Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 43

Chivi Chakaitwa naMambo Dhavhidhi

Chivi Chakaitwa naMambo Dhavhidhi

Sauro paakafa, Dhavhidhi akava mambo. Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ava nemakore 30. Makore sezvaaifamba, mumwe musi manheru paakanga ari pamusoro pedenga reimba yake, akaona mukadzi akanga akanaka. Dhavhidhi akazoziva kuti mukadzi wacho ainzi Bhati-shebha uye kuti akanga akaroorwa nemusoja ainzi Uriya. Dhavhidhi akaita kuti Bhati-shebha aunzwe kumba kwake. Vakabva varara vese uye Bhati-shebha akava nepamuviri. Dhavhidhi akaedza kuhwandisa chikanganiso chake. Akaudza mukuru mukuru wemasoja ake kuti aite kuti Uriya aende pamberi muhondo uye vamwe vodzokera kumashure vachimusiya ega. Uriya paakaurayiwa muhondo, Dhavhidhi akabva aroora Bhati-shebha.

Asi Jehovha akaona zvakaipa zvese zvakanga zvaitika. Aizoita sei? Jehovha akatumira muprofita ainzi Natani kuna Dhavhidhi. Natani akati: ‘Mumwe murume mupfumi akanga aine makwai akawanda, uye murume murombo akanga aine gwai diki rimwe chete raaida chaizvo. Mupfumi uya akatorera murombo gwai rake.’ Dhavhidhi akatsamwa achibva ati: ‘Murume mupfumi iyeye anofanira kufa!’ Natani akabva ati kuna Dhavhidhi: ‘Ndimi murume wacho!’ Dhavhidhi akashungurudzika uye akabva abvuma mhosva yake kuna Natani akati: ‘Ndakatadzira Jehovha.’ Chivi ichi chakaita kuti Dhavhidhi nemhuri yake vatambure chaizvo. Jehovha akaranga Dhavhidhi, asi akamubvumira kuti arambe achirarama nekuti aiva munhu akavimbika uye aizvininipisa.

Dhavhidhi aida kuvakira Jehovha temberi asi Jehovha akasarudza mwanakomana waDhavhidhi ainzi Soromoni kuti avake temberi yacho. Dhavhidhi akatanga kuunganidza zvinhu zvaizoshandiswa naSoromoni uye akati: ‘Temberi yaJehovha inofanira kunge yakanaka chaizvo. Soromoni achiri mudiki, asi ndichamubatsira kugadzirira zvinhu zvinodiwa.’ Dhavhidhi akapa mari yake yakawanda chaizvo kuti ishandiswe pakuvaka. Akatsvaga vashandi vane unyanzvi. Akaunganidza goridhe nesirivha, uye akaita kuti matanda emisidhari aunzwe kubva kuTire nekuSidhoni. Paakanga ava pedyo nekufa, Dhavhidhi akapa Soromoni purani yemavakiro aaizoita temberi. Akati: ‘Jehovha akaita kuti ndikunyorere zvinhu izvi. Jehovha achakubatsira. Usatya. Shinga, utange basa.’

“Munhu anofukidza zvivi zvake haazobudiriri, asi anoreurura ozvisiya achanzwirwa tsitsi.”​—Zvirevo 28:13