Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 41

Dhavhidhi naSauro

Dhavhidhi naSauro

Dhavhidhi paakanga auraya Goriyati, Mambo Sauro akamuita kuti ave mukuru wemasoja ake. Dhavhidhi akakunda muhondo dzakawanda uye akanga ava kuzivikanwa nevanhu vakawanda. Pese paaidzoka kubva kuhondo, vakadzi vaiuya vachitamba uye vachiimba vachiti: ‘Sauro akauraya vavengi zviuru, asi Dhavhidhi akauraya makumi ezviuru!’ Sauro akabva atanga kuitira Dhavhidhi shanje uye aida kumuuraya.

Dhavhidhi aigona chaizvo kuridza rudimbwa. Rimwe zuva Dhavhidhi paairidzira Sauro rudimbwa, Sauro akabva akanda pfumo kuna Dhavhidhi. Dhavhidhi akabva arinzvenga, richibva ranobaya pamadziro. Kubva ipapo, Sauro akaramba achingoedza kuuraya Dhavhidhi. Dhavhidhi akazotiza, akanohwanda kurenje.

Sauro akabva atora masoja 3 000, ndokuenda kunovhima Dhavhidhi. Panguva iyoyo akatombopinda mubako makanga makahwanda Dhavhidhi nevarume vake. Varume vaiva naDhavhidhi vakataurira pasi vachiti: ‘Uyu ndiwo mukana wekuti utouraya Sauro.’ Dhavhidhi akanyahwaira achienda kwaiva naSauro, achibva anocheka mupendero wejasi rake. Sauro haana kuzviona. Pashure paizvozvo Dhavhidhi akanetseka chaizvo kuti akanga asina kuremekedza mambo akazodzwa naJehovha. Haana kubvumira varume vaaiva navo kuti vauraye Sauro. Sauro paakanga abuda mubako racho, Dhavhidhi akatoshevedzera kwaari achimuudza kuti aigona kunge akamuuraya paakawana mukana wacho. Sauro aizosiyana nekuda kuuraya Dhavhidhi here?

Aiwa. Sauro akaramba achivhima Dhavhidhi. Rimwe zuva ari manheru, Dhavhidhi naAbhishai muzukuru wake vakapinda mumusasa waSauro. Abhineri uyo aiva bhodhigadhi waSauro akanga akatorara. Abhishai akabva ati: ‘Ndiwo mukana wacho! Regai ndimuuraye.’ Dhavhidhi akabva ati: ‘Jehovha ndiye achapedzerana naSauro. Rega tingotora pfumo rake nechirongo chake chemvura tobva taenda.’

Dhavhidhi akazokwira mugomo raiva pedyo paaigona kuona musasa waSauro. Akabva ashevedzera achiti: ‘Abhineri, nei usina kuchengetedza mambo wako? Chirongo chemvura nepfumo zvaSauro zviripi?’ Sauro akabva anzwa kuti raiva inzwi raDhavhidhi, ndokubva ati: ‘Waigona kunge wakandiuraya, asi wandisiya. Ndava kuziva kuti ndiwe uchava mambo wevaIsraeri.’ Sauro akabva adzokera kumba kwake. Asi havasi vese vaiva mumhuri yaSauro vaivenga Dhavhidhi.

“Kana zvichiita, itai zvese zvamunogona kuti muve nerugare nevanhu vese. Musatsiva, vadiwa, asi zvisiyirei kuna Mwari kuti aratidze hasha.”​—VaRoma 12:18, 19