Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 10

Yeuka Mudzimai waRoti

Yeuka Mudzimai waRoti

Roti aigara munyika yeKenani naAbrahamu munin’ina wababa vake. Pava paya, Abrahamu naRoti vakava nezvipfuwo zvakawanda zvekuti vakanga vasingachakwanisi kuramba vachigara pamwe chete. Abrahamu akati kuna Roti: ‘Hazvichaiti kuti tirambe tichigara panzvimbo imwe chete. Saka iwewe chisarudza kuti unoda kuenda kudivi ripi, uye ini ndichaendawo kune rimwe racho.’ Wazviona here kuti Abrahamu aisangoda zvakamunakira iye chete?

Roti akaona kuti imwe nzvimbo yacho yainge yakanaka chaizvo pedyo neguta rainzi Sodhoma. Yaiva nemvura yakawanda uyewo uswa hwakasvibirira. Saka akasarudza nzvimbo iyoyo uye akabva atama akaenda kunogara ikoko nemhuri yake.

Vanhu vekuSodhoma nevekune rimwe guta raiva pedyo rainzi Gomora, vaiita zvakaipa chaizvo. Vanhu vacho vakanga vakaipa chaizvo zvekuti Jehovha akabva afunga kuparadza maguta iwayo. Asi Mwari aida kuponesa Roti nemhuri yake, saka akatumira ngirozi mbiri kuti dzivaudze kuti: ‘Kurumidzai! Budai muguta rino! Jehovha ari kuda kuriparadza.’

Asi Roti haana kubva abuda panguva iyoyo. Akaramba achingoverengera. Saka ngirozi dzacho dzakabata ruoko rwaRoti, rwemudzimai wake, nemaoko evanasikana vake vaviri dzikabuda navo muguta dzikati kwavari: ‘Mhanyai! Tizai kuti mupone, uye musacheuka. Kana mukacheuka munofa!’

Pavakasvika kuguta rinonzi Zoari, Jehovha akaita kuti muguta reSodhoma neGomora munaye moto nesarufa. Maguta acho ari maviri akabva aparadzwa zvachose. Mudzimai waRoti paasina kuteerera Jehovha ndokucheuka, akabva achinja kuva churu chemunyu! Asi Roti nevanasikana vake vakapona nekuti vakateerera Jehovha. Vanofanira kunge vakasuwa chaizvo nekuti amai vacho havana kuteerera. Saka zvakakosha chaizvo kuti titeerere zvinenge zvataurwa naJehovha.

“Yeukai mudzimai waRoti.”​—Ruka 17:32