Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 20

Mamwe Matambudziko 6 Anotevera

Mamwe Matambudziko 6 Anotevera

Mozisi naAroni vakaenda kunoudza Farao mashoko avakanga vaudzwa naMwari ekuti: ‘Kana ukaramba kuti vanhu vangu vaende, ndichatumira mbuo [kana kuti mazinhunzi anoruma vanhu] panyika.’ Mbuo dzakawanda dzakabva dzatanga kupinda mudzimba dzevaIjipiti vese, vapfumi nevarombo. Nyika yese yakazara nembuo. Asi munzvimbo yeGosheni, maigara vaIsraeri makanga musina mbuo. Kutangira padambudziko iri rechi4, matambudziko akanga ava kungoitika kuvaIjipiti chete. Farao akachema-chema achiti: ‘Ndikumbirireiwo kuna Jehovha kuti abvise mbuo idzi. Uye vanhu venyu vanogona kuenda.’ Asi Jehovha paakabvisa mbuo dziya, Farao akabva achinja pfungwa. Farao aizombodzidza chidzidzo here?

Jehovha akati: ‘Kana Farao akasaita kuti vanhu vangu vaende, zvipfuwo zvevaIjipiti zvichatanga kurwara zvofa.’ Mangwana acho, zvipfuwo zvakatanga kufa. Asi zvipfuwo zvevaIsraeri hazvina kufa. Kunyange zvakadaro Farao akangoramba achiomesa musoro, uye akaramba kuti vaende.

Jehovha akabva audza Mozisi kuti adzokere kuna Farao uye amwaye madota mumhepo. Madota acho akapfumbuka akazara pavaIjipiti vese uye akaita kuti vaIjipiti pamwe chete nemhuka dzavo vaite mamota anorwadza. Kunyange zvakadaro, Farao akaramba kuti vaIsraeri vaende.

Jehovha akatumazve Mozisi kuna Farao kuti anomuudza kuti: ‘Uchiri kurambidza vanhu vangu kuti vaende here? Mangwana, chimvuramabwe chichanaya panyika.’ Mangwana acho, Jehovha akatumira chimvuramabwe, mabhanan’ana uye moto. Kwakaitika dutu rakaipisisa risina kumbobvira raitika muIjipiti. Miti yese pamwe chete nezvirimwa zvakaparara, kunze kwezviya zvakanga zviri kuGosheni. Farao akati: ‘Kumbira Jehovha kuti abvise dambudziko iri! Mobva maenda henyu.’ Asi chimvuramabwe nemvura yacho pazvakangopera, Farao akaramba kuti vaende.

Mozisi akabva ati: ‘Iko zvino mhashu dzichadya zvirimwa zvese zvisina kuparadzwa nechimvuramabwe.’ Mhashu dzakawanda chaizvo dzakadya zvese zvakanga zvasara muminda uye pamiti. Farao akachema-chema achiti: ‘Kumbira Jehovha kuti abvise mhashu idzi.’ Asi kunyange Jehovha paakabvisa mhashu dzacho, Farao akangoramba akaoma musoro.

Jehovha akaudza Mozisi kuti: ‘Tambanudzira ruoko rwako mudenga.’ Ipapo ipapo, kwakabva kwaita rima risingaiti. VaIjipiti vakaita mazuva matatu vasingakwanisi kuona chero chii zvacho. VaIsraeri chete ndivo vaiva nechiedza mudzimba dzavo.

Farao akabva ati kuna Mozisi: ‘Iwe nevanhu vako munogona kuenda. Asi zvipfuwo zvenyu hazvisi kuenda.’ Mozisi akati: ‘Tinofanira kuenda nezvipfuwo zvedu kuti tinozvibayira sezvipo kuna Mwari wedu.’ Farao akatsamwa chaizvo. Akashevedzera nehasha achiti: ‘Ibva pano! Ndikakuona futi, ndinokuuraya.’

“Muchaonazve kusiyana kwakaita munhu akarurama nemunhu akaipa, nekwakaita munhu anoshumira Mwari neasingamushumiri.”​—Maraki 3:18