Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 36

Vimbiso yaJefta

Vimbiso yaJefta

VaIsraeri vakaramba Jehovha zvakare, vachibva vatanga kunamata vanamwari venhema. VaAmoni pavakarwisa vaIsraeri, vanamwari venhema ivavo vakanga vasingakwanisi kuvabatsira. VaIsraeri vakatambura kwemakore akawanda. Vakazoti kuna Jehovha: ‘Takatadza. Tinokumbirawo kuti mutinunure pavavengi vedu.’ VaIsraeri vakaparadza zvidhori zvavo, vakabva vatangazve kunamata Jehovha. Jehovha akanga asingachadi kuti varambe vachitambura.

Mumwe musoja ainzi Jefta ndiye akasarudzwa kuti atungamirire pakunorwa nevaAmoni. Akati kuna Jehovha: ‘Kana mukatibatsira kuti tikunde muhondo iyi, ndinokuvimbisai kuti pandichadzokera kumba, ndichakupai munhu anenge atanga kubuda mumba mangu kuti azondichingura.’ Jehovha akanzwa munyengetero waJefta uye akamubatsira kuti akunde muhondo yacho.

Jefta paakadzoka kumba, munhu akatanga kubuda achizomuchingura aiva mwanasikana wake, uyo aiva zai regondo. Aitamba uye airidza tambureni. Ko Jefta aizoita sei? Akayeuka vimbiso yake akabva ati: ‘Maiwe mwanasikana wangu! Chokwadi wandirwadzisa. Ndakaita vimbiso kuna Jehovha. Saka kuti ndiizadzise, ndinofanira kukuendesa kuShiro kuti unoshanda patebhenekeri.’ Asi mwanasikana wake akati kwaari: ‘Baba, kana makavimbisa Jehovha, munofanira kuzadzisa vimbiso yacho. Chandiri kukukumbirai ndechekuti mungondibvumirawo kuenda kumakomo neshamwari dzangu dzechisikana kwemwedzi miviri, ndobva ndazoenda hangu.’ Mwanasikana waJefta akashanda patebhenekeri akatendeka kweupenyu hwake hwese. Gore negore shamwari dzake dzaienda kunomuona kuShiro.

“Munhu wese anoda mwanakomana kana mwanasikana kupfuura ini, haana kukodzera kuva mudzidzi wangu.”​—Mateu 10:37