Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

MUBVUNZO 10

Bhaibheri Ringandibatsira Sei Muupenyu?

Bhaibheri Ringandibatsira Sei Muupenyu?

NEI UCHIFANIRA KUZVIZIVA?

Bhaibheri rinoti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” (2 Timoti 3:16) Kana mashoko aya ari echokwadi, Bhaibheri rinogona kukutungamirira.

WAIZOITA SEI?

Chimbofungidzira izvi: David ari kutyaira asi nzvimbo yaari kuona itsva kwaari. Zvinhu zvaari kuona zvinomuratidza kuti arasika. Kunenge kuti pane mugwagwa waatora usiri iwo.

Dai uriwe David, waizoita sei?

CHIMBOMIRA UFUNGE!

Pane zvaunogona kuita:

  1. Kubvunza nzira.

  2. Kushandisa mepu kana kuti GPS.

  3. Kuramba uchityaira, uchingoti zvimwe uchawana nzira yauri kuda.

Kuita zviri paC hakunyatsobatsira.

Zviri paB zviri nani pane zviri paA nekuti mepu kana kuti GPS unenge uinazvo kuti zvikubatsire kusvika kwauri kuenda.

Ndizvo zvakaita Bhaibheri!

Ndiro bhuku rinotengwa kupfuura mamwe ese uye rinogona kukubatsira

  • mumatambudziko eupenyu

  • kuziva kuti uri munhu akaita sei uye wova neunhu hwakanaka

  • kuti urarame upenyu hune chinangwa

MHINDURO DZEMIBVUNZO INOKOSHA

Kubva patinongogona kutaura, tinobvunza mibvunzo.

  • Nei denga riri reblue?

  • Nyeredzi dzakagadzirwa nei?

Patinokura tinotanga kubvunza mibvunzo yezvinenge zvichiitika muupenyu.

Ko kana mhinduro dzemibvunzo iyi dzirimo muBhaibheri?

Vanhu vakawanda vanoti Bhaibheri munya, rizere nengano, kana kuti rakaoma kunzwisisa. Asi dambudziko riri paBhaibheri here kana kuti riri pane zvavakanzwa kuti ndizvo zvarinotaura? Havana kunyeperwa here?

Somuenzaniso, vanhu vanofunga kuti Bhaibheri rinoti Mwari ndiye ari kutonga pasi rose. Asi tingati ndiMwari here? Zviri kuitika panyika hazvichaiti! Pakazara nemarwadzo, kutambura, kurwara, rufu, urombo uye njodzi. Mwari ane rudo angakonzera zvose izvi here?

Unoda kuziva mhinduro yacho here? Zvimwe ungashamiswa nezvinotaurwa neBhaibheri nezvekuti ndiani ari kutonga pasi rose!

Pamwe watoona kuti mazano ari mubhuku rino anobva muBhaibheri. Zvapupu zvaJehovha zvinoti Bhaibheri ndiro rinogona kutitungamirira. Vanovimba naro nekuti ‘rakafuridzirwa naMwari uye rinobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu.’ (2 Timoti 3:16, 17) Kana ukaongorora bhuku iri rakanyorwa kare asi richiri kushanda mazuva ano, uchaona kubatsira kwarinoita!