Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 5

Areka yaNoa

Areka yaNoa

Nekufamba kwenguva, panyika pakatanga kuva nevanhu vakawanda. Vazhinji vacho vaiita zvakaipa. Kunyange dzimwewo ngirozi dzaiva kudenga dzakaitawo zvakaipa. Dzakasiya musha wadzo kudenga, dzikauya pasi pano. Unoziva here kuti nei dzakaita izvozvo? Dzaida kupfeka miviri yevanhu kuti dziroore vakadzi.

Ngirozi dziya dzakabereka vana nevakadzi vacho. Vana vacho vakanga vakasimba chaizvo uye vaiitira vanhu utsinye. Vaikuvadza vanhu. Jehovha haana kurega zvinhu izvozvo zvichingoramba zvichiitika. Saka akafunga kuparadza vanhu vakaipa achishandisa mafashamo.

Asi paiva nemumwe murume akanga akasiyana nevamwe vese. Aida Jehovha. Zita rake ainzi Noa. Aiva nemudzimai nevana vatatu vainzi Shemu, Hamu naJafeti, uye vaivawo nemadzimai avo. Jehovha akaudza Noa kuti agadzire areka yaizoponesa iye nemhuri yake paizoitika mafashamo. Areka yacho yaiva zibhokisi zihombe raiyangarara pamusoro pemvura. Jehovha akaudzawo Noa kuti apinze mhuka dzakawanda muareka yacho kuti dziponewo.

Noa akabva atotanga kuvaka areka yacho. Iye nemhuri yake vakaita makore anenge 50 vachiivaka. Vakavaka areka yacho vachinyatsotevedzera zvavakaudzwa naJehovha kuti vaite. Panguva iyoyo, Noa ainyevera vanhu kuti kwaizouya mafashamo. Asi hapana aimuteerera.

Nguva yekuti vapinde muareka yakazokwana. Ngatichionai kuti chii chakazoitika.

“Sezvakanga zvakaita zvinhu mazuva aNoa, ndizvo zvazvichaitawo pakuvapo kweMwanakomana wemunhu.”​—Mateu 24:37