dhiyabhorosi anogona kushandisa shamwari dzenyu nevamwe vechidiki kuti akuedzei kuita zvakaipa. Anoziva kuti miedzo yakadaro yakakuomerai kuti muikurire. Dhina, mwanasikana waJakobho, aiva neshamwari dzakanga dzisingadi Jehovha. Izvi zvakaunza matambudziko akakura kwaari nekumhuri yake. (Genesisi 34:1, 2) Kana ukatamba nevanhu vasingadi Jehovha, vanogona kukuedza kuti uite zvinhu zvinovengwa naJehovha, izvo zvinogona kuzokurwadzisa pamwe nevabereki vako naMwari. (Zvirevo 17:21, 25) Ndokusaka zvichikosha zvikuru kuti utambe neshamwari dzinoda Jehovha.—1 VaKorinde 15:33.

MHURI YENYU INOGONA KUFARA

17. Mumwe nemumwe ari mumhuri anofanira kuita sei?

17 Kana vanhu vari mumhuri vachitevedzera zvinotaurwa naMwari, vanonzvengana nenhamo dzakawanda nematambudziko. Saka kana uri murume, ida mudzimai wako uye mubate zvakanaka. Kana uri mudzimai, remekedza murume wako uye zviise pasi, uchitevedzera mudzimai akanaka anotaurwa pana Zvirevo 31:10-31. Kana uri mubereki, dzidzisa vana vako kuda Mwari. (Zvirevo 22:6) Kana uri baba, tungamirira mhuri yako “zvakanaka.” (1 Timoti 3:4, 5; 5:8) Uye vana, teererai vabereki venyu. (VaKorose 3:20) Yeuka kuti munhu wese ari mumhuri anogona kukanganisawo, saka zvininipise uchikumbira ruregerero. Sezvataona, Bhaibheri rine mazano anobva kuna Jehovha anobatsira munhu wese ari mumhuri.

^ ndima 12 Mamwe mashoko anotaura nezvekuti mungachengetedza sei vana venyu anowanikwa muchitsauko 32 chebhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

^ ndima 15 Mwana haafaniri kuteerera vabereki vake kana vachida kuti aite zvinhu zvinopesana nemutemo waMwari.—Mabasa 5:29.