Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 7

Shongwe yeBhabheri

Shongwe yeBhabheri

Mafashamo apera, vana vaNoa nemadzimai avo vakava nevana vakawanda. Mhuri dzavo dzakaramba dzichikura zvekuti vanhu vakatanga kupararira kwese kwese panyika sezvavakanga vaudzwa naJehovha kuti vaite.

Asi dzimwe mhuri hadzina kuteerera Jehovha. Vakati: ‘Ngativakei guta tirambe tichigara pano. Tichavaka shongwe yakareba kusvika kudenga chaiko. Uye tichabva tava nemukurumbira.’

Jehovha haana kufarira zvaiitwa nevanhu ivavo, saka akafunga kuvamisa. Unoziva here kuti akavamisa sei? Akabva aita kuti vatange kutaura mitauro yakasiyana. Sezvo vakanga vasingachakwanisi kunzwanana, vakabva vasiya basa racho rekuvaka. Guta ravaivaka rakazopiwa zita rekuti Bhabheri, zvinoreva kuti “Kuvhiringidzika.” Vanhu vakatanga kubva ipapo vachienda kunogara kwakasiyana-siyana panyika yese. Asi vakaramba vachiita zvinhu zvakaipa kunzvimbo idzodzo dzavakanga vaenda kunogara. Paivawo nevamwe vakanga vachiri kuda Jehovha here? Tichaona muchitsauko chinotevera.

“Munhu wese anozvikwidziridza achanyadziswa, asi wese anozvininipisa achakwidziridzwa.”​—Ruka 18:14