Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MUBVUNZO 5

Ndoita Sei Kana Vamwe Vachindinetsa Kuchikoro?

Ndoita Sei Kana Vamwe Vachindinetsa Kuchikoro?

NEI UCHIFANIRA KUZVIZIVA?

Zvauchaita zvinogona kuita kuti usanyanya kushungurudzwa kana kuti zvitowedzera.

WAIZOITA SEI?

Chimbofungidzira izvi: Nhasi Thomas haasi kuda zvekuenda kuchikoro. Haachatombodi zvekutsikako. Zvakatanga mwedzi mitatu yapfuura vamwe vekuchikoro kwake pavakafambisa makuhwa asingaiti nezvake. Vakazotanga kumuwanzira vachimupa mazita ekumutsvinyira. Dzimwe nguva mumwe aigona kudhumha Thomas, mabhuku ake obva adonha zvoita sekuti itsaona. Pamwe pacho vamwe vaigona kufamba vari chikwata kumashure kwaThomas mumwe wavo omusundidzira. Thomas paaizotendeuka vese vaibva vaita sekuti hapana chaitika. Izvi zviri nani pane zvakazoitika nezuro. Akatarisa paIndaneti akaona mashoko ekumutyisidzira aiti . . .

Dai uriwe Thomas, waizoita sei?

CHIMBOMIRA UFUNGE!

Usatya hako! Unokwanisa kuita kuti vamwe vasakushungurudza asi usingavarovi. Ungazviita sei?

  • USARATIDZA KUGUMBUKA. Bhaibheri rinoti: “Benzi rinobudisa hasha dzaro dzose, asi munhu akachenjera anoramba akadzikama kusvikira pakupedzisira.” (Zvirevo 29:11) Kana ukaramba wakadzikama vanogona kubva vasiyana newe.

  • USADZORERA. Bhaibheri rinoti: “Usadzorera chakaipa nechakaipa kuna ani naani zvake.” (VaRoma 12:17) Ukada kutsiva zvinhu zvinotozowedzera kuipa.

  • TAMBIRA KURE NAVO. Bhaibheri rinoti: “Munhu ane njere anoona dambudziko ovanda.” (Zvirevo 22:3) Kana zvichiita, tambira kure nevanhu vanoshungurudza vamwe.

  • ITA ZVAVANGA VASINGAFUNGIRI. Bhaibheri rinoti: “Mhinduro, kana iri nyoro, inodzora kutsamwa.” (Zvirevo 15:1) Unogona kuita zvinhu zvinosetsa. Somuenzaniso, kana munhu achikuwanzira achiti wakafuta, unogona kumupindura uchiti, “Ishuwa wena, ndiri kutoedzawo kuti nditi dzikirei!”

  • IBVA PANZVIMBO YACHO. Nora ane makore 19 anoti: “Kunyarara kunoratidza kuti wakura uye unofunga kudarika munhu ari kukunetsa. Zvinoratidza kuti unogona kuzvidzora. Vanhu vanokushungurudza havakwanisi kuzviita.”2 Timoti 2:24.

  • RATIDZA KUSATYA. Vanhu vanoshungurudza vamwe vanogona kuzviona kuti unotya uye kuti chero vakaita zvavanoda newe haudzoreri. Vanhu vakawanda havazorambi vachikunetsa kana vakaona kuti zvavari kuita hazvisi kushanda.

  • UDZA MUMWE MUNHU. Mumwe aimbova mudzidzisi akati: “Ndinokurudzira munhu wese anenge achishungurudzwa kuti amhan’are. Kuita izvi kwakanaka uye kuchabatsira kuti vamwe vasashungurudzwa.”

Ukaratidza kuti hausi kutya zvichaita kuti munhu anokushungurudza asaita zvaanoda newe