Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 2

Mwari Akasika Murume Nemukadzi Vekutanga

Mwari Akasika Murume Nemukadzi Vekutanga

Jehovha akagadzira munda munzvimbo yainzi Edheni. Munda wacho wakanga wakazara maruva, miti nemhuka. Mwari akabva asika munhu wekutanga, Adhamu, achishandisa guruva revhu uye akabva afuridzira mhepo yekufema mumhino dzake. Unoziva here kuti chii chakaitika? Munhu wacho akabva atanga kurarama! Jehovha akabva audza Adhamu kuti achengetedze munda wacho uye kuti ape mhuka dzese mazita.

Jehovha akapa Adhamu mutemo waikosha. Akaudza Adhamu kuti: ‘Unogona kudya michero yemiti yose, asi usadya michero yemuti uyu chete. Kana ukangoidya, uchafa.’

Pava paya, Jehovha akati: ‘Ndichasika mumwe munhu kuti abatsire Adhamu.’ Akabva aita kuti Adhamu arare hope huru, uye Mwari akabva atora mbabvu yaAdhamu imwe chete akaishandisa pakusika mudzimai waAdhamu. Zita rake ainzi Evha. Adhamu naEvha vakabva vava mhuri yekutanga. Ko Adhamu akaita sei paakapiwa mudzimai? Adhamu akafara chaizvo zvekuti akati: ‘Honai zvasikwa naJehovha achishandisa mbabvu yangu! Aa! Ndazowanawo akafanana neni.’

Jehovha akaudza Adhamu naEvha kuti vave nevana uye vazadze nyika yose. Aida kuti vanakidzwe nekushanda pamwe chete pakuita kuti nyika yose ive paradhiso, kana kuti paki yakanaka yakangofanana nemunda weEdheni. Asi zvinhu hazvina kuzofamba saizvozvo. Chii chakaitika? Tichadzidza nezvazvo muchitsauko chinotevera.

“Iye akavasika pakutanga akavaita munhurume nemunhukadzi.”​—Mateu 19:4