Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 25

Tebhenekeri Yekunamatira

Tebhenekeri Yekunamatira

Mozisi paakanga ari paGomo reSinai, Jehovha akamuudza kuti avake tende rinokosha chaizvo rinonzi tebhenekeri, kuti vaIsraeri vazonamatira Jehovha imomo. Vaizokwanisa kutakura tebhenekeri vachienda nayo kwese kwavaienda.

Jehovha akati: ‘Udza vanhu kuti vape zvavanenge vachikwanisa kuitira kuti vabatsire kuti tebhenekeri ivakwe.’ VaIsraeri vakapa goridhe, sirivha, mhangura, matombo anokosha, uye zvishongo. Vakapawo shinda, rineni, matehwe emhuka nezvimwe zvakawanda. Vakapa zvakawanda chaizvo zvekuti Mozisi akavaudza kuti: ‘Zvakwana! Chiregai kuuya nezvimwe.’

Varume nevakadzi vakawanda vaiva neunyanzvi vakabatsira pakuvaka tebhenekeri. Jehovha akavapa uchenjeri hwekuti vagone kuita basa racho. Vamwe vaiita zvekuruka neshinda, kusona machira, kana kumenda. Vamwe vaiveza matombo, vaishanda negoridhe kana kuti vaiveza matanda.

Vanhu vakavaka tebhenekeri vachinyatsotevedzera zvavakanga vanzi vaite naJehovha. Vakagadzira keteni rakanaka kuti rikamure tebhenekeri kuita mativi maviri, Nzvimbo Tsvene uye Nzvimbo Tsvenetsvene. MuNzvimbo Tsvenetsvene maiva neareka yesungano iyo yakanga yakagadzirwa nemuti wemubayamhondoro negoridhe. MuNzvimbo Tsvene makanga muine chigadziko chemarambi chegoridhe, tafura uye atari yekupisira rusenzi. Muchivanze maiva nebheseni hombe remhangura uye atari hombe. Areka yesungano yaiyeuchidza vaIsraeri nezvevimbiso yavakanga vaita yekuti vaizoteerera Jehovha. Unoziva here kuti sungano chii? Ivimbiso inokosha.

Jehovha akasarudza Aroni nevanakomana vake kuti vashande patebhenekeri sevapristi. Vaifanira kuchengeta tebhenekeri yacho zvakanaka uye ikoko ndiko kwavaifanira kupira zvibayiro kuna Jehovha. Mupristi mukuru chete, Aroni, ndiye aibvumidzwa kupinda muNzvimbo Tsvenetsvene. Aiita izvi kamwe chete pagore kuti ape chibayiro chezvivi zvake, zvemhuri yake, uye zvevaIsraeri vese.

Papera gore kubva pavakabuda muIjipiti, vaIsraeri vakapedza kugadzira tebhenekeri. Iye zvino vakanga vava nenzvimbo yekunamatira Jehovha.

Jehovha akafadzwa netebhenekeri, akabva aita kuti gore riuye pamusoro payo. Chero bedzi paiva negore pamusoro petebhenekeri, vaIsraeri vairamba vari pavainge vari. Asi gore paraisimuka, vaiziva kuti yakanga yava nguva yekuti vatame. Vaiputsa tebhenekeri vobva vatevera gore racho.

“Ndakabva ndanzwa inzwi guru richibva kuchigaro cheumambo richiti: ‘Tarirai! Tende raMwari riri pakati pevanhu, iye achagara navo, uye ivo vachava vanhu vake. Mwari pachake achava navo.’”​—Zvakazarurwa 21:3