Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 17

Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero

Chipo Chatakapiwa naMwari Chemunyengetero

“Muiti wedenga nenyika” anoda kunzwa minyengetero yedu.—Pisarema 115:15

1, 2. Nei zvichishamisa kuti Jehovha anotibvumira kunyengetera kwaari, uye nei tichifanira kuziva zvinodzidziswa neBhaibheri nezvemunyengetero?

KANA tichienzanisa nezvinhu zviri mudenga zvakasikwa, nyika inongova kanhu kadikidiki. Jehovha paanotarisa panyika, vanhu vese varipo vakaita sekadonhwe kemvura kari kubva mumugomo. (Pisarema 115:15; Isaya 40:15) Kunyange zvazvo tiri vadikidiki kana tichizvienzanisa nezvinhu zvese zvakasikwa zviri mudenga, Pisarema 145:18, 19 inoti: “Jehovha ari pedyo nevanhu vese vanodana kwaari, vese vanodana kwaari muchokwadi. Anogutsa zvido zvevaya vanomutya; anonzwa kuchemera kwavo kubatsirwa, uye anovanunura.” Ichi chipo chinoshamisa chaizvo chatiinacho! Jehovha, Musiki ane masimba ese, anoda kuva pedyo nesu uye anoda kuteerera minyengetero yedu. Zvechokwadi munyengetero chipo chakapiwa munhu mumwe nemumwe naJehovha.

2 Asi Jehovha anongotinzwa chete kana tikataura naye nenzira yaanobvumira. Tingazviita sei izvozvo? Ngationei zvinotaurwa neBhaibheri nezvemunyengetero.

NEI TICHIFANIRA KUNYENGETERA KUNA JEHOVHA?

3. Nei uchifanira kunyengetera kuna Jehovha?

3 Jehovha anoda kuti unyengetere kwaari kana kuti utaure naye. Tinozviziva sei? Tinokumbirawo kuti uverenge VaFiripi 4:6, 7. Funga nezvemashoko iwayo anonyaradza. Mutongi wezvinhu zvese zvakasikwa anonyatsokuda uye anoda kuti umuudze zviri mumwoyo mako uye matambudziko auinawo.

4. Kugara uchinyengetera kuna Jehovha kunosimbisa sei ushamwari hwako naye?

4 Munyengetero unotibatsira kuti tive neushamwari hwepedyo naJehovha. Kana shamwari dzichigara dzichiudzana zvadzinofunga, zvinodzinetsa uye zviri mumwoyo, ushamwari hwadzo hunosimba. Izvi ndizvo zvinoitikawo paunonyengetera kuna Jehovha. MuBhaibheri, anokuudzawo zvaanofunga uye zviri mumwoyo make, uye anokuudza zvaachaita mune ramangwana. Unogonawo kugara uchitaura naye uchimuudza zviri pasi pasi pemwoyo wako. Paunoita izvi, ushamwari hwako naJehovha huchawedzera kusimba.—Jakobho 4:8.

TINOFANIRA KUITEI KUTI MWARI ATINZWE?

5. Tinoziva sei kuti haisi minyengetero yese inoteererwa naJehovha?

5 Jehovha anoteerera minyengetero yese here? Aiwa haadaro. Mumazuva emuprofita Isaya, Jehovha akaudza vaIsraeri kuti: “Kunyange muchiita minyengetero mizhinji, handisi kuiteerera; maoko enyu azere neropa.” (Isaya 1:15) Saka kana tikasangwarira, tinogona kuita zvinhu zvinotiendesa kure naJehovha, obva arega kuteerera minyengetero yedu.

6. Nei zvichikosha kuti tive nekutenda? Unoratidza sei kuti une kutenda?

6 Kana tichida kuti Jehovha ateerere minyengetero yedu, tinofanira kuva nekutenda maari. (Mako 11:24) Muapostora Pauro akati: “Pasina kutenda hazviiti kunyatsofadza Mwari, nekuti munhu wese anosvika kuna Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa mubayiro vaya vanomutsvaga nemwoyo wese.” (VaHebheru 11:6) Asi hazvina kukwana kungotaura kuti tine kutenda. Tinofanira kuratidza kutenda kwedu nekuteerera Jehovha mazuva ese.—Verenga Jakobho 2:26.

7. (a) Nei tichafanira kuzvininipisa uye kuratidza ruremekedzo patinonyengetera kuna Jehovha? (b) Tingaratidza sei kuti zvatinotaura zviri kubva pamwoyo patinonyengetera?

7 Tinofanira kuzvininipisa uye kuratidza ruremekedzo patinenge tichinyengetera kuna Jehovha. Nei tichifanira kudaro? Kana tichida kutaura namambo kana kuti nemutungamiriri wenyika, tinoratidza ruremekedzo. Jehovha ndiMwari Wemasimbaose, saka hatifaniri here kutomuremekedza zvakanyanya uye kuzvininipisa patinenge tichitaura naye? (Genesisi 17:1; Pisarema 138:6) Tinofanirawo kunyengetera kuna Jehovha zvichibva pamwoyo kwete kungodzokorora mashoko mamwe chetewo.—Mateu 6:7, 8.

8. Patinonyengeterera chimwe chinhu, chii chimwe chatinofanira kuita?

8 Chekupedzisira, patinonyengetera tichikumbira chimwe chinhu, tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tiite zvatanyengeterera. Ngatitii tanyengetera kuna Jehovha tichikumbira zvatinoda zuva nezuva. Hatifaniri kuita usimbe tichitarisira kuti Jehovha achangotipa zvese zvatinoda asi isu tichikwanisa kuzvishandira. Tinofanira kushanda nesimba tichibvuma chero basa ratinokwanisa kuita. (Mateu 6:11; 2 VaTesaronika 3:10) Kana kuti patinonyengetera kuna Jehovha tichikumbira kuti atibatsire kurega kuita zvakaipa, tinofanira kutambira kure nezvinhu zvinogona kutipinza pamuedzo. (VaKorose 3:5) Iye zvino ngatichiongororai mibvunzo inowanzobvunzwa nezveminyengetero.

MIBVUNZO INOWANZOBVUNZWA NEZVEMINYENGETERO

9. Tinofanira kunyengetera kunaani? Johani 14:6 inotidzidzisei nezvemunyengetero?

9 Tinofanira kunyengetera kunaani? Jesu akadzidzisa vateveri vake kunyengetera kuna “Baba vedu vari kudenga.” (Mateu 6:9) Akatiwo: “Ndini nzira nechokwadi neupenyu. Hapana anouya kuna Baba asina kusvika nekwandiri.” (Johani 14:6) Saka tinofanira kunyengetera kuna Jehovha chete tichienda nekunaJesu. Zvinorevei kunyengetera nekunaJesu? Kuti Jehovha ateerere minyengetero yedu, tinofanira kuremekedza basa rinokosha rakapiwa Jesu naJehovha. Sezvatakadzidza, Jesu akauya panyika kuzotiponesa pachivi nerufu. (Johani 3:16; VaRoma 5:12) Jehovha akagadzawo Jesu kuti ave Mupristi Mukuru uye Mutongi.—Johani 5:22; VaHebheru 6:20.

Unogona kunyengetera chero nguva

10. Tinofanira kunge tiine zvatakaita muviri wedu here patinonyengetera? Tsanangura.

10 Tinofanira kunge tiine zvatakaita muviri wedu here patinenge tichinyengetera? Kwete, Jehovha haatiudzi kuti tinofanira kupfugama, kugara kana kumira patinenge tichinyengetera. Bhaibheri rinotidzidzisa kuti chinokosha kunyengetera kwaari tichiratidza kuti tiri kumuremekedza. (1 Makoronike 17:16; Nehemiya 8:6; Dhanieri 6:10; Mako 11:25) Izvi ndizvo zvinokosheswa naJehovha kwete zvinenge zvakaita miviri yedu patinenge tichinyengetera. Tinogona kunyengetera zvinonzwika kana kuti nechemumwoyo uye panguva ipi zvayo masikati kana usiku. Patinonyengetera kuna Jehovha, tinovimba kuti anotinzwa kunyange vamwe vanhu vasingatinzwi.—Nehemiya 2:1-6.

11. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvatinogona kutaura nezvazvo kuna Jehovha?

11 Tinganyengetera nezvei? Tinogona kunyengeterera chero chii zvacho chinoenderana nekuda kwaJehovha. Bhaibheri rinoti: “Pasinei nezvatinokumbira maererano nekuda kwake, iye anotinzwa.” (1 Johani 5:14) Zvinoita here kunyengetera tichikumbira zvinhu zvatinodawo? Hongu zvinoita. Kunyengetera kuna Jehovha kunofanira kuita sekutaura neshamwari yepedyo. Tinogona kumuudza zvese zviri mupfungwa dzedu nemwoyo. (Pisarema 62:8) Tinogona kunyengetera tichimukumbira kuti atipe mweya mutsvene wake une simba kuti utibatsire kuita zvakanaka. (Ruka 11:13) Tinogonawo kukumbira Jehovha uchenjeri hwekuti tiite zvisarudzo zvakanaka, uye tinogona kumukumbira simba rekutsungirira mumatambudziko. (Jakobho 1:5) Tinofanira kukumbira Jehovha kuti atiregerere zvivi zvedu. (VaEfeso 1:3, 7) Tinofanirawo kunyengeterera vamwe kusanganisira mhuri dzedu uye hama nehanzvadzi dzedu dzemuungano.—Mabasa 12:5; VaKorose 4:12.

12. Chii chatinofanira kunyanya kukoshesa paminyengetero yedu?

12 Chii chatinofanira kunyanya kukoshesa paminyengetero yedu? Tinofanira kukoshesa Jehovha uye kuda kwake. Tinofanira kumutenda nemwoyo wese nezvese zvaakatiitira. (1 Makoronike 29:10-13) Tinoziva izvi nekuti Jesu paaiva panyika akadzidzisa vadzidzi vake kunyengetera. (Verenga Mateu 6:9-13.) Akataura kuti vaifanira kutanga nekunyengeterera kuti zita raMwari ritsveneswe, kureva kuti rinofanira kukudzwa sezvo riri dzvene. Jesu akabva ataurawo kuti tinofanira kunyengeterera kuti Umambo hwaMwari huuye uye kuti kuda kwaJehovha kuitwe panyika yese. Jesu akazotaura kuti pashure pekunyengeterera izvozvo zvinonyanya kukosha, tinofanirawo kuzonyengeterera zveduwo zvatinoda. Patinoisa Jehovha uye kuda kwake pekutanga muminyengetero yedu, tinenge tichiratidza kuti ndizvo zvinhu zvatinonyanya kukoshesa.

13. Minyengetero yedu inofanira kunge yakareba sei?

13 Minyengetero yedu inofanira kunge yakareba sei? Bhaibheri harina zvarinotaura panyaya iyoyo. Minyengetero yedu inogona kuva mipfupi kana kuti mirefu, zvichienderana nemamiriro ezvinhu. Tinogona kunyengetera munyengetero mupfupi kana tava kuda kudya asi murefu kana tichitenda Jehovha kana kuti tichimuudza zvinotinetsa. (1 Samueri 1:12, 15) Hatifaniri kuita minyengetero yakareba yekungoda kuonekwa nevamwe sezvaiitwa nevamwe vanhu mumazuva aJesu. (Ruka 20:46, 47) Jehovha haafadzwi neminyengetero yakadaro. Chinokosha kuna Jehovha ndechekuti tinyengetere zvinobva pamwoyo.

14. Tinofanira kunyengetera kakawanda sei, uye izvi zvinotidzidzisei nezvaJehovha?

14 Tinofanira kunyengetera kakawanda sei? Jehovha anoda kuti tigare tichitaura naye. Bhaibheri rinoti tinofanira ‘kuramba tichinyengetera.’ (Mateu 26:41; VaRoma 12:12; 1 VaTesaronika 5:17) Jehovha anoda kutiteerera nguva dzese. Tinogona kumutenda mazuva ese nerudo rwaanotiratidza uye kutipa kwaanoita zvese zvatinoda. Tinogonawo kumukumbira kuti atitungamirire, atisimbise uye atinyaradze. Kana tichinyatsokoshesa chipo chatiinacho chekunyengetera kuna Jehovha, tichashandisa mukana wese uripo kutaura naye.

15. Nei tichifanira kuti “ameni” panopera munyengetero?

15 Nei tichifanira kuti “ameni” panopera munyengetero? Shoko rekuti “ameni” rinoreva kuti “chokwadi” kana kuti “ngazviitike.” Inzira yekuratidza kuti tiri pachokwadi pane zvatataura mumunyengetero wedu. (Pisarema 41:13) Bhaibheri rinotidzidzisa kuti zvakanakawo kuti “ameni,” nechemumwoyo kana kuti zvinonzwika panopera munyengetero unoitwa paruzhinji kuratidza kuti tabvumirana nezvataurwa.—1 Makoronike 16:36; 1 VaKorinde 14:16.

MAPINDURIRO ANOITA MWARI MINYENGETERO YEDU

16. Ichokwadi here kuti Jehovha anopindura minyengetero yedu? Tsanangura.

16 Ichokwadi here kuti Jehovha anopindura minyengetero yedu? Hongu anopindura. Bhaibheri rinomuti “Munzwi wemunyengetero.” (Pisarema 65:2) Jehovha anonzwa uye anopindura minyengetero yemamiriyoni evanhu inobva pamwoyo uye anozviita nenzira dzakasiyana-siyana.

17. Jehovha anoshandisa sei ngirozi uye vashumiri vake panyika kupindura minyengetero yedu?

17 Jehovha anoshandisa ngirozi uye vashumiri vake vari panyika kupindura minyengetero yedu. (VaHebheru 1:13, 14) Kune vanhu vakawanda vakanyengetera vachida kubatsirwa kunzwisisa Bhaibheri, vakabva vashanyirwa neZvapupu zvaJehovha vachangopedza kunyengetera. Bhaibheri rinoratidza kuti ngirozi dziri kubatsirawo pabasa rekuzivisa “mashoko akanaka” munyika yese. (Verenga Zvakazarurwa 14:6.) Uyewo vakawanda vedu takambonyengetera kuna Jehovha nezverimwe dambudziko kana kuti chimwe chinhu chataida, tikazobatsirwa neimwe hama kana kuti hanzvadzi yechiKristu.—Zvirevo 12:25; Jakobho 2:16.

Jehovha anogona kupindura minyengetero yedu achishandisa vamwe vaKristu

18. Jehovha anoshandisa sei mweya mutsvene wake uye Bhaibheri kupindura minyengetero?

18 Jehovha anoshandisa mweya mutsvene wake kupindura minyengetero yedu. Patinonyengetera tichida kubatsirwa kutsungirira rimwe dambudziko, anogona kushandisa mweya mutsvene wake kutitungamirira uye kutisimbisa. (2 VaKorinde 4:7) Jehovha anoshandisawo Bhaibheri kupindura minyengetero yedu uye kutibatsira kuita zvisarudzo zvekuchenjera. Patinoverenga Bhaibheri, tinogona kuwana magwaro achatibatsira. Jehovha anogonawo kuita kuti mumwe munhu ape mhinduro inotibatsira pamisangano kana kuita kuti mumwe mukuru muungano ataure nesu imwe pfungwa inowanika muBhaibheri.—VaGaratiya 6:1.

19. Nei dzimwe nguva zvichiita sekuti Jehovha haapinduri minyengetero yedu?

19 Asi dzimwe nguva tinogona kuti, ‘Ko inga Jehovha haasi kupindura minyengetero yangu wani?’ Yeuka kuti anoziva nguva yekupindura uye mapinduriro aanofanira kuita minyengetero yedu. Anoziva zvatinoda. Pamwe pacho tingatofanira kuramba tichinyengetera kuti tiratidze kuti tiri kurevesa pane zvatinenge tichitaura uye kuti timuratidze kuti tine kutenda maari. (Ruka 11:5-10) Dzimwe nguva Jehovha anopindura minyengetero yedu nenzira yatinenge tisingatarisiri. Tinogona kunyengetera nezverimwe dambudziko, asi panzvimbo pekuribvisa, anogona kutipa simba rekuritsungirira.—Verenga VaFiripi 4:13.

20. Nei tichifanira kugara tichinyengetera kuna Jehovha?

20 Chokwadi kunyengetera kuna Jehovha chipo chinoshamisa! Tinogona kuva nechivimbo chekuti achatinzwa. (Pisarema 145:18) Uye kugara tichinyengetera kuna Jehovha zvichibva pamwoyo kuchawedzera kusimbisa ushamwari hwedu naye.