Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 28

Dhongi raBharami Rinotaura

Dhongi raBharami Rinotaura

VaIsraeri vainge vari murenje kwemakore anoda kusvika 40. Vakanga vatokunda maguta akawanda. Iye zvino, zvavakanga vavaka musasa pamapani eMoabhi kumabvazuva kweRwizi rwaJodhani, yakanga yava nguva yekuti vapinde muNyika Yakapikirwa. Bharaki mambo weMoabhi akatya kuti vaizomutorera nyika yake. Saka akashevedza murume ainzi Bharami kuti auye kuMoabhi kuti azotuka vaIsraeri, izvo zvinoreva kushuvira kuti zvakaipa zviitike kwavari.

Asi Jehovha akaudza Bharami kuti: ‘Haufaniri kutuka vaIsraeri.’ Saka Bharami akaramba kuenda. Mambo Bharaki akamushevedza kechipiri ndokubva amuvimbisa kuti aizomupa chero chaaida. Kunyange zvakadaro, Bharami akaramba. Mwari akabva azomuudza kuti: ‘Unogona kuenda hako, asi unofanira kutaura zvinhu zvandichakuudza chete.’

Bharami akakwira padhongi rake akaenda kuMoabhi. Akaronga kuti anotuka vaIsraeri, kunyange zvazvo akanga audzwa naJehovha kuti asadaro. Ngirozi yaJehovha yakauya munzira katatu. Bharami haana kuona ngirozi yacho asi dhongi rake rakaiona. Pakutanga, dhongi racho rakambotsauka mumugwagwa rikapinda musango. Zvadaro, dhongi racho rakafamba rakazembera mudhuri wematombo richibva radzvanyidzira tsoka yaBharami pauri. Pakupedzisira, dhongi racho rakabva rarara pasi, pakati chaipo penzira. Pese paiitika izvi, Bharami airova dhongi rake netsvimbo.

Panguva yechitatu, Jehovha akabva aita kuti dhongi racho ritaure. Rakabvunza Bharami kuti: ‘Nei uri kungoramba uchindirova?’ Bharami akati: ‘Wandiita sebenzi. Dai ndanga ndiine bakatwa ndingadai ndakuuraya.’ Dhongi racho rakabva rati: ‘Ndava nemakore akawanda ndichikutakura. Ndakambokuitira zvakadai here?’

Jehovha akabva aita kuti Bharami aone ngirozi iya. Ngirozi yacho ikati kwaari: ‘Jehovha akakuudza kuti usaende kunotuka vaIsraeri.’ Bharami akati: ‘Ndaita zvakaipa. Saka ndava kudzokera kumba.’ Asi ngirozi yacho yakamuti: ‘Unogona kuenda hako kuMoabhi, asi unofanira kungotaura chete zvinhu zvauchaudzwa naJehovha kuti utaure.’

Bharami akadzidza chidzidzo here? Aiwa. Pashure paizvozvo, katatu kese, Bharami akaedza kutuka vaIsraeri asi panzvimbo pezvo, Jehovha akamuita kuti avakomborere. Nekufamba kwenguva, vaIsraeri vakarwa nevaMoabhi, uye Bharami akaurayiwa. Kudai Bharami akateerera zvaainge audzwa naJehovha, angadai asina kufa, handiti?

“Muchenjerere marudzi ese emakaro, nekuti kunyange kana munhu aine zvizhinji, upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.”​—Ruka 12:15