Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 1

Mwari Akasika Denga Nenyika

Mwari Akasika Denga Nenyika

Jehovha Mwari ndiye Musiki wedu. Ndiye akasika zvinhu zvese, zvatinogona kuona uye zvatisingagoni kuona. Asati asika zvinhu zvatinokwanisa kuona, akatanga asika ngirozi dzakawanda chaizvo. Unoziva here kuti chii chinonzi ngirozi? Ngirozi vashumiri vaJehovha uye dzine miviri yakaita sewake. Sezvo tisingagoni kuona Mwari, hatigoniwo kuona ngirozi. Ngirozi yekutanga yakasikwa naJehovha ndiyo yakazomubatsira pane mamwe mabasa ose. Ngirozi iyoyo yakabatsira Jehovha pakusika nyeredzi, mapuraneti nezvimwe zvinhu zvese. Imwe yemapuraneti aya inyika yose, uye ndiwo musha wedu wakanaka.

Jehovha akabva atanga kugadzira nyika kuti ikwanise kugarwa nemhuka uye nevanhu. Akaita kuti chiedza chezuva chivheneke panyika. Akasika makomo, makungwa nenzizi.

Zvadaro chii chakazoitika? Jehovha akati: ‘Ndichasika uswa, miti nezvimwewo zvinomera.’ Marudzi akasiyana-siyana emichero, miriwo uye maruva, zvakabva zvatanga kumera. Jehovha akabva azosika mhuka​—dzinobhururuka, dzinogara mumvura, dzinokambaira nedzinonanaira. Akasika mhuka diki dzakadai setsuro, uyewo hombe dzakadai senzou. Ndeipi mhuka yaunonyanya kufarira?

Jehovha akabva ati kungirozi yekutanga: ‘Ngatisikei munhu.’ Vanhu vaizova vakasiyana nemhuka. Vaizokwanisa kugadzira zvinhu zvakasiyana-siyana. Vaizokwanisawo kutaura, kuseka uye kunyengetera. Vaifanira kuzochengeta nyika uyewo mhuka. Unoziva here kuti munhu wekutanga aiva ani? Ngationei.

“Pakutanga Mwari akasika matenga nenyika.”​—Genesisi 1:1