Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 48

Mwanakomana Wechirikadzi Akamutswa

Mwanakomana Wechirikadzi Akamutswa

Panguva yekusanaya kwemvura, Jehovha akaudza Eriya kuti: ‘Enda kuZarefati. Chirikadzi iri ikoko ichakupa zvekudya.’ Paakasvika pagedhi reguta, Eriya akaona chirikadzi yaiva murombo ichiunganidza huni. Akakumbira chirikadzi yacho mvura yekunwa. Mukadzi wacho paaienda kunotora mvura, Eriya akabva amuudzawo kuti: ‘Ndiunzirewo chingwa.’ Asi chirikadzi yacho yakati: ‘Handina chingwa chekukupai ini. Ndingori netufurawa netumafuta tunokwana kungobika zvekudya zvangu nemwanakomana wangu chete.’ Eriya akabva audza mukadzi wacho kuti: ‘Jehovha avimbisa kuti kana ukandibikira chingwa, furawa yako nemafuta ako hazvizoperi kusvikira kwanaya zvakare.’

Saka chirikadzi yacho yakaenda kumba ikanobikira muprofita waJehovha chingwa. Sezvakanga zvavimbiswa naJehovha, chirikadzi iya nemwanakomana wayo vakaramba vaine zvekudya munguva yekusanaya kwemvura. Mukadzi wacho akangoramba aine mafuta nefurawa muzvirongo zvake.

Asi pane dambudziko rakazoitika. Mwanakomana wechirikadzi yacho akarwara chaizvo achibva afa. Chirikadzi yacho yakateterera kuna Eriya kuti aibatsire. Eriya akatora mukomana wacho mumaoko aamai vake achibva aenda naye mukamuri repamusoro reimba yechirikadzi yacho. Akanomuradzika pamubhedha, achibva anyengetera achiti: ‘Jehovha ndinokumbirawo kuti muite kuti mwana uyu avezve mupenyu.’ Unoziva here kuti nei zvaizoshamisa kuti Jehovha aite izvozvo? Nekuti sekuziva kwatinoita, hapana mumwe munhu akafa akanga ambomutswa izvi zvisati zvaitika. Uyewo, chirikadzi iyi nemwanakomana wayo vakanga vasitombori vaIsraeri.

Asi mukomana wacho akabva ava mupenyu, ndokutangazve kufema! Eriya akabva ati kuchirikadzi yacho: ‘Ona! Mwanakomana wako ava mupenyu.’ Mukadzi wacho akafara chaizvo ndokuti kuna Eriya: ‘Chokwadi muri munhu waMwari. Ndinodaro nekuti munongotaura zvamunenge maudzwa naJehovha kuti mutaure uye zvinotoitika.’

“Fungai nezvemakunguo: Haadyari mbeu kana kukohwa; haana matura kana tsapi; asi Mwari anoapa zvekudya. Ko imi hamukoshi kupfuura shiri here?”​—Ruka 12:24