Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

CHIDZIDZO 50

Jehovha Anodzivirira Jehoshafati

Jehovha Anodzivirira Jehoshafati

Jehoshafati mambo waJudha, akaparadza atari dzaBhaari nezvidhori zvaiva munyika yacho. Aida kuti vanhu vazive mitemo yaJehovha. Saka akaita kuti machinda nevaRevhi vaende munyika yese yeJudha vachidzidzisa vanhu mitemo yaJehovha.

Vanhu vemamwe marudzi aiva pedyo vaitya kurwisa nyika yeJudha nekuti vaiziva kuti Jehovha akanga aine vanhu vake. Vaitouya nezvipo kuna Mambo Jehoshafati. Asi vaMoabhi, vaAmoni nevaya vaibva kunzvimbo yainzi Seiri vakauya kuzorwisa vaJudha. Jehoshafati aiziva kuti aida kubatsirwa naJehovha. Saka akaita kuti varume, vakadzi nevana, vese vaungane muJerusarema. Akabva anyengetera ari pamberi pavo vese achiti: ‘Jehovha, kana mukasatibatsira, tinokundwa. Tinokumbirawo kuti mutiudze zvekuita.’

Jehovha akapindura munyengetero wacho achiti: ‘Musatya. Ndichakubatsirai. Mirai munzvimbo dzenyu, moramba makamira, muone kuti ndichakuponesai sei.’ Jehovha akavaponesa sei?

Mangwanani ezuva rakatevera, Jehoshafati akasarudza vaimbi, akabva avaudza kuti vafore pamberi pemasoja. Vaimbi vacho vakafora vachibva kuJerusarema vachienda kunzvimbo yainzi Tekoa uko kwairwirwa hondo.

Vaimbi vacho pavaiimba vachifara uye vachirumbidza Jehovha nenzwi guru, Jehovha akarwira vanhu vake. Akaita kuti vaAmoni nevaMoabhi vavhiringidzike, vachibva vatanga kurwisana pachavo, uye hapana kana mumwe chete wavo akapona. Asi Jehovha akadzivirira vanhu veJudha, masoja nevapristi. Vanhu vese vemunyika dzaiva pedyo vakanzwa zvakanga zvaitwa naJehovha, vakabva vaziva kuti Jehovha akanga achiri kudzivirira vanhu vake. Jehovha anoponesa vanhu vake sei? Anoshandisa nzira dzakawanda. Haadi rubatsiro rwevanhu kuti aite izvozvo.

“Hamufaniri zvenyu kurwa muhondo yacho. Endai munzvimbo dzenyu, moramba makamira, muone kuponeswa kwamuchaitwa naJehovha.”​—2 Makoronike 20:17