Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 21

Dambudziko Rechi10

Dambudziko Rechi10

Mozisi akaudza Farao kuti akanga asiri kuzoedza kuonanazve naye. Asi asati abva pamberi paFarao, akamuudza kuti: ‘Pakati peusiku, matangwe ese evaIjipiti achafa, kubvira kumwanakomana waFarao kusvikira kuvanakomana vevaranda.’

Jehovha akaudza vaIsraeri kuti vaite mabiko anokosha. Akati: ‘Urayai gwai gono kana kuti mbudzi hono yava negore rimwe chete, moisa rimwe reropa rayo pamativi emadhoo enyu. Gochai nyama yacho, muidye nechingwa chisina mbiriso. Pfekai hembe neshangu dzenyu mugadzirire kuenda. Manheru ano, ndichakusunungurai.’ Funga kuti vaIsraeri vakafara sei?

Pava pakati peusiku, ngirozi yaJehovha yakaenda padzimba dzese dzemuIjipiti. Padzimba dzese dzakanga dzisina kuzorwa ropa padhoo, dangwe repo raifa. Ngirozi yacho payaisvika paimba yakanga iine ropa padhoo, yaibva yapfuura. Mhuri imwe neimwe yevaIjipiti, yakafirwa nedangwe, vese vapfumi nevarombo. Asi hapana kana mwana wevaIsraeri akafa.

Kunyange mwanakomana waFarao akafawo. Farao akarwadziwa chaizvo. Akabva audza Mozisi naAroni kuti: ‘Simukai. Ibvai muno. Endai munonamata Mwari wenyu. Torai mhuka dzenyu muende!’

VaIsraeri vakabuda muIjipiti, vakarongwa semhuri uye madzinza, uye vaifamba vachivhenekerwa nemwedzi wakajeka. Paiva nevarume vechiIsraeri 600 000, uye paivawo nevakadzi nevana vakawanda. Uye, pane vamwe vanhu vakawanda vakaenda navo kuti vanonamatawo Jehovha. Iye zvino vaIsraeri vakanga vazosunungurwa!

Kuti vayeuke kununurwa kwavakanga vaitwa naJehovha, gore negore vaIsraeri vaifanira kuita mabiko anokosha akafanana neavakanga vamboita. Mabiko acho ainzi Paseka, zvinoreva kuti kupfuura.

“Ndaita kuti urambe uchirarama nechikonzero ichi: kuti ndikushandise kuratidza simba rangu uye kuti zita rangu riziviswe panyika yese.”​—VaRoma 9:17