Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHITSAUKO 19

Ramba Uri Pedyo naJehovha

Ramba Uri Pedyo naJehovha

1, 2. Tingahwanda kupi pamatambudziko edu?

FUNGIDZIRA uchifamba kunze kuchivhuvhuta. Denga rinotanga kukwidibira, kwotanga kupenya kuchitinhira. Pasina nguva mvura inotanga kutsvotsvoma. Unotanga kutsvaga pekuhwanda. Unotura mafemo paunowana pekuhwanda pasiri kupinda mvura!

2 Isuwo tiri mumamiriro ezvinhu akadaro. Nyika iri kuwedzera kuipa. Unogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndingahwanda kupi?’ Munyori werimwe pisarema akanyora kuti: “Ndichati kuna Jehovha: ‘Ndimi nzvimbo yangu yekupotera nenhare yangu, Mwari wangu wandinovimba naye.’” (Pisarema 91:2) Kureva kuti Jehovha anogona kutizorodza pamatambudziko edu iye zvino uye anotipa tariro inofadza yeramangwana.

3. Tingaita sei kuti Jehovha ave nzvimbo yedu yekupotera?

3 Jehovha angatidzivirira sei? Anogona kutibatsira kutsungirira chero dambudziko ratiinaro, uye ane simba kupfuura ani zvake angaedza kutiitira zvakaipa. Kunyange pakava nezvakaipa zvinoitika kwatiri iye zvino, tine chokwadi kuti Jehovha achazvigadzirisa mune ramangwana. Bhaibheri rinotikurudzira kuti: “[Rambai] muri murudo rwaMwari.” (Judha 21) Tinofanira kuramba tiri pedyo naJehovha kuti atibatsire munguva dzakaoma. Asi tingazviita sei izvozvo?

KOSHESA RUDO RWAWAKARATIDZWA NAMWARI

4, 5. Jehovha akaratidza sei kuti anotida?

4 Kuti tirambe tiri pedyo naJehovha, tinofanira kufunga nezvekuti anotida zvakadzama sei. Funga zvese zvatakaitirwa naJehovha. Akatipa nyika yatinogara yakanaka akaizadza nemaruva, miti, nemhuka zvinoyevedza. Akatipawo zvekudya zvinonaka nemvura yekunwa yakachena. Achishandisa Bhaibheri, Jehovha akatidzidzisa zita rake uye akaita kuti tizive zvaari. Akatoita zvinopfuura ipapo nekutuma panyika Mwanakomana wake anodiwa, Jesu, kuti azotifira. (Johani 3:16) Uye chibayiro ichocho chinoita kuti tive netariro inofadza yeramangwana.

5 Jehovha akaita kuti pave neUmambo hwaMesiya, hurumende yake yekudenga ichapedza kutambura kwese munguva pfupi iri kutevera. Umambo huchaita kuti nyika ive paradhiso, vanhu vese vachigara murunyararo uye vachifara nekusingaperi. (Pisarema 37:29) Imwe nzira yatakaratidzwa nayo rudo naJehovha ndeyekutidzidzisa mararamiro akanakisisa atingaita iye zvino. Anotiudzawo kuti tinyengetere kwaari, uye anogara akagadzirira kunzwa minyengetero yedu. Jehovha akaratidza zviri pachena kuti anotida tese.

6. Ungaratidza sei kuti unokoshesa rudo rwawakaratidzwa naJehovha?

6 Ungaratidza sei kuti unokoshesa rudo rwawakaratidzwa naJehovha? Muratidze kuti unotenda zvese zvaakakuitira. Zvinosuwisa kuti vakawanda mazuva ano havatendi zvavanenge vaitirwa. Ndizvo zvaiita vanhu panguva yakararama Jesu pasi pano. Mumwe musi, Jesu akaporesa vanhu gumi vaiva nemaperembudzi, asi mumwe chete ndiye akamutenda. (Ruka 17:12-17) Isu tinoda kuva semurume akatenda zvaakaitirwa naJesu. Nguva dzese tinoda kutenda Jehovha nezvaakatiitira.

7. Kuda kwatinoita Jehovha kunofanira kuva kwakadzama zvakadii?

7 Tinofanirawo kuratidza kuti tinoda Jehovha. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vanofanira kuda Jehovha nemwoyo wavo wese, nemweya wavo wese, uye nepfungwa dzavo dzese. (Verenga Mateu 22:37.) Izvozvo zvinorevei?

8, 9. Tingaratidza sei Jehovha kuti tinomuda?

8 Zvakakwana here kungotaura kuti tinoda Jehovha? Kwete. Kana tichida Jehovha nemwoyo wedu wese, nemweya wedu wese, uye nepfungwa dzedu dzese, tichazviratidza nezviito zvedu. (Mateu 7:16-20) Bhaibheri rinodzidzisa zvakajeka kuti kana tichida Mwari, tichateerera mirayiro yake. Zvakaoma here izvozvo? Hazvina kuoma, nekuti “mirayiro [yaJehovha] hairemi.”—Verenga 1 Johani 5:3.

9 Kana tichiteerera Jehovha, tinorarama upenyu hunofadza uye hunogutsa. (Isaya 48:17, 18) Asi chii chichatibatsira kuramba tiri pedyo naJehovha? Ngationei.

RAMBA UCHISWEDERA PEDYO NAJEHOVHA

10. Nei uchifanira kuramba uchidzidza nezvaJehovha?

10 Wakava sei shamwari yaJehovha? Kudzidza kwawaiita Bhaibheri kwakakubatsira kuti uwedzere kuziva Jehovha uye wakava neushamwari naye. Ushamwari ihwohwo hwakafanana nemoto waunoda kuti urambe uchibvira. Kuti moto urambe uchibvira, unofanira kuramba uchikuchidzirwa, saka kana uchidawo kuti ushamwari hwako naJehovha hurambe hwakasimba, unofanira kuramba uchidzidza nezvake.—Zvirevo 2:1-5.

Kungofanana nemoto, kuda kwaunoita Jehovha kunofanira kukuchidzirwa kuti kurambe kuchibvira

11. Uchanzwa sei paunenge uchidzidza zviri muBhaibheri?

11 Paucharamba uchidzidza Bhaibheri, uchadzidza zvinhu zvichakubaya mwoyo. Cherechedza zvakaitwa nevamwe vadzidzi vaJesu vaviri paaivatsanangurira uprofita hweBhaibheri. Vakati: “Hatina here kunzwa kutsva kwanga kuchiita mwoyo yedu paanga achitaura nesu mumugwagwa achinyatsotizarurira Magwaro!”—Ruka 24:32.

12, 13. (a) Kuda kwatinoita Mwari kunogona kuita sei? (b) Tingaita sei kuti kuda kwatinoita Jehovha kurambe kwakasimba?

12 Sezvakangoitawo vadzidzi pavakanzwisisa Magwaro, iwe unogona kunge wakafadzwawo saizvozvo pawakatanga kunzwisisa Bhaibheri. Izvi zvakakubatsira kuziva Jehovha uye kumuda. Haungambodi kurega rudo irworwo ruchitonhora.—Mateu 24:12.

13 Kana wangova shamwari yaMwari, unofanira kushanda nesimba kusimbisa ushamwari ihwohwo. Unofanira kuramba uchidzidza nezvake uye nezvaJesu uchifungisisa zvauri kudzidza woona kuti ungazvishandisa sei muupenyu hwako. (Johani 17:3) Paunoverenga kana kudzidza Bhaibheri, zvibvunze kuti: ‘Izvi zvinondidzidzisei nezvaJehovha Mwari? Nei ndichifanira kumuda nemwoyo wangu wese uye nemweya wangu wese?’—1 Timoti 4:15.

14. Munyengetero unobatsira sei kuti kuda kwatinoita Jehovha kurambe kwakasimba?

14 Kana uine shamwari yaunoda, unogara uchitaura nayo, uye izvi zvinoita kuti ushamwari hwenyu hurambe hwakasimba. Ndizvo zvinoitikawo kana tichigara tichitaura naJehovha mumunyengetero. Kumuda kwatinoita kunoramba kwakasimba. (Verenga 1 VaTesaronika 5:17.) Munyengetero chipo chinoshamisa chatakapiwa naBaba vedu vekudenga. Tinofanira kugara tichitaura navo zvinobva pamwoyo. (Pisarema 62:8) Hatifaniri kudzokorora minyengetero yatakadzidzira nemusoro, asi tinofanira kunyengetera zvichibva pamwoyo. Kana tikaramba tichidzidza Bhaibheri uye tichinyengetera zvinobva pamwoyo, tichaita kuti kuda kwatinoita Jehovha kurambe kwakasimba.

KUTAURA NEVAMWE NEZVAJEHOVHA

15, 16. Unoona sei basa rekuparidza?

15 Kana tichida kuramba tiri pedyo naJehovha, tinofanirawo kutaura nevamwe nezvekutenda kwedu. Kutaura nevamwe nezvaJehovha chipo chinoshamisa. (Ruka 1:74) Uye iri ibasa rakapiwa vaKristu vese vechokwadi naJesu. Mumwe nemumwe wedu anofanira kuparidza mashoko akanaka eUmambo hwaMwari. Wakatotanga kuita basa iri here?—Mateu 24:14; 28:19, 20.

16 Muapostora Pauro aikoshesa zvikuru basa rekuparidza zvekuti akariti “pfuma.” (2 VaKorinde 4:7) Kuudza vamwe nezvaJehovha uye nezvechinangwa chake ndiro basa rinokosha kupfuura mamwe ese raunogona kuita. Ndiyo nzira yaunofanira kushumira nayo Jehovha, uye anokoshesa zvaunomuitira. (VaHebheru 6:10) Kuparidza kunobatsirawo iwe nevaya vanokuteerera kuswedera pedyo naJehovha uye kuwana upenyu husingaperi. (Verenga 1 VaKorinde 15:58.) Unofunga kuti pangava nerimwe basa ringakugutsa zvakadaro here?

17. Nei basa rekuparidza riri kufanira kuitwa nekukurumidza?

17 Basa rekuparidza riri kufanira kuitwa nekukurumidza. Tinofanira kuparidza “shoko” uye tinofanira kudaro tichiita “zvekukurumidza.” (2 Timoti 4:2) Vanhu vanofanira kunzwa nezveUmambo hwaMwari. Bhaibheri rinoti: “Zuva guru raJehovha rava pedyo! Rava pedyo, uye riri kukurumidza kusvika!” Mugumo ‘hauzononoki.’ (Zefaniya 1:14; Habhakuki 2:3) Munguva pfupi iri kutevera Jehovha achaparadza nyika yaSatani yakaipa. Izvozvo zvisati zvaitika, vanhu vanofanira kunyeverwa kuitira kuti vasarudze kushumira Jehovha.

18. Nei tichifanira kunamata Jehovha tiri pamwe nevamwe vaKristu vechokwadi?

18 Jehovha anoda kuti timunamate tiri pamwe nevamwe vaKristu vechokwadi. Bhaibheri rinoti: “Ngativei nehanya nemumwe nemumwe, kuitira kuti tikurudzirane kuva nerudo uye kuita mabasa akanaka, tisingaregi kuungana kwedu, setsika ine vamwe, asi tikurudzirane, zvikurukuru muchiona zuva richiswedera kudai.” (VaHebheru 10:24, 25) Tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti tive pamisangano yese. Misangano inotipa mikana yekukurudzirana nekusimbisana.

19. Chii chingatibatsira kuda hama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu?

19 Paunopinda misangano, uchawana shamwari dzakanaka idzo dzichakubatsira kunamata Jehovha. Uchasangana nehama nehanzvadzi dzakasiyana-siyana dziri kuita zvese zvadzinogona sezvauri kuitawo, kuti dzimunamate. Uye vakafananawo newe pakuti vanombokanganisawo nekuti vane chivi. Kana vakakukanganisira, iva akagadzirira kuvaregerera. (Verenga VaKorose 3:13.) Pfungwa dzako ngadzigare dziri pazvakanaka zvinoitwa nehama nehanzvadzi dzako dzechiKristu, nekuti izvi zvichakubatsira kuti udzide uye uwedzere kuswedera pedyo naJehovha.

UPENYU CHAIHWO

20, 21. Chii chinonzi “upenyu chaihwo”?

20 Jehovha anoda kuti shamwari dzake dzese dzive neupenyu hwakanakisisa. Bhaibheri rinotidzidzisa kuti mune ramangwana upenyu hwedu huchange hwakasiyana zvachose nezvahuri nhasi.

Jehovha anoda kuti uwane “upenyu chaihwo.” Uchahuwana here?

21 Mune ramangwana, tichararama nekusingaperi, kwete kwemakore 70 kana 80 chete. Tichava ‘neupenyu husingaperi’ muparadhiso tiri murunyararo, tiine utano, nemufaro. Ihwohwo ndihwo hunonzi neBhaibheri “upenyu chaihwo.” Jehovha anovimbisa kutipa upenyu hwakadaro, asi isu tinofanira kuita zvese zvatinogona kuti ‘tihubatisise.’—1 Timoti 6:12, 19.

22. (a) Tingaita sei kuti tibatisise “upenyu chaihwo”? (b) Nei tisingagoni kubhadhara Mwari kuti tipiwe upenyu husingaperi?

22 Tingaita sei kuti tibatisise “upenyu chaihwo”? Tinofanira ‘kuita zvakanaka’ uye ‘kuva vakapfuma pamabasa akanaka.’ (1 Timoti 6:18) Izvi zvinoreva kuti tinofanira kushandisa zvatinodzidza muBhaibheri. Asi upenyu chaihwo haubvi pakuti tashanda nesimba zvakadii. Hatifi takakwanisa kubhadhara Mwari kuti atipe upenyu husingaperi. Ihwo chipo chinopiwa naJehovha kuvashumiri vake vakatendeka, chinoratidza “nyasha” dzake. (VaRoma 5:15) Baba vedu vekudenga vanodisisa kupa vashumiri vavo vakatendeka chipo ichi.

23. Nei uchifanira kusarudza nekuchenjera iye zvino?

23 Zvibvunze kuti, ‘Ndiri kunamata Mwari nenzira yaanoda here?’ Kana ukaona kuti pane paunofanira kugadzirisa, ibva watogadzirisa. Kana tikavimba naJehovha uye tikaita zvese zvatinogona kuti timuteerere, Jehovha achava nzvimbo yedu yekutizira. Achachengetedza vanhu vake vakatendeka mumazuva ekupedzisira enyika yaSatani. Jehovha achabva ava nechokwadi chekuti tararama nekusingaperi muParadhiso, sezvaakavimbisa. Unogona kuwana upenyu chaihwo kana ukasarudza nekuchenjera iye zvino!