Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 16

Sarudza Kunamata Mwari

Sarudza Kunamata Mwari

1, 2. Mubvunzo upi waunofanira kuzvibvunza, uye nei uchikosha?

NEKUDZIDZA kwawaita Bhaibheri, wava kuziva kuti vanhu vakawanda vanozviti vanonamata Mwari vanotodzidzisa kana kuita zvinhu zvinovengwa naMwari. (2 VaKorinde 6:17) Ndokusaka Jehovha achitirayira kuti tibude muchitendero chenhema, “Bhabhironi Guru.” (Zvakazarurwa 18:2, 4) Saka uchaitei? Munhu mumwe nemumwe anofanira kuita chisarudzo, uye tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndinoda kunamata Mwari sezvaanoda kuti ndiite here, kana kuti ndinoda kumunamata sezvandagara ndichingoita?’

2 Kana wakatobuda muchitendero chenhema, wakaita zvakanaka. Asi unogona kunge uchiine mamwe maitiro nedzimwe tsika dzemuchitendero chenhema dzauchiri kufarira. Ngatimbokurukurai dzimwe dzacho toona kuti nei zvichikosha chaizvo kuti tidzione semaonerwo adzinoitwa naJehovha.

KUNAMATA ZVIFANANIDZO UYE MADZITATEGURU

3. (a) Chii chingaita kuti vamwe vaomerwe nekurega kushandisa zvifananidzo pakunamata? (b) Bhaibheri rinotii nezvekushandisa zvifananidzo pakunamata Mwari?

3 Vamwe vanhu vava nemakore vachishandisa mifananidzo kana kuti vane nzvimbo dzavanoti dzinoyera padzimba dzavo. Kana iwe wanga wavawo nemakore uchidaro, unogona kumboomerwa kana kunzwa sekuti hazviiti kunamata Mwari usingashandisi zvinhu izvozvo. Asi yeuka kuti Jehovha anotidzidzisa kuti tingamunamata sei. Uye Bhaibheri rinotiudza zvakajeka kuti Jehovha haadi kuti tishandise zvifananidzo pakunamata.—Verenga Eksodho 20:4, 5; Pisarema 115:4-8; Isaya 42:8; 1 Johani 5:21.

4. (a) Nei tisingafaniri kunamata madzitateguru edu? (b) Nei Jehovha akaudza vanhu vake kuti vasaedza kutaura nevakafa?

4 Vamwe vanhu vanogona kupedza nguva yakawanda nesimba vachiedza kufadza madzitateguru avo akafa. Vanogona kutoanamata. Asi takadzidza kuti vakafa havagoni kutibatsira kana kutikuvadza. Havana kumwe kwavari kurarama vari. Kutaura navo kunokuvadza, nekuti mashoko ese anoita seari kubva kwavari anenge achitobva kumadhimoni. Ndokusaka Jehovha akarayira vaIsraeri kuti vasaedza kutaura nevakafa kana kuita zvimwewo zvinhu zvechidhimoni.—Dheuteronomi 18:10-12; ona Mamwe Mashoko 24 ne29.

5. Chii chingakubatsira kuti usiye kushandisa zvifananidzo pakunamata Mwari kana kuti usiye kunamata madzitateguru ako?

5 Chii chingakubatsira kuti usiye kushandisa zvifananidzo pakunamata Mwari kana kuti usiye kunamata madzitateguru ako? Unofanira kuverenga Bhaibheri wofungisisa kuti Jehovha anoona sei zvinhu zvakadaro. Anozviona sezvinhu ‘zvinosemesa’ kana kuti zvinonyangadza. (Dheuteronomi 27:15) Nyengetera kuna Jehovha mazuva ese kuti akubatsire kuona zvinhu semaonero aanoita uye kuti akubatsire kuti umunamate sezvaanoda. (Isaya 55:9) Unogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha achakupa simba rekuti ubvise muupenyu hwako zvinhu zvese zvine chekuita nekunamata kwenhema.

TINOFANIRA KUPEMBERERA KRISIMASI HERE?

6. Nei vanhu vakasarudza kupemberera kuberekwa kwaJesu musi wa25 December?

6 Pasi rese, Krisimasi rimwe remazororo akakurumbira zvikuru, uye vanhu vakawanda vanofunga kuti izuva rekupemberera kuberekwa kwaJesu. Asi chokwadi ndechekuti Krisimasi yakabatana nekunamata kwenhema. Rimwe bhuku rinoti musi wa25 December, vahedheni vechiRoma vaipemberera kuberekwa kwezuva. Vatungamiriri vechechi vaida kuti vanhu vakawanda vechihedheni vave vaKristu, saka kunyange zvazvo Jesu asina kuberekwa musi wa25 December, vakasarudza kupemberera kuberekwa kwaJesu zuva iroro. (Ruka 2:8-12) Vadzidzi vaJesu vakanga vasingapembereri Krisimasi. Rimwe bhuku rinonzi Sacred Origins of Profound Things rinotaura kuti kwemakore 200 kubva pakaberekwa Jesu, “hapana aiziva musi chaiwo waakaberekwa uye hapana aiva nebasa nawo.” Vanhu vakazotanga kupemberera Krisimasi pashure pemazana emakore Jesu ararama panyika.

7. Nei vaKristu vechokwadi vasingapembereri Krisimasi?

7 Vanhu vakawanda vanoziva matangiro akaita Krisimasi nezvese zvinoitwa pazuva racho zvakadai semabiko nekupanana zvipo. KuEngland nedzimwe nzvimbo dzekuAmerica, pane makore akamborambidzwa kupemberera Krisimasi nemhaka yekuti yakatangwa nevahedheni. Munhu wese aiipemberera airangwa. Asi vanhu vakazotangazve kuipemberera. Nei vaKristu vechokwadi vasingapembereri Krisimasi? Nekuti vanoda kufadza Mwari pazvinhu zvese zvavanoita.

TINOFANIRA KUPEMBERERA MAZUVA EKUBEREKWA HERE?

8, 9. Nei vaKristu vekutanga vaisapemberera mazuva ekuberekwa?

8 Rimwe zuva rakakurumbira rinopembererwa nevakawanda izuva ravo rekuberekwa. VaKristu vanofanira kupemberera mazuva ekuberekwa here? Mhemberero dzemazuva ekuberekwa dzinongotaurwa nezvadzo muBhaibheri ndedzevanhu vakanga vasinganamati Jehovha. (Genesisi 40:20; Mako 6:21) Kupemberera mazuva ekuberekwa kwaiitirwa kuremekedza vanamwari venhema. Ndokusaka vaKristu vekutanga “vaiona kupemberera kuberekwa kwemunhu chero upi zvake setsika yechihedheni.”—The World Book Encyclopedia.

9 VaRoma nevaGiriki vekare vaitenda kuti panozvarwa munhu panenge paine mweya uripo, uye ndiwo unozochengetedza munhu muupenyu hwake hwese. Bhuku rinonzi, The Lore of Birthdays rinoti: “Mweya uyu waiva neukama husinganzwisisiki namwari ane zuva rekuzvarwa rakafanana nerakaberekwa munhu wacho.”

10. Nei vaKristu vemazuva ano vasingafaniri kupemberera mazuva ekuberekwa?

10 Unofunga kuti Jehovha anofadzwa nemhemberero dzakabatana nechitendero chenhema here? (Isaya 65:11, 12) Aiwa, haambodzifariri. Ndokusaka tisingapembereri mazuva ekuberekwa kana zororo ripi zvaro rine chekuita nechitendero chenhema.

ZVINE BASA HERE?

11. Nei vamwe vanhu vachipemberera mazororo? Chii chaunofanira kunyanya kukoshesa?

11 Vamwe vanhu vanoziva kuti Krisimasi uye mamwe mazororo zvakatangira muchihedheni, asi vanoramba vachizvipemberera. Vanoona sekuti pamazororo ndipo pavanowana nguva yekumbovawo nemhuri dzavo. Ndiwo maonero aunoitawo here? Hapana chakaipa nekuda kumbova nemhuri yako. Jehovha ndiye akasika mhuri, uye anoda kuti tiwane nguva yekufara nadzo. (VaEfeso 3:14, 15) Asi tinofanira kukoshesa kuva neushamwari naJehovha pane kuda kufadza hama dzedu nekupemberera mazororo akabva kuchitendero chenhema. Ndokusaka muapostora Pauro akati: “Rambai muchiva nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika kunaShe.”—VaEfeso 5:10.

12. Chii chingaita kuti rimwe zororo risafadza Jehovha?

12 Vakawanda vanoona sekuti matangiro akaita zororo haana basa, asi handiwo maonero anoita Jehovha. Haafadzwi nemazororo akabva pakunamata kwenhema kana kuti ekukudza vanhu kana nyika. VaIjipiti vaiva nemhemberero dzakawanda dzavaiitira vanamwari vavo venhema. VaIsraeri pavakabuda muIjipiti, vakatevedzera imwe mhemberero yevaIjipiti vakaiti “mutambo uchaitirwa Jehovha.” Asi Jehovha akavarangira zvavakaita izvozvo. (Eksodho 32:2-10) Sekutaura kwakaita muprofita Isaya, hatifaniri kubata “chinhu chisina kuchena!”—Verenga Isaya 52:11.

REMEKEDZA VAMWE PAUNOTAURA NAVO

13. Mibvunzo ipi yaungava nayo paunosarudza kurega kupemberera mazororo?

13 Paunosarudza kurega kupemberera mazororo, unogona kuva nemibvunzo yakawanda. Mimwe yacho ndeiyi: Ndinofanira kuita sei kana vandinoshanda navo vakandibvunza kuti nei ndisiri kubatana navo pakupemberera Krisimasi? Ndinofanira kuita sei kana mumwe munhu akandipa chipo cheKrisimasi? Ko kana wandakaroorana naye achitarisira kuti ndipemberere rimwe zororo, ndinofanira kuita sei? Ndingaitei kuti ndibatsire vana vangu kuti vasanzwa vakasurukirwa nekuti havasi kupemberera rimwe zororo kana kuti zuva ravo rekuberekwa?

14, 15. Ungaitei kana mumwe munhu akakuti uve nezororo rakanaka kana kuti akakupa chipo?

14 Zvinoda kungwarira paunenge uchisarudza zvekutaura kana zvekuita pamamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Kana vanhu vakakuti uve nezororo rakanaka, haufaniri kuvanyararira. Unogona kungoti, “Maita henyu.” Asi kana mumwe munhu achida kuziva zvakawanda, unogona kusarudza kumutsanangurira kuti nei usingapembereri zororo racho. Asi taura naye zvakanaka, nekungwarira uye zvine ruremekedzo. Bhaibheri rinoti: “Nguva dzese mashoko enyu ngaaratidze mutsa, akarungwa nemunyu, kuti muzive mapinduriro amunofanira kuita munhu mumwe nemumwe.” (VaKorose 4:6) Pamwe unogona kuvatsanangurira kuti unofadzwa nekuva pamwe nevamwe uye kuvapa zvipo asi haudi hako kuzviita panguva iyoyo yemazororo.

15 Unofanira kuita sei kana mumwe munhu akakupa chipo? Bhaibheri haritipi tumitemo twakawandisa, asi rinotaura kuti tinofanira kugara tiine hana yakanaka. (1 Timoti 1:18, 19) Pamwe munhu ari kukupa chipo haazivi kuti haupembereri zororo racho. Kana kuti anogona kuti, “Ndinoziva kuti haupembereri zororo iri, asi ndiri kungoda kukupa chipo ichi.” Pasinei nechikonzero chake chekukupa, unogona kusarudza kubvuma kana kuramba chipo chacho. Asi zvauchasarudza kuita zvinofanira kuita kuti usare uine hana yakanaka. Hatingadi kuita zvinhu zvinokanganisa ushamwari hwedu naJehovha.

IWE NEMHURI YAKO

Vaya vanonamata Jehovha vanofara

16. Unofanira kuitei kana mhuri yako ichida kupemberera mazororo?

16 Unofanira kuitei kana mhuri yako ichida kupemberera rimwe zororo? Haufaniri hako kuita nharo navo. Yeuka kuti vane kodzero yekusarudza zvavanoda. Taura navo zvakanaka uye remekedza zvavari kusarudza sezvo uchidawo kuti varemekedze zvakowo. (Verenga Mateu 7:12.) Asi kana mhuri yako ichida kuti munge muri mese pazororo unofanira kuitei? Usati wasarudza zvekuita, nyengetera kuna Jehovha kuti akubatsire kusarudza zvakanaka. Nyatsofunga nezvemamiriro acho ezvinhu uye verenga mabhuku anotaura nezvenyaya yacho. Yeuka kuti unoda kufadza Jehovha nguva dzese.

17. Ungaitei kuti ubatsire vana vako kuti vasanzwa sekuti vari kusaririra kana vamwe vachipemberera mazororo?

17 Ungaitei kuti ubatsire vana vako pavanoona vamwe vachipemberera mazororo? Unogona kupota uchivaitirawo zvinhu zvakanaka. Unogonawo kuvapa zvipo pavanenge vasiri kumbozvitarisira. Uye chimwe chipo chakanakisisa chaungapa vana vako ndechekuvawanira nguva uye kuvaratidza rudo.

NAMATA MWARI NENZIRA YAANODA

18. Nei tichifanira kupinda misangano yechiKristu?

18 Kuti tifadze Jehovha, tinofanira kusiyana nechitendero chenhema uye tsika nemazororo zvakabatana nacho. Asi tinofanirawo kunamata Mwari nenzira yaanoda. Tinozviita sei? Imwe nzira ndeyekugara tichipinda misangano yechiKristu. (Verenga VaHebheru 10:24, 25.) Misangano iyi inokosha chaizvo pakunamata kwechokwadi. (Pisarema 22:22; 122:1) Tinokurudzirana patinoungana pamwe chete.—VaRoma 1:12.

19. Nei zvichikosha kuti uudze vamwe chokwadi chauri kudzidza muBhaibheri?

19 Imwe nzira yekutsigira kunamata kwechokwadi ndeyekuudza vamwe zvawakadzidza muBhaibheri. Vanhu vakawanda vari kushungurudzika pamusana pezvinhu zvakaipa zviri kuitika munyika. Pamwe une vamwe vaunoziva vari kunzwa saizvozvo. Vaudze nezvetariro yako inofadza yeramangwana. Paunenge uchipinda misangano yechiKristu uye uchiudza vamwe chokwadi chiri muBhaibheri, uchaona kuti unenge usingachadi kubatanidzwa nechitendero chenhema uye tsika dzemo. Unogona kuva nechokwadi chekuti uchafara uye kuti Jehovha achakomborera zvese zvauri kusarudza kuita kuti umunamate nenzira yaanoda.—Maraki 3:10.