Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 3

Adhamu naEvha Havana Kuteerera Mwari

Adhamu naEvha Havana Kuteerera Mwari

Rimwe zuva Evha paakanga ari ega, nyoka yakataura naye. Yakati kwaari: ‘Ndizvo here kuti Mwari akakurambidzai kudya michero yemiti yese?’ Evha akati: ‘Tinogona hedu kudya michero yemimwe miti yese kunze kwemichero yemuti mumwe chete. Kana tikadya michero yemuti wacho, tinofa.’ Nyoka yacho ikati: ‘Hamumbofi. Mufunge henyu, kana mukadya michero yemuti wacho, munobva mafanana naMwari.’ Chaiva chokwadi here? Aiwa, kwaiva kunyepa. Asi Evha akabvuma kunyeperwa. Evha paakaramba akatarisa michero yacho, akabva atowedzera kuda kuidya. Akabva adya michero yacho uye akazopawo Adhamu. Adhamu aiziva kuti kana vakasateerera Mwari vaizofa. Asi akangodya zvakadaro.

Pava paya musi iwoyo, Jehovha akazotaura naAdhamu naEvha. Akavabvunza kuti sei vasina kumuteerera. Evha akati nyoka ndiyo yaiva nemhosva, uye Adhamu akatiwo Evha ndiye aiva nemhosva. Jehovha akadzinga Adhamu naEvha mumunda wacho nekuti vakanga vasina kumuteerera. Mwari akabva aisa ngirozi nebakatwa raitenderera richibvira moto panzira yaienda kumunda wacho, kuitira kuti Adhamu naEvha vasazopinda imomo zvakare.

Jehovha akataura kuti wacho ainge anyepera Evha aizorangwawo. Rakanga risiri inzwi renyoka chaiyoiyo rakataura naEvha. Jehovha haana kusika nyoka dzichigona kutaura. Imwe ngirozi yakaipa ndiyo yakaita kuti nyoka itaure. Yakaita izvozvo kuti inyengedze Evha. Ngirozi yacho inonzi Satani Dhiyabhorosi. Munguva iri mberi, Jehovha achaparadza Satani kuitira kuti asaramba achinyengedza vanhu kuti vaite zvakaipa.

“Dhiyabhorosi . . . akanga ari muurayi kubvira pakutanga, uye haana kumira zvakasimba muchokwadi, nekuti chokwadi hachisi maari.”​—Johani 8:44, mashoko emuzasi