Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 16

Jobho Aiva Ani?

Jobho Aiva Ani?

Munyika yainzi Uzi, maigara mumwe murume ainamata Jehovha. Zita rake ainzi Jobho. Aiva nepfuma yakawanda uye mhuri yakakura. Aiva nemutsa, uye aibatsira varombo, vakadzi vainge vafirwa nevarume, uyewo vana vainge vasina vabereki. Asi akanga asingazombosangani nematambudziko here nemhaka yekuti aiva munhu akanaka?

Jobho haana kuziva kuti Satani Dhiyabhorosi ainge akamutarisa achiona zvaaiita. Jehovha akati kuna Satani: ‘Waona here mushumiri wangu Jobho? Hapana akafanana naye panyika. Anonditeerera uye anoita zvakanaka.’ Satani akapindura kuti: ‘Ndizvozvo hazvo kuti Jobho anokuteererai. Munomudzivirira uye munomukomborera. Munomupa minda nezvipfuwo. Mutorerei zvese, uye achabva arega kukunamatai.’ Jehovha akati: ‘Muedze iwewe. Asi usamuuraya.’ Nei Jehovha akabvumira Satani kuti aedze Jobho? Aiva nechivimbo chekuti Jobho aizokunda miedzo yacho.

Satani akabva atanga kuedza Jobho nenjodzi dzakasiyana-siyana. Kutanga, akaita kuti vanhu vainzi vaSebhiya vabe mombe nemadhongi zvaJobho. Zvadaro, moto wakabva waparadza makwai ese aJobho. Rimwezve boka revanhu vainzi vaKadheya, rakabva raba ngamera dzake. Vashandi vaifudza zvipfuwo izvozvo vakaurayiwa. Kwakabva kwazouya dambudziko rairwadza kupfuura ese. Vana vake vese vakafa pavakadonherwa neimba yavakanga vachidyira. Jobho akarwadziwa chaizvo, asi haana kurega kunamata Jehovha.

Satani aitoda kuti Jobho awedzere kutambura, saka akaita kuti muviri wese waJobho uite maronda. Jobho airwadziwa chaizvo. Akanga asingambozivi kuti nei zvinhu zvese izvi zvaiitika kwaari. Asi, Jobho akangoramba achinamata Jehovha. Mwari akaona zvese izvi, uye akafadzwa chaizvo naJobho.

Satani akazotuma varume vatatu kuti vanoedza Jobho. Vakamuudza kuti: ‘Pamwe wakatadza ukabva waedza kuviga mhosva yako. Mwari ari kukuranga.’ Jobho akati: ‘Hapana chakaipa chandakaita.’ Asi akabva atanga kufunga kuti Jehovha ndiye aikonzera matambudziko ese aya, uye akatoti Mwari aimuitira zvakaipa.

Murume wechidiki ainzi Erihu akanga akanyarara hake achiteerera zvavaitaura. Akazotaurawo zvaaifunga achiti: ‘Zvamataura mese handizvo. Jehovha mukuru kupfuura zvatinofunga. Haangamboiti zvakaipa. Anoona zvinhu zvese uye anobatsira vanhu pamatambudziko avo.’

Jehovha akazotaura naJobho. Akati: ‘Wakanga uri kupi pandakasika denga nenyika? Sei uchitaura kuti ndinoita zvisina kururama? Uri kutaura, asi hausi kunzwisisa kuti nei zvinhu zvichiitika.’ Jobho akabvuma mhosva yake akabva ati: ‘Ndakakanganisa. Ndakanzwa nezvenyu, asi iye zvino ndava kunyatsokuzivai. Hapana chamusingagoni. Ndine urombo nezvandakataura.’

Muedzo wacho pawakazopera, Jehovha akaita kuti Jobho apore uye akamupa zvinhu zvakawanda kutopfuura zvaakanga ambori nazvo. Jobho akararama makore akawanda uye aifadza. Jehovha akakomborera Jobho nekuti aimuteerera kunyange pazvainge zvakaoma. Uchaita saJobho here woramba uchinamata Jehovha kunyange zvinhu zvikaoma?

“Makanzwa nezvekutsungirira kwaJobho uye makaona zvaakazoitirwa naJehovha.”​—Jakobho 5:11