Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MUBVUNZO 8

Ndodii Kana Ndashungurudzwa Panyaya Dzepabonde?

Ndodii Kana Ndashungurudzwa Panyaya Dzepabonde?

NEI UCHIFANIRA KUZVIZIVA?

Gore negore mamiriyoni evanhu anobatwa chibharo kana kuti anoshungurudzwa panyaya dzepabonde uye zvinonyanya kuitirwa vechidiki.

WAIZOITA SEI?

Annette akangoerekana adonhedzerwa pasi nemunhu aida kumubata chibharo. Anoti, “Ndakaedza kuita zvese zvandaigona kuti andisiye. Ndakaedza kuridza mhere asi zvakaramba. Ndakamusundidzira, ndikamukava, ndikamurova uye ndikamumara. Ndakazonzwa ndakubayiwa nebanga ndichibva ndangopera simba.”

Dai uriwe Annette waizoita sei?

CHIMBOMIRA UFUNGE!

Kunyange zvazvo ungaedza kuva munhu akangwarira paunenge uchifamba usiku, zvinhu zvakaipa zvinogona kungoitika. Bhaibheri rinoti dzimwe nguva ‘vanomhanya kwazvo havasi ivo vanokunda panhangemutange, kunyange vaya vane zivo havasi ivo vanobudirira nokuti vose vanowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.’Muparidzi 9:11.

Vamwe vanoshungurudzwa nevanhu vavasingazivi sezvakaitika kuna Annette. Vamwe vanoshungurudzwa nevanhu vavanoziva kunyange veukama chaivo. Natalie paaiva nemakore 10 akashungurudzwa nemumwe mukomana wekumaraini kwavo. Anoti, “Ndaitya uye ndainyara zvekuti mazuva ekutanga handina wandakaudza.”

HAISI MHOSVA YAKO

Annette achiri kungozvipa mhosva nemhaka yezvakaitika. Anoti, “Ndinogara ndichingofunga zvakaitika usiku ihwohwo. Ndinofunga kuti handina kunyatsomurwisa zvakakwana kuti andisiye. Paakandibaya nebanga ndakabva ndapera simba nekutya. Hapana zvandaikwanisa kuita, asi mwoyo wangu unondiudza kuti ndaigona kumbomira-mira.”

Natalie anonetsekawo nekuzvipa mhosva. Anoti, “Neniwo ndakazonyanya kumuvimba. Vabereki vangu vaigara vachindiudza kuti kana ndikaenda panze kunotamba, ndinofanira kunge ndiine munin’ina wangu asi handina kuteerera. Saka ndinoona sekuti ndini ndakapa mukomana uyu mukana. Vanhu vekumba kwedu vakarwadziwa, uye ndinozvipa mhosva. Ndizvo zvinoita kuti ndigare ndichinetseka.”

Kana uchinzwa sezviri kuita Annette kana kuti Natalie, yeuka kuti munhu anobatwa chibharo anenge asingadi. Vamwe vanhu vanorerutsa nyaya dzekubatwa chibharo vachiti, ndizvo zvinoita vakomana kana kuti wacho anenge abatwa ndizvo zvaanga achida. Asi hapana munhu anganzi akakodzera kubatwa chibharo. Kana wakamboitirwa utsinye hwakadaro ziva kuti haisi mhosva yako!

Zviri nyore kuverenga mashoko ekuti “haisi mhosva yako,” asi kuzvibvuma kwakaoma. Vamwe vanokuvarira mukati uye vanenge vachingozvipa mhosva. Asi kunyarara kunobatsira ani, iwe here kana kuti akubata chibharo? Pane chimwe chinhu chinobatsira chaunogona kuita.

UDZA MUMWE MUNHU

Bhaibheri rinotiudza kuti Jobho paakanga anyanya kuomerwa, akati: ‘Ndichataura ndichirwadziwa!’ (Jobho 10:1) Kutevedzera zvaakaita kunogona kukubatsira. Kuudza mumwe munhu waunovimba naye kunogona kukubatsira uye zvichaita kuti unzwe kurerukirwa.

Unogona kuremerwa nezviri kukudya mwoyo. Wadii kuudza mumwe munhu zviri kukunetsa.

Ndizvo zvakaitwa naAnnette uye zvakamubatsira. Anoti: “Ndine shamwari yangu yandakaudza uye yakanditi ndinoudza vakuru vemuungano yedu. Ndakanovaudza uye zvakabatsira. Vaipota vachitaura neni vachindibatsira kuona kuti zvese zvakaitika haisi mhosva yangu uye izvi zvakandinyaradza.”

Natalie akaudza vabereki vake zvakaitika. Anoti, “Vakandibatsira. Vakandikurudzira kuti ndisanyara kutaura, uye izvozvo zvakandibatsira kuti ndisaramba ndichikuvarira mukati.”

Kunyengetera kwakabatsirawo Natalie. Anoti, “Kuudza Mwari kwakandibatsira, kunyanya pandainzwa sekuti hapana mumwe munhu wandingaudza. Pandinonyengetera ndinonyatsotaura ndakasununguka. Ndinosara ndichinzwa kurerukirwa.”

Uchaonawo kuti ‘nguva yokupora’ ichasvika. (Muparidzi 3:3) Ita zvinhu zvinoita kuti ugare uri mutano. Nyatsowana nguva yekuzorora. Uye chinonyanya kukosha, vimba naJehovha, Mwari wekunyaradza kwose.2 VaKorinde 1:3, 4.

KANA WAKURA ZVEKUDANANA NEMUMWE MUNHU

Kana mukomana wako akatanga kuita zvinhu zvinoratidza kuti anoda kuita zvepabonde, hapana chakaipa nekunyatsomuudza kuti, “Handisi kuzvida!” kana kuti, “Ndisiye usandibata!” Usatya kuti unozorambwa. Zviri nani kurambirwa izvozvo! Mukomana kwaye ndeuya anoremekedza muviri wako uye tsika dzako.

UNOTI KUDII?

“Ndiri kuchikoro, vakomana vaindidhonza bra uye vachitaura mashoko asingaiti, akadai sokuti kana ndikarara navo, ndaizonakidzwa.”—Coretta.

Unofunga kuti vakomana ava

  1. Vaitamba here?

  2. Vaiita sevanomuda here?

  3. Vaimushungurudza panyaya dzepabonde here?

“Pataiva mubhazi mumwe mukomana akatanga kutaura mashoko akaora achindibata-bata. Ndakamurova paruoko ndichibva ndamuudza kuti andisiye. Akanditarisa zvokuda kundinyadzisa.”—Candice.

Unofunga kuti mukomana uyu aiitei kuna Candice?

  1. Aitamba here?

  2. Aiita seanomuda here?

  3. Aimushungurudza panyaya dzepabonde here?

“Gore rapera, mumwe mukomana aigara achindipfimba asi ndaimuudza kuti handidi. Dzimwe nguva aipuruzira ruoko rwangu. Ndaimuudza kuti asiyane nazvo asi aisateerera. Rimwe zuva pandaisunga bhutsu akandirova kumashure.”—Bethany.

Unofunga kuti mukomana uyu aiitei?

  1. Aitamba here?

  2. Aiita seanomuda here?

  3. Aimushungurudza panyaya dzepabonde here?

Pamibvunzo yose iri mitatu mhinduro ndiC.

Kushungurudza munhu panyaya dzepabonde kwakasiyana sei nokumuwanzira kana kuti kuita seunomuda?

Kushungurudza munhu panyaya dzepabonde kunenge kuchinakidza iye wacho ari kushungurudza. Kunyange ukamuudza kuti hauzvidi anongoramba achizviita.

Kushungurudzwa inyaya yakakura chaizvo. Munhu anogona kupedzisira abatwa chibharo.