Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 38

Jehovha Akapa Samsoni Simba

Jehovha Akapa Samsoni Simba

VaIsraeri vakawanda vakatangazve kunamata zvidhori, saka Jehovha akabvumira kuti nyika yavo itongwe nevaFiristiya. Asi paivawo nevamwe vaIsraeri vaida Jehovha. Mumwe wavo ainzi Manoa. Iye nemudzimai wake vakanga vasina vana. Rimwe zuva Jehovha akatuma ngirozi kumudzimai waManoa. Ngirozi yacho yakati kwaari: ‘Uchava nemwanakomana. Achanunura vaIsraeri pakudzvinyirirwa nevaFiristiya. Achange ari muNaziri.’ Unoziva here kuti vaNaziri vaiva vanhu vakaita sei? Vaiva vashumiri vaJehovha vaikosha. Vakanga vasingabvumirwi kugera bvudzi ravo.

Nekufamba kwenguva, Manoa akava nemwanakomana uye akamupa zita rekuti Samsoni. Samsoni paakakura, Jehovha akaita kuti ave nesimba rakawanda chaizvo. Aigona kutouraya shumba nemaoko. Pane imwe nguva, Samsoni akauraya vaFiristiya 30 ari ega. VaFiristiya vaimuvenga uye vakaramba vachitsvaka kuti vomuuraya sei. Rimwe zuva manheru, Samsoni paainge akarara zvake ari kuGaza, vaFiristiya vakaenda kunomira pagedhi reguta kuti vamuuraye mangwanani ezuva raizotevera. Asi pava pakati peusiku, Samsoni akamuka ndokuenda kugedhi reguta, achibva aridzura. Akabva aritakura pamapfudzi ake, ndokukwira naro pamusoro pegomo raiva pedyo neHebroni!

VaFiristiya vakazoenda kumusikana waSamsoni, ainzi Dherira, vachibva vati: ‘Tichakupa zviuru zvemasirivha kana ukanotsvaka kuti nei Samsoni aine simba rakawanda kudaro. Tinoda kumubata, tomukanda mujeri.’ Dherira akabvuma nekuti aida mari. Pakutanga, Samsoni akaramba kumuudza kwaibva simba rake. Asi Dherira akaramba achimumanikidza kusvika azongomuudza. Samsoni akati kwaari: ‘Bvudzi rangu harina kumbobvira ragerwa nekuti ndiri muNaziri. Kana ndikagerwa, simba rangu rinobva rapera.’ Handizvo here kuti Samsoni akakanganisa chaizvo paakaudza Dherira izvozvo?

Dherira akabva anoudza vaFiristiya kuti: ‘Ndava kuziva kunobva simba rake!’ Akazoita kuti Samsoni arare pamakumbo ake, ndokuita kuti mumwe munhu amugere. Dherira akabva ashevedzera achiti: ‘Samsoni, vaFiristiya vauya!’ Samsoni akamuka, asi akanga asisina simba. VaFiristiya vakabva vamubata, vakamutushura maziso, vachibva vamukanda mujeri.

Rimwe zuva vaFiristiya vakawanda vakanga vakaungana mutemberi yamwari wavo Dhagoni, vachishevedzera kuti: ‘Mwari wedu aita kuti tibate Samsoni! Muunzei kuno! Ngaatambe timbomuseka.’ Vakamumisa pakati pembiru mbiri, ndokutanga kumutsvinyira vachimuseka. Samsoni akabva ashevedzera kuti: ‘Haiwa Jehovha chingondipaiwo simba kekupedzisira hako.’ Panguva ino bvudzi rake rakanga rareba zvakare. Akasunda mbiru dzacho nesimba rake rese. Temberi yacho yakabva yadhirika, vanhu vese vaivamo vakafa, uye Samsoni akafirawo imomo.

“Ndine simba rekuita zvinhu zvese nekuti pane anondipa simba.”​—VaFiripi 4:13